10 Milagres de Jesus na Bíblia: Lista com versículos e explicação
Os milagres de Jesus são muito mais do que demonstrações de poder sobrenatural; eles são sinais que confirmam sua divindade e missão. Ao longo dos Evangelhos, vemos Cristo curando enfermos, dominando a natureza e vencendo a morte.
Neste guia, selecionamos 10 milagres de Jesus na Bíblia, organizados com referências e uma breve explicação sobre o impacto espiritual de cada um deles.
Os principais milagres de Jesus nos Evangelhos
1. Transformação da Água em Vinho
Referência: João 2:1-11
Explicação: Ocorreu nas Bodas de Caná. Sendo o seu primeiro milagre público, Jesus demonstrou autoridade sobre a matéria e a natureza, revelando sua glória aos discípulos e abençoando a instituição da família.
Jesu Anoshandura Mvura Ichiva Waini
Pazuva rechitatu muchato wakaitwa paKana yomuGarirea. Mai vaJesu vaivapo, uye Jesu navadzidzi vake vakanga vakokwawo kumuchato uyu. Waini yakati yapera, mai vaJesu vakati kwaari, "Havachina waini."
Jesu akapindura akati, "Nhai mai, munondipinzireiko mune izvi? Nguva yangu haisati yakwana."
Mai vake vakati kuvaranda, "Itai zvose zvaanokuudzai."
Pakare ipapo pakanga pane makate amabwe matanhatu, anoshandiswa navaJudha patsika dzavo dzokushamba, rimwe nerimwe raizara namarita ari pakati pamakumi mapfumbamwe nezana namakumi mana.
Jesu akati kuvaranda, "Zadzai makate nemvura." Saka vakaazadza kusvikira pamuromo.
Ipapo akati kwavari, "Chicherai imwe zvino mugoipa kumukuru womutambo."
Vakaita saizvozvo. Uye mukuru womutambo akaravira mvura yakanga yashandurwa ikava waini. Haana kuziva kwayakanga yabva, kunyange zvazvo varanda vakanga vachera mvura vaiziva havo. Ipapo akadana chikomba parutivi akati, "Munhu wose anotanga kubudisa waini inonaka chose, zvino shure kwokunge vanhu vakakokwa vanwa zvakanyanyisa, ipapo anozobudisa isinganaki; asi iwe wachengeta yakaisvonaka kusvikira zvino."
Jesu akaita chiratidzo ichi chokutanga paKana yomuGarirea. Nokudaro akaratidza kubwinya kwake, uye vadzidzi vake vakatenda kwaari.
2. Cura do cego de nascença
Referência: João 9:1-12
Explicação: Jesus usa lodo para curar um homem que nunca havia enxergado. Este milagre prova que Ele é a Luz do Mundo e tem poder para restaurar o que nasceu com defeito.
Jesu Anoporesa Munhu Akaberekwa Ari Bofu
Akati achifamba, akaona murume akanga aberekwa ari bofu. Vadzidzi vake vakamubvunza vakati, "Rabhi, ndianiko akatadza, murume uyu kana kuti vabereki vake, zvaakaberekwa ari bofu?"
Jesu akapindura akati, "Hakusi kutadza kwomurume uyu kana kwavabereki vake kwakaita kuti zvidai, asi izvi zvakaitika kuti basa raMwari riratidzwe muupenyu hwake. Kana achiri masikati kudai, tinofanira kubata basa raiye akandituma. Usiku huri kuuya, husina munhu angagona kushanda basa nahwo. Ndichiri munyika, ndiri chiedza chenyika."
Akati ataura izvozvo, akapfira mate pasi, akakanya dope namate, uye akariisa pameso omurume uya. Akati kwaari, "Enda undoshamba mudziva reSiroami" (shoko iri rinoreva kuti Kutumwa). Saka murume uya akaenda akandoshamba, akadzoka ava kuona.
