Pular para o conteúdo
Publicidade

Adoração

Por Bíblia Online

A adoração é a resposta do coração humano à majestade de Deus. Deus é Espírito e importa que os que o adoram o adorem em espírito e em verdade — com todo o ser.

Adorar em espírito

Deus é Espírito e importa que os adoradores o adorem em espírito e em verdade. A adoração verdadeira brota do coração.

Mwari mweya, uye vanomunamata vanofanira kumunamata mumweya nomuzvokwadi."

Asi nguva inouya uye yatouya zvino apo vanamati vechokwadi vachanamata Baba mumweya nomuzvokwadi, nokuti ndivo vanamati vanotsvakwa naBaba kuti vamunamate. Mwari mweya, uye vanomunamata vanofanira kumunamata mumweya nomuzvokwadi."

Jesu akati, "Mai, nditendei, nguva inouya yamuchanamata Baba musiri pagomo rino kana muJerusarema. Imi vaSamaria munonamata chamusingazivi; isu tinonamata chatinoziva, nokuti ruponeso runobva kuvaJudha. Asi nguva inouya uye yatouya zvino apo vanamati vechokwadi vachanamata Baba mumweya nomuzvokwadi, nokuti ndivo vanamati vanotsvakwa naBaba kuti vamunamate.

Ipapo murume uya akati, "Ishe, ndinotenda," akabva amunamata.

Jesu akati kwaari, "Ibva pandiri Satani! Nokuti kwakanyorwa kuchinzi, Namata Ishe Mwari wako uye umushumire iye oga.’ "

Jesu akapindura akati, "Kwakanyorwa kuchinzi, Namata Ishe Mwari wako umushumire iye oga.’ "

Chibayiro Chipenyu

Naizvozvo, ndinokumbira zvikuru kwamuri, hama dzangu, netsitsi dzaMwari, kuti mupe miviri yenyu sechibayiro chipenyu, chitsvene uye chinofadza Mwari, uku ndiko kunamata kwenyu kwomweya.

Chibayiro Chipenyu

Naizvozvo, ndinokumbira zvikuru kwamuri, hama dzangu, netsitsi dzaMwari, kuti mupe miviri yenyu sechibayiro chipenyu, chitsvene uye chinofadza Mwari, uku ndiko kunamata kwenyu kwomweya. Musaramba muchizvienzanisa namaitiro enyika ino, asi mushandurwe nokuvandudzwa kwepfungwa dzenyu. Ipapo muchakwanisa kuti muedze uye mugoziva kuti kuda kwaMwari ndokupi, kuda kwake kwakanaka, kunomufadza uye kwakakwana.

Nokuti zvose zvinobva kwaari uye zviripo kubudikidza naye uye zvose ndezvake.

Ngaave nokubwinya nokusingaperi! Ameni.

"Nokuti kwakanyorwa kuchinzi:

" Zvirokwazo noupenyu hwangu,ndizvo zvinotaura Ishe,

ibvi rimwe nerimwe richapfugama pamberi pangu;

rurimi rumwe norumwe ruchareurura kuna Mwari.’ "

Louvor e reverência

Vinde, adoremos e prostremo-nos. Louvai ao Senhor! Todo ser que respira louve o nome glorioso do Senhor.

Uyai tikotame, tinamate,

ngatipfugamei pamberi paJehovha Muiti wedu;

Uyai tikotame, tinamate,

ngatipfugamei pamberi paJehovha Muiti wedu;

Rumbidzai Jehovha.

Rumbidzai Mwari munzvimbo yake tsvene;

murumbidzei mumatenga esimba rake.

Murumbidzei nokuda kwamabasa ake esimba;

murumbidzei nokuda kwoukuru hwake hunokunda zvose.

Murumbidzei nenzwi rehwamanda,

murumbidzei nembira nomutengeranwa.

Murumbidzei nematambureni muchitamba,

murumbidzei norudimbwa nenyere.

Murumbidzei namakandira anorira,

murumbidzei namakandira anorira kwazvo.

Zvinhu zvose zvinofema, ngazvirumbidze Jehovha.

Rumbidzai Jehovha.

Zvinhu zvose zvinofema, ngazvirumbidze Jehovha.

Rumbidzai Jehovha.

Pindai pamasuo ake nokuvonga

nomuvanze dzake nokurumbidza;

chimuvongai uye murumbidze zita rake.

Ipai kuna Jehovha rukudzo rwakafanira zita rake;

namatai Jehovha mukubwinya kwoutsvene hwake.

Danidzirai nomufaro kuna Mwari, imi nyika yose!

Imbirai mukurumbira wezita rake;

murumbidze zvikuru kukudzwa kwake!

Muti kuna Mwari, "Mabasa enyu anotyisa sei!

Simba renyu iguru zvokuti vavengi venyu

vanodedera pamberi penyu.

Nyika yose inokukotamirai;

vanokuimbirai nziyo dzokurumbidza,

vanoimba nziyo dzokurumbidza zita renyu." Sera

Ndakachema kwaari nomuromo wangu; rumbidzo yake yaiva parurimi rwangu.

Ndudzi dzose dzamakaita dzichauya

kuzonamata pamberi penyu, imi Ishe;

dzicharumbidza zita renyu.

Nokuti imi muri mukuru uye munoita zvinhu zvinoshamisa;

imi moga ndimi Mwari.

Rumbidza Jehovha, iwe mweya wangu;

zvose zviri mukati mangu, ngazvirumbidze zita rake dzvene.

Vongai Jehovha, danai kuzita rake;

zivisai zvaakaita pakati pendudzi.

Haiwa Mwari, ndimi Mwari wangu,

ndinokutsvakai nomwoyo wose;

mwoyo wangu une nyota kwamuri,

muviri wangu unokupangai,

munyika yakaoma

uye yasakara isina mvura.

Nokuti rudo rwenyu runokunda upenyu,

miromo yangu ichakurumbidzai.

Ndichakurumbidzai ndichiri mupenyu,

uye ndichasimudza maoko angu muzita renyu.

Declarações de adoração

Tu és digno, Senhor, de receber glória e honra! Ao Senhor pertence a grandeza, o poder, a glória e a majestade.

"Makafanira, Ishe naMwari wedu,

kugamuchira kubwinya nokukudzwa, uye nesimba,

nokuti makasika zvinhu zvose,

nokuda kwenyu zvakasikwa,

uye zviripo nokuda kwenyu."

Akati nenzwi guru, "Ityai Mwari uye mumupe mbiri, nokuti nguva yokutonga kwake yasvika. Namatai iye akaita matenga, nyika, gungwa namatsime emvura."

Ndianiko angarega kukutyai, imi Ishe,

kana kukudza zita renyu?

Nokuti ndimi moga mutsvene.

Ndudzi dzose dzichauya

dzigonamata pamberi penyu,

nokuti mabasa enyu akarurama akaratidzwa."

Ini Johani, ndini ndakanzwa uye ndikaona zvinhu izvi. Uye ndakati ndazvinzwa uye ndazviona, ndakawira pasi kuti ndinamate ndiri patsoka dzomutumwa akanga andiratidza zvinhu izvi. Asi akati kwandiri, "Rega kudaro! Ndiri muranda pamwe chete newe uye nehama dzako vaprofita navose vanochengeta mashoko ebhuku iri. Namata Mwari!"

Ukuru nesimba ndezvenyu, imi Jehovha,

kukudzwa noushe nokubwinya,

nokuti zvose zviri kudenga napasi ndezvenyu.

Umambo ndohwenyu,

imi Jehovha munokudzwa somusoro wezvose.

Vongai Jehovha nokuti akanaka;

rudo rwake runogara nokusingaperi.

Danidzirai muchiti, "Tiponesei, imi Mwari Muponesi wedu;

tiunganidzei uye mutirwire pandudzi,

kuti tigovonga zita renyu dzvene

kuti tifarisise mukukurumbidzai."

Rumbidzai Jehovha, Mwari waIsraeri,

kubva pakusingaperi kusvikira pakusingaperi.

Ipapo vanhu vose vakati, "Ameni" uye vakarumbidza Jehovha.

Vongai Jehovha nokuti akanaka;

rudo rwake runogara nokusingaperi.

Muimbirei, muimbirei nziyo dzokurumbidza;

taurai zvose zvamabasa ake anoshamisa.

Naizvozvo Mwari akamukudza panzvimbo yapamusoro-soro,

uye akamupa zita riri pamusoro pamazita ose,

kuti muzita raJesu mabvi ose apfugame,

mudenga napanyika uye napasi penyika,

uye ndimi dzose dzipupure kuti Jesu Kristu ndiye Ishe,

kuti Mwari Baba vakudzwe.

Sacrifício de louvor

Por meio de Jesus ofereçamos sempre sacrifício de louvor. Cantai ao Senhor, celebrai em salmos — enchei-vos do Espírito.

Naizvozvo, kubudikidza naJesu ngatirambei tichipa kuna Mwari chibayiro chokumurumbidza, ndicho chibayiro chemiromo inopupura zita rake.

Naizvozvo, zvatinogamuchira ushe husingagoni kuzungunuswa, ngativongei, uye tinamate Mwari zvinogamuchirika, tichimukudza uye tichimutya, nokuti "Mwari wedu moto unoparadza."

Mutaure kuno mumwe nomumwe wenyu namapisarema, nedzimbo uye nenziyo dzomweya. Muimbe uye muridzire Ishe mimhanzi mumwoyo yenyu,

Shoko raKristu ngarigare zvakakwana mamuri pamunenge muchidzidzisana muchirayirana nouchenjeri hwose, uye muchiimba mapisarema, dzimbo nenziyo dzomweya muchivonga Mwari mumwoyo yenyu.

Panenge pakati pousiku, Pauro naSirasi vakanga vachinyengetera uye vachiimba nziyo kuna Mwari, uye vamwe vasungwa vakanga vakavateerera.

Mwari woKunyaradza Kwose

Ngaarumbidzwe Mwari naBaba vaIshe wedu Jesu Kristu, ivo Baba vengoni naMwari wokunyaradza kwose, ivo vanotinyaradza pamatambudziko edu ose, kuti tigone kunyaradza avo vari mumatambudziko nokunyaradza kwatakawana isu kubva kuna Mwari.

Tinoparidza kwamuri zvatakaona nezvatakanzwa, kuti nemiwo mugowadzana nesu. Uye tinowadzana naBaba noMwanakomana wavo, Jesu Kristu.

Adoração como vida

Exaltai ao Senhor, prostrai-vos ante o escabelo dos seus pés. A adoração genuína transforma o adorador e agrada o Criador.

Kudzai Jehovha Mwari wedu

nokunamata pachitsiko chetsoka dzake;

iye mutsvene.

Muromo wangu uzere nerumbidzo yenyu,

ndinoparidza kubwinya kwenyu zuva rose.

Imbirai Mwari, imbirai zita rake nziyo dzokurumbidza,

murumbidzei zvikuru iye anofamba pamusoro pamakore,

zita rake ndiJehovha,

uye farai pamberi pake.

Baba venherera, mudziviriri wechirikadzi,

ndiye Mwari ari paugaro hwake utsvene.

Ndichatenda Jehovha nokuda kwokururama kwake,

uye ndichaimbira zita raJehovha Wokumusoro-soro nziyo dzokurumbidza.

Ndichaparidza zita renyu kuhama dzangu;

ndichakurumbidzai paungano.

Imi munotya Jehovha, murumbidzei!

Imi mose zvizvarwa zvaJakobho, mukudzei!

Mutyei, imi mose zvizvarwa zvaIsraeri!

Ndinotambanudzira maoko angu kwamuri;

mweya wangu unokushuvai senyika yakaoma. Sera

Wakasuwireiko, nhai mweya wangu?

Unotambudzwa neiko mukati mangu?

Isa tariro yako muna Mwari,

nokuti ndichamurumbidzazve.

Muponesi wangu naMwari wangu.

Ndakati kuna Jehovha, "Ndimi Ishe wangu;

kunze kwenyu handina chinhu chakanaka."

Shumirai Jehovha nokutya,

uye mufare nokudedera.

Ndichafara nokufarisisa mamuri;

ndichaimbira zita renyu nziyo dzokurumbidza, imi Wokumusoro-soro.

Falsa adoração

Não terás outros deuses diante de mim. Não adorarás ídolos. A adoração exclusiva ao Senhor é mandamento inegociável.

Usazvipfugamira kana kuzvinamata, nokuti ini Jehovha Mwari wako, ndiri Mwari ane godo, ndinoranga vana nokuda kwechivi chamadzibaba kusvikira kuchizvarwa chechitatu nechechina cheavo vanondivenga,

Musanamata vamwe vamwari vapi zvavo, nokuti Jehovha, iye ane zita rinonzi Godo, ndiye Mwari ane godo.

Kana