A fé vem pelo ouvir
A fé vem pelo ouvir, e o ouvir pela Palavra de Cristo. Quando a Palavra é proclamada, a fé nasce nos corações. Ouvir a Deus é o primeiro passo para crer e seguir.
A fé vem pelo ouvir
A fé vem pelo ouvir, e o ouvir pela Palavra de Cristo. Quem ouve a Palavra crê e obtém a salvação eterna.
Nokuti hapana musiyano pakati pomuJudha noweDzimwe Ndudzi, nokuti Ishe mumwe ndiye Ishe wavose uye anovaropafadza kwazvo vose vanodana kwaari, nokuti "Ani naani anodana kuzita raShe achaponeswa."
Zvino, vachagodana seiko kuna iye wavasina kutenda kwaari? Uye vangatenda sei kuna iye wavasina kumbonzwa? Vanganzwa seiko kana kusina anovaparidzira? Uye vangaparidza seiko kana vasina kutumwa? Sezvazvakanyorwa zvichinzi: "Dzakanaka sei tsoka dzavanouya namashoko akanaka!"
Asi havasi vaIsraeri vose vakagamuchira mashoko akanaka. Nokuti Isaya anoti, "Ishe, ndianiko akatenda zvatakaparidza?" Naizvozvo, kutenda kunouya nokunzwa, uye kunzwa neshoko raKristu.
Ndinoda kuziva chinhu chimwe chete kubva kwamuri kuti: Makagamuchira Mweya nokuda kwokuchengeta murayiro here, kana nokuda kwokutenda zvamakanzwa?
Nemi makaiswawo muna Kristu pamakanzwa shoko rechokwadi, iro vhangeri rokuponeswa kwenyu. Makati matenda, makaiswa rupau maari nechisimbiso, icho chivimbiso choMweya Mutsvene, anova ndiye rubatso runotitsidzira nhaka yedu kusvikira rudzikinuro rwaavo vari vaMwari chaivo rwaratidzwa, kuti kubwinya kwake kurumbidzwe.
"Ndinokuudzai chokwadi kuti, ani naani anonzwa shoko rangu uye achitenda uyo akandituma, ano upenyu husingaperi uye haachazotongwi, abva murufu uye aenda kuupenyu.
Ndinokuudzai chokwadi kuti, nguva inouya uye yatosvika zvino yokuti vakafa vachanzwa inzwi roMwanakomana waMwari uye avo vanonzwa vachararama.
Hakuna munhu angauya kwandiri kunze kwokunge Baba vakandituma vamukweva, uye ndichamumutsa pazuva rokupedzisira. Muvaprofita makanyorwa muchinzi: ‘Vose vachadzidziswa naMwari.’ Ani naani anoteerera kuna Baba uye anodzidza kubva kwavari anouya kwandiri. Hakuna munhu akaona Baba kunze kwouyo anobva kuna Mwari; ndiye chete akaona Baba. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, uyo anotenda ndiye ano upenyu husingaperi.
Ouvir e obedecer
Felizes os que ouvem a Palavra de Deus e a praticam. Quem tem ouvidos ouça o que o Espírito diz.
Akapindura akati, "Asi vakaropafadzwa avo vanonzwa shoko raMwari uye vachiriteerera."
Munhu ane nzeve dzokunzwa ngaanzwe."
Akati kwavari, "Endai munyika yose muparidze vhangeri kuzvisikwa zvose.
Mavari munozadzisa chiprofita chaIsaya chinoti:
" ‘Muchangoramba muchinzwa asi musinganzwisisi;
muchangoramba muchiona asi musingaonesesi.
Nokuti mwoyo yavanhu ava mikukutu,
havatombonzwi nenzeve dzavo,
uye vakatsinzina meso avo.
Zvichida vangaona nameso avo,
vakanzwa nenzeve dzavo,
vakanzwisisa nemwoyo yavo,
vakapinduka, uye ndikavaporesa.’
Asi akaropafadzwa meso enyu nokuti anoona nenzeve dzenyu nokuti dzinonzwa.
Jesu akadana vanhu vazhinji kwaari akati, "Teererai, munzwisise.
Rerekai nzeve yenyu muuye kwandiri;
ndinzwei kuti mweya yenyu irarame.
Ndichaita sungano isingaperi nemi,
iko kutendeka kworudo rwangu rwakavimbiswa kuna Dhavhidhi.
Iye akati, "Enda undoudza vanhu ava uti,
" ‘Munogara muchinzwa, asi hamumbonzwisisi;
munogara muchiona, asi hamuonesesi.’
Ita kuti mwoyo yavanhu ava isindimare;
ita kuti nzeve dzavo dzisanzwisise
uye vatsinzine meso avo.
Nokuti vangaona nameso avo,
nokunzwa nenzeve dzavo,
vakanzwisisa nemwoyo yavo,
vakadzoka vakaporeswa."
Uye mutinyengetererewo kuti Mwari azarure mukova weshoko redu, kuitira kuti tigoparidza chakavanzika chaKristu, icho chandakasungirwa.