Vavakidzani vake navaya vakanga vambomuona achipemha vakati, "Ko, uyu haasi iye murume uya aisimbogara achipemha here?"
Vamwe vakati, "Ndiye." Vamwe vakati, "Kwete, anenge akangofanana naye chete."
Asi iye pachake akaramba achiti, "Ndini iye."
Vakamubvunza vakati, "Meso ako akasvinudzwa sei?"
Akapindura akati, "Murume anonzi Jesu akakanya dope akarizora pameso angu. Akandiudza kuti ndiende kuSiroami ndinoshamba. Saka ndakaenda ndikandoshamba, uye ipapo ndakagona kuona."
Vakamubvunza vakati, "Aripiko murume wacho?"
Iye akati, "Handizivi."
3. Multiplicação dos pães e peixes
Referência: Mateus 14:13-21
Explicação: Com apenas cinco pães e dois peixes, Jesus alimentou mais de 5 mil homens. Este sinal revela Cristo como o Pão da Vida, aquele que supre todas as nossas necessidades.
Jesu Anopa Vanhu Zviuru Zvishanu Zvokudya
Jesu paakanzwa zvakanga zvaitika, akabvapo negwa zvisingazivikanwi nevazhinji akaenda kurenje. Vachinzwa izvi, vanhu vazhinji vakamutevera netsoka vachibva kumaguta. Paakabuda mugwa, Jesu akaona vanhu vazhinji, akavanzwira tsitsi uye akaporesa varwere vavo.
Zvino ava madekwana, vadzidzi vake vakauya kwaari vakati, "Tiri musango, uye kwava kusviba. Endesai vanhu ava, kuti vaende mumisha vandozvitengera zvokudya."
Jesu akapindura achiti, "Havafaniri kuenda. Imi vapei chavangadye."
Ivo vakapindura vakati, "Pano tinongova nezvingwa zvishanu nehove mbiri."
Akati, "Uyai nazvo kuno kwandiri." Uye akarayira kuti vanhu vagare pasi pauswa. Akatora zvingwa zvishanu nehove dziya mbiri akatarira kudenga akavonga, akazviropafadza uye akazvimedura. Ipapo akazvipa kuvadzidzi, vadzidzi vakapa vanhu. Vose vakadya vakaguta, uye vadzidzi vakaunganidza zvimedu zvainge zvasara zvikazadza matengu gumi namaviri. Vanhu vakadya vaisvika varume zviuru zvishanu pasingaverengwi vakadzi navana.
4. Jesus acalma a tempestade
Referência: Marcos 4:35-41
Explicação: Com uma ordem, o vento e o mar se aquietam. O milagre ensina sobre a paz que excede o entendimento e a autoridade do Messias sobre a criação.
Jesu Anonyaradza Dutu
Zuva iroro ava madekwana, akati kuvadzidzi vake, "Ngatiyambukirei kuno rumwe rutivi." Vakasiya vanhu vazhinji, vakaenda naye mugwa, sezvaakanga ari. Pakanga pane mamwewo magwa aaiva nawo. Dutu rinotyisa rakauya, uye mafungu akarova igwa, zvokuti rakanga rava pedyo nokunyura. Jesu akanga ari mushure megwa, avete pamutsago. Vadzidzi vake vakamumutsa vakati kwaari, "Mudzidzisi, hamuna hanya here kana tikanyura?"
Akamuka, akarayira mhepo uye akati kumafungu, "Nyarara! Dzikama!" Ipapo mhepo yakapera uye kukadzikama zvikuru.
Akati kuvadzidzi vake, "Munotyireiko zvakadai? Hamusati mava nokutenda here?"
Vakatya uye vakabvunzana vachiti, "Ndianiko uyu? Kunyange mhepo namafungu zvinomuteerera!"
5. Cura da mulher com fluxo de sangue
Referência: Marcos 5:25-34
Explicação: Uma cura que aconteceu pelo toque da fé. Jesus mostra que está atento ao sofrimento individual e que a fé é o canal para receber o milagre.
Uye pakanga pano mukadzi aiva nechirwere chokubuda ropa kwamakore gumi namaviri. Akanga atambudzika zvikuru uye achirapwa navanachiremba vazhinji uye akanga apedza zvose zvaaiva nazvo, asi pachinzvimbo chokuva nani akatonyanyisa kurwara. Akati anzwa nezvaJesu, akauya mushure make mukati mavazhinji uye akabata nguo yake, nokuti akati mumwoyo make, "Kana ndikangobata nguo dzake, ndichaporeswa." Pakarepo tsime reropa rake rakapwa uye akanzwa mumuviri wake kuti akanga asunungurwa kubva pakutambudzika kwake.
Pakarepo Jesu akanzwa kuti simba rakanga rabuda maari. Akatendeukira kuruzhinji rwavanhu akabvunza achiti, "Ndianiko abata nguo dzangu?"
Vadzidzi vake vakati, "Muri kuona vanhu vachikutsimbirirai, zvino moti, ‘Ndianiko andibata?’ "
Asi Jesu akaramba achitarisa-tarisa kuti aone kuti ndiani akanga aita izvozvo. Ipapo mukadzi, achiziva zvakanga zvaitika kwaari, akauya akawira patsoka dzake, uye achidedera nokutya, akamuudza chokwadi chose. Iye akati kwaari, "Mwanasikana, kutenda kwako kwakuporesa. Enda norugare uye usunungurwe pakutambudzika kwako."
6. Libertação do endemoninhado Gadareno
Referência: Marcos 5:1-20
Explicação: Jesus liberta um homem dominado por uma legião de espíritos. É a prova clara de sua autoridade absoluta sobre o reino das trevas.
Kuporeswa kwoMurume Akanga Akabatwa naMadhimoni
Vakayambuka mhiri kwegungwa kunyika yavaGerase. Jesu akati abuda mugwa, mumwe murume akanga ano mweya wakaipa akauya achibva kumakuva kuti azosangana naye. Murume uyu aigara kumakuva, uye kwakanga kusisina munhu aigona kumusungazve, kunyange kana nengetani. Nokuti kazhinji aisungwa maoko namakumbo, asi aidambura ngetani napakati uye achivhuna simbi dzaiva pamakumbo ake. Hakuna munhu aiva nesimba rokumukunda. Usiku namasikati aingochema uye achizvicheka-cheka namabwe ari pakati pamakuva uye nomuzvikomo.
Akati aona Jesu achiri chinhambwe, akamhanya akandowira namabvi ake mberi kwake. Akadanidzira nenzwi riri pamusoro achiti, "Munodeiko kwandiri, Jesu, Mwanakomana waMwari Wokumusoro-soro? Pikai kuna Mwari kuti hamuzonditambudzi!" Nokuti Jesu akanga ati kwaari, "Buda mumunhu uyu, iwe mweya wakaipa!"
Ipapo Jesu akamubvunza akati, "Zita rako ndiwe ani?"
Akapindura akati, "Zita rangu ndiRegioni, nokuti tiri vazhinji." Uye akakumbira akumbirazve kuna Jesu kuti arege kuidzinga kubva munyika iyo.
Boka guru renguruve raifura riri pazvikomo zvaiva pedyo nenzvimbo iyi. Madhimoni akakumbirisa kuna Jesu akati, "Titumei henyu pakati penguruve, titenderei henyu kuti tinopinda madziri." Akaatendera, uye mweya yakaipa yakabuda ikaenda ikandopinda munguruve. Boka rinenge zviuru zviviri pakuwanda, rakamhanya richiburukira kumawere rikapinda mugungwa uye rikanyuramo.
Vaya vakanga vachifudza nguruve vakatiza vakandozivisa izvi muguta nomumaruwa, uye vanhu vakabuda kuti vandoona zvakanga zvaitika. Vakati vasvika kuna Jesu, vakaona murume uya akanga akabatwa neRegioni ramadhimoni, agere ipapo, akapfeka uye ava munhu kwaye; uye vakatya. Vaya vakanga vazviona vakavaudza zvakanga zvaitika kumunhu akanga ambobatwa namadhimoni, uye vakataura nezvenguruvewo. Ipapo vanhu vakatanga kukumbira Jesu kuti abve munyika yavo.
Jesu paakanga opinda mugwa, munhu akanga akabatwa namadhimoni akakumbira zvikuru kuti aende naye. Jesu haana kumutendera, asi akati kwaari, "Chienda kumba kumhuri yako undovaudza zvawaitirwa naShe, uye kuti akunzwira ngoni sei." Saka murume uyu akabva akaenda uye akatanga kutaura muDhekapori zvinhu zvikuru zvaakanga aitirwa naJesu. Uye vanhu vose vakashamiswa.
7. Ressurreição da filha de Jairo
Referência: Marcos 5:21-43
Explicação: Jesus demonstra que a morte para Ele é como o sono. Ele restaura a vida de uma criança, trazendo esperança para uma família desesperada.
Musikana Akanga Afa, noMukadzi Airwara
Jesu akati ayambukazve mhiri negwa kuno rumwe rutivi rwegungwa, vazhinji zhinji vakaungana vakamukomberedza paakanga ari pagungwa. Ipapo mumwe wavabati vomusinagoge, ainzi Jairosi, akasvikapo. Paakaona Jesu akawira patsoka dzake uye akamukumbirisa zvikuru achiti, "Mwanasikana wangu mudiki ava kufa. Ndapota uyai muise maoko enyu pamusoro pake kuti agoporeswa uye ararame." Saka Jesu akaenda naye.
Vazhinji zhinji vakatevera vachimanikidzirana. Uye pakanga pano mukadzi aiva nechirwere chokubuda ropa kwamakore gumi namaviri. Akanga atambudzika zvikuru uye achirapwa navanachiremba vazhinji uye akanga apedza zvose zvaaiva nazvo, asi pachinzvimbo chokuva nani akatonyanyisa kurwara. Akati anzwa nezvaJesu, akauya mushure make mukati mavazhinji uye akabata nguo yake, nokuti akati mumwoyo make, "Kana ndikangobata nguo dzake, ndichaporeswa." Pakarepo tsime reropa rake rakapwa uye akanzwa mumuviri wake kuti akanga asunungurwa kubva pakutambudzika kwake.
Pakarepo Jesu akanzwa kuti simba rakanga rabuda maari. Akatendeukira kuruzhinji rwavanhu akabvunza achiti, "Ndianiko abata nguo dzangu?"
Vadzidzi vake vakati, "Muri kuona vanhu vachikutsimbirirai, zvino moti, ‘Ndianiko andibata?’ "
Asi Jesu akaramba achitarisa-tarisa kuti aone kuti ndiani akanga aita izvozvo. Ipapo mukadzi, achiziva zvakanga zvaitika kwaari, akauya akawira patsoka dzake, uye achidedera nokutya, akamuudza chokwadi chose. Iye akati kwaari, "Mwanasikana, kutenda kwako kwakuporesa. Enda norugare uye usunungurwe pakutambudzika kwako."
Jesu achiri kutaura, vamwe varume vakauya vachibva kumba kwaJairosi, mukuru wesinagoge. Vakati, "Mwanasikana wenyu afa. Muchanetsereiko mudzidzisi?"
Asina hanya nezvavakanga vataura, Jesu akati kumukuru wesinagoge, "Usatya; tenda bedzi."
Haana kutendera mumwe munhu kuti amutevere kunze kwaPetro, Jakobho naJohani mununʼuna waJakobho. Vakati vasvika pamba pomukuru wesinagoge, Jesu akanzwa mheremhere, vanhu vachichema nokuungudza zvikuru. Akapinda akati kwavari, "Ko, mheremhere ndeyeiko nokuungudza uku? Mwana haana kufa asi avete." Asi vakamuseka.
Mushure mokunge avabudisa vose panze, akatora baba namai vomwana navadzidzi vaakanga anavo, akapinda makanga muno mwana. Akamubata noruoko akati kwaari, "Tarita kumi!" (zvichireva kuti, "Musikana, ndinoti kwauri, muka!") Pakarepo musikana akasimuka akafamba-famba (akanga ana makore gumi namaviri okuberekwa). Nokuda kwaizvozvi, vakashamiswa zvikuru. Akarayira nokurayira kukuru kuti parege kuva nomunhu anoziva nezvazvo, uye akavaudza kuti vamupe zvokudya.
8. Jesus anda sobre as águas
Referência: Mateus 14:22-33
Explicação: Ao caminhar sobre o Mar da Galileia, Jesus mostra que não está sujeito às leis da física. O episódio também serve para tratar a fé e a dúvida no coração de Pedro.
Jesu Anofamba Pamusoro peMvura
Pakarepo Jesu akaudza vadzidzi vake kuti vapinde mugwa vafanotungamira kuenda kune rimwe divi, iye ndokusara achiendesa vanhu vazhinji ava. Mushure mokuendesa vanhu vazhinji ava, akakwira mugomo ari oga kundonyengetera. Madekwana akasvika iye achingovako ari oga, asi igwa rakanga rava chinhambwe chikuru kwazvo kubva kunyika asi richitambudzwa namasaisai nokuti mhepo yairwisana naro.
Panguva yechina yousiku Jesu akaenda kwavari, achifamba pamusoro pegungwa. Vadzidzi pavakamuona achifamba pamusoro pegungwa vakatya kwazvo. Vakaridza mhere nokutya vakati, "Hero dzangaradzimu!"
Asi pakarepo Jesu akati kwavari, "Musatya, ndini!"
Petro akapindura akati, "Ishe, kana murimi ndirayirei kuti ndiuye kwamuri ndichifamba pamusoro pemvura."
Iye akati, "Uya."
Ipapo Petro akabuda mugwa akafamba pamusoro pemvura akananga kuna Jesu. Asi akati achiona mhepo ine simba, akatya, ndokubva atanga kunyura, achibva adanidzira achiti, "Ishe, ndiponesei!"
Pakarepo Jesu akatambanudza ruoko rwake akamubata, uye akati kwaari, "Iwe wokutenda kuduku, sei wakahadzika?"
Uye pavakapinda mugwa, mhepo yakanyarara. Ipapo vaya vaiva mugwa vakamunamata vachiti, "Chokwadi muri Mwanakomana waMwari."
9. Cura do paralítico
Referência: Marcos 2:1-12
Explicação: Jesus cura o corpo, mas primeiro perdoa os pecados. Este milagre estabelece que sua missão principal é a reconciliação espiritual do homem com Deus.
Jesu Anoporesa Munhu Akanga Akafa Mutezo
Shure kwamazuva mashoma shoma, Jesu akati apindazve muKapenaume, vanhu vakanzwa kuti akanga auya kumusha. Saka vazhinji vakaungana zvokuti mumba makasara musisina nzvimbo kunyange kunze kwomukova, uye akaparidza shoko kwavari. Vamwe varume vakasvika, vakauya kwaari nomunhu akanga akafa mutezo, akatakurwa navarume vana. Sezvo vakanga vasingagoni kusvika naye kuna Jesu nokuda kwokuwanda kwavanhu, vakazarura denga reimba pamusoro paJesu uye, vakati variputsa, vakaburutsa nhoo pakanga pavete uya munhu akanga akafa mutezo. Jesu akati aona kutenda kwavo, akati kuno uya akanga akafa mutezo, "Mwanakomana, zvivi zvako zvaregererwa."
Zvino vamwe vadzidzisi vomurayiro, vakanga vagere ipapo, vakafunga mumwoyo yavo vachiti, "Munhu uyu anotaura sei achidaro? Ari kumhura Mwari! Ndianiko anoregerera zvivi asi Mwari oga?"
Pakarepo Jesu akazviziva mumweya wake kuti ndizvo zvavakanga vachifunga mumwoyo yavo, uye akati kwavari, "Seiko muchifunga zvinhu izvi? Ndezvipiko zvakareruka: Kuti kuno wakafa mutezo, ‘Zvivi zvako zvaregererwa,’ kana kuti, ‘Simuka, tora nhoo yako ufambe’? Asi kuti muzive kuti Mwanakomana woMunhu ane simba panyika rokuregerera zvivi." Akati kuna akanga akafa mutezo, "Ndinoti kwauri, simuka, tora nhoo yako uende kumba." Akasimuka kubva panhoo yake, akatora nhoo yake akafamba akabuda vose vachizviona. Izvi zvakashamisa munhu wose uye vakarumbidza Mwari vachiti, "Hatina kumboona chinhu chakadai!"
10. Ressurreição de Lázaro
Referência: João 11:1-44
Explicação: O milagre mais impactante antes da crucificação. Ao ressuscitar alguém morto há quatro dias, Jesus declara: "Eu sou a ressurreição e a vida".
Kufa kwaRazaro
Zvino mumwe murume ainzi Razaro akanga achirwara. Aibva kuBhetani, musha waMaria naMarita mukoma wake. Maria uyu, ane hanzvadzi yake Razaro akanga avete achirwara, ndiye uya akadururira mafuta anonhuhwira pana Ishe uye akapukuta tsoka dzake nebvudzi rake. Saka hanzvadzi dzake dzakatuma shoko kuna Jesu, dzikati, "Ishe, uya wamunoda ari kurwara."
Akati anzwa izvozvo, Jesu akati, "Kurwara uku hakumusvitsi kurufu. Kwete, kune chokuita nokukudzwa kwaMwari kuitira kuti Mwanakomana waMwari akudzwe kubudikidza naizvozvo." Jesu aida Marita, nomununʼuna wake uye naRazaro. Asi paakanzwa kuti Razaro akanga achirwara, akagara paakanga ari kwamamwe mazuva maviri.
Ipapo akati kuvadzidzi vake, "Ngatidzokerei kuJudhea."
Vakati kwaari, "Asika Rabhi, nguva pfupi ichangopfuura, vaJudha vakanga vachiedza kukutakai namabwe, zvino munoda kudzokerazve ikoko here?"
Jesu akapindura akati, "Ko, nguva hadzizi gumi nembiri pazuva here? Munhu anofamba masikati haagumburwi, nokuti anoona nechiedza chenyika ino. Anogumburwa paanenge achifamba usiku, nokuti haana chiedza."
Akati ataura izvi, akaenderera mberi achiti kwavari, "Shamwari yedu Razaro avata; asi ndiri kuenda ikoko kunomumutsa."
Vadzidzi vake vakapindura vakati, "Ishe, kana akavata, achaita zviri nani." Jesu akanga achitaura nezvorufu rwake, asi vadzidzi vake vakafunga kuti akanga achireva kuvata hope chaidzo.
Saka ipapo akavataurira pachena akati, "Razaro afa, uye nokuda kwenyu, ndinofara nokuti ndakanga ndisiko, kuitira kuti imi mugotenda. Asi ngatichiendai kwaari."
Ipapo Tomasi Dhidhimo akati kuvadzidzi vose, "Ngatiendei, kuti tinofawo naye."
Jesu Anonyaradza Hanzvadzi dzaRazaro
Jesu paakasvika akawana Razaro anguva ava muguva kwamazuva mana. Bhetani yaiva makiromita angangosvika matatu kubva muJerusarema, uye vaJudha vazhinji vakanga vauya kuna Marita naMaria kuti vazovanyaradza pakurasikirwa kwavo nehanzvadzi yavo. Marita akati anzwa kuti Jesu auya, akabuda kundomuchingamidza, asi Maria akasara mumba.
