Publicidade

Admiração

Por Bíblia Online

O temor do Senhor é o princípio da sabedoria. A admiração reverente por Deus é a postura que produz conhecimento, obediência e bênção na vida do crente.

Kutya Jehovha ndiwo mavambo ezivo,

asi mapenzi anoshora uchenjeri nokurayirwa.

"Kutya Jehovha ndiwo mavambo ouchenjeri,

uye kuziva Iye Mutsvene ndiko kunzwisisa.

Kutya Jehovha kunodzidzisa munhu uchenjeri,

uye kuzvininipisa kunotanga, kukudzwa kwozotevera.

Zviri nani kuva nezvishoma uchitya Jehovha,

pane kuva nepfuma zhinji namatambudziko.

Kutya Jehovha ndiko kuvenga zvakaipa;

ndinovenga kuzvikudza namanyawi,

maitiro akaipa nokutaura kunonyangadza.

Kuzvininipisa nokutya Jehovha

kunouyisa pfuma nokukudzwa uye noupenyu.

Usazviita munhu akachenjera pamaonero ako;

itya Jehovha uvenge zvakaipa.

Izvi zvichava utano pamuviri wako

uye nokusimbiswa kwamapfupa ako.

Zvinofadza zvinonyengera, uye runako ndorwenguva duku;

asi mukadzi anotya Jehovha anofanira kurumbidzwa.

Zvino zvose zvanzwikwa;

houno mugumo wenyaya yacho:

Itya Mwari uchengete mirayiro yake,

nokuti iri ndiro basa rose romunhu.

Kutya Jehovha ndiwo mavambo enjere;

vose vanotevera mitemo yake vanonzwisisa.

Kurumbidzwa ndokwake nokusingaperi.

Rumbidzai Jehovha.

Akaropafadzwa munhu anotya Jehovha,

anofarira mirayiro yake zvikuru.

Rwiyo rworwendo.

Vakaropafadzwa vose vanotya Jehovha,

vanofamba munzira dzake.

Asi meso aJehovha ari pamusoro paavo vanomutya,

napamusoro paavo vakaisa tariro yavo murudo rwake rusingaperi,

Mwari achatiropafadza,

uye migumo yose yepasi ichamutya.

Asi kunemi munotya zita rangu, zuva rokururama richabuda rino kuporesa mumapapiro aro. Uye muchabuda muchisvetuka semhuru dzabudiswa muchirugu.

Itya Jehovha

Zvino, iwe Israeri, Jehovha Mwari wako anodeiko kwauri kunze kwokuti utye Jehovha Mwari wako, ufambe munzira dzake dzose, umude, uye ushumire Jehovha Mwari wako nomwoyo wako wose nomweya wako wose, uye uchengete mirayiro yaJehovha nemitemo yake yandinokupai nhasi kuti zvikunakire?

NdiJehovha Mwari wenyu wamunofanira kutevera, uye ndiye wamunofanira kukudza. Chengetai mirayiro yake mugomuteerera; mumushumire uye munamatire kwaari.

Uye nokuda kwokuti vananyamukuta vaitya Mwari, iye akavapa mhuri dzavo pachavo.

Shamwari dzinodikanwa, sezvo tine zvipikirwa izvi, ngatizvinatsei kubva pazvinhu zvinosvibisa muviri nomweya, tichikwanisa utsvene pakutya Mwari.

Ripirai vose vamunofanira kuripira: Kana uri mutero, ripai mutero; kana iri miripo, ngairipwe, kana kuri kutya, kuna vanofanira kutyiwa, kana rwuri rukudzo, kuna vanofanira kukudzwa.

"Munhu asina tariro anofanira kuwana rudo rweshamwari dzake,

kunyange iye arega kutya Wamasimba Ose.

Seja o primeiro
Publicidade
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-29_22-07-56-