Pular para o conteúdo
Publicidade

A última palavra vem do Senhor

Por Bíblia Online

A última palavra pertence ao Senhor. Os planos do homem estão sujeitos à soberania de Deus. Ele rege toda a história e nenhum de seus propósitos pode ser frustrado.

Kuronga kwomwoyo ndekwomunhu,

asi mhinduro yorurimi inobva kuna Jehovha.

Jehovha anoitira zvinhu zvose magumo azvo;

kunyange akaipa anomuitira zuva renjodzi.

Mwari haasi munhu, kuti angareva nhema,

uye mwanakomana womunhu kuti ashandure pfungwa dzake.

Ko, anotaura akasazviita here?

Anovimbisa akasazadzisa here?

Jehovha akapindura Mozisi achiti, "Ko, ruoko rwaJehovha rwakapfupiswa here? Zvino uchaona kuti zvandinoreva zvichaitika here kana kuti kwete."

saizvozvo neshoko rangu rinobuda mumuromo mangu:

Haringadzokeri kwandiri risina chinhu,

asi richaita zvinondifadza,

uye richaita zvandakarituma.

"Ndini Jehovha, Mwari wavanhu vose. Ko, pane chinhu chingandiomera here?

"Ndinoziva kuti imi munogona kuita zvose;

hapana urongwa hwenyu hungakoneswa.

Jehovha anoita zvose zvinomufadza,

kudenga napasi,

nomumakungwa napakadzika pose.

Iye anotangira zvose, uye zvinhu zvose zvinobatana maari.

Denga nenyika zvichapfuura asi mashoko angu haangatongopfuuri.

Zviri kuuya! Zvirokwazvo zvichaitika, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. Iri ndiro zuva randakareva.

Asi, imi hamutongozivi zvichaitika mangwana. Upenyu hwenyu chiiko? Muri mhute inoonekwa nguva duku uye ipapo yonyangarika. Asi, munofanira kuti, "Kana Ishe achida, tichararama tigoita ichi nechocho."

Seja o primeiro