Marita akati kuna Jesu, "Ishe, dai maiva pano, hanzvadzi yangu ingadai isina kufa. Asi ndinoziva kuti kunyange izvozvi Mwari achakupai zvose zvamuchakumbira."
Jesu akati kwaari, "Hanzvadzi yako ichamukazve."
Marita akati, "Ndinoziva kuti achamukazve pakumuka kwezuva rokupedzisira."
Jesu akati kwaari, "Ndini kumuka noupenyu. Uyo anotenda kwandiri achararama, kunyange dai akafa; uye ani naani anorarama uye anotenda mandiri haangatongofi. Unotenda here izvi?"
Iye akati, "Hongu, Ishe, ndinotenda kuti ndimi Kristu, Mwanakomana waMwari, uyo akanzi achauya panyika."
Akati ataura izvozvo, akadzokera akandodana parutivi mununʼuna wake Maria. Akati, "Mudzidzisi ari pano, uye ari kukubvunza." Maria akati anzwa izvozvo, akasimuka nokukurumidza akaenda kwaari. Zvino Jesu akanga asati apinda mumusha, asi akanga achiri panzvimbo paya paakanga asangana naMarita. VaJudha vakanga vari mumba naMaria, vachimunyaradza, vakati vachiona kuti akurumidza sei kusimuka achibuda kunze, vakamutevera, vachifunga kuti zvimwe akanga oenda kuguva kuti andochema ikoko.
Maria akati asvika panzvimbo pakanga pana Jesu uye akamuona, akawira patsoka dzake akati, "Ishe, dai manga muri pano, hanzvadzi yangu ingadai isina kufa."
Jesu akati achimuona achichema, uye vaJudha vakanga vauya naye vachichemawo, akabatwa neshungu kwazvo mumweya make uye akatambudzika. Akavabvunza akati, "Mamuradzika kupiko?"
Vakati kwaari, "Uyai muone, Ishe."
Jesu akachema.
Ipapo vaJudha vakati, "Onai kuti aimuda sei!"
Asi vamwe vavo vakati, "Ko, uyu akasvinudza bofu akanga asingagoni here kuita kuti munhu uyu arege kufa?"
Jesu Anomutsa Razaro kubva kuVakafa
Jesu, akabatwa neshungu kwazvo, akasvika paguva. Rakanga riri bako rine dombo rakanga rakaradzikwa rakachinjika mukova waro. Akati, "Bvisai ibwe."
Marita, hanzvadzi yomurume akanga afa akati, "Asika, Ishe, pari zvino ava kunhuhwa, nokuti atova mazuva mana arimo."
Ipapo Jesu akati, "Ko, handina kukuudza here kuti kana ukatenda, uchaona kubwinya kwaMwari?"
Saka vakabvisa ibwe. Ipapo Jesu akatarisa kudenga akati, "Baba, ndinokuvongai nokuti mandinzwa. Ndinozviziva kuti munogara muchindinzwa, asi ndareva izvi nokuda kwavanhu vamire pano, kuti vatende kuti imi makandituma."
Akati areva izvozvo, Jesu akadanidzira nenzwi guru akati, "Razaro, buda!" Murume akanga afa uya akabuda, maoko ake namakumbo zvakapombwa nemicheka, uye chiso chake chakafukidzwa nomucheka.
Jesu akati kwavari, "Mubvisei nguo dzomuguva mumurege aende."
Conclusão
Os milagres de Jesus revelam sua autoridade sobre a natureza, as enfermidades, o mundo espiritual e até a morte. Eles não são apenas demonstrações de poder, mas sinais que apontam para sua identidade e missão.
Ao estudar esses milagres, é possível compreender melhor o papel de Jesus e a mensagem central do Evangelho.
Se este conteúdo ajudou você a entender os milagres de Jesus na Bíblia, compartilhe este artigo para que mais pessoas também conheçam esses ensinamentos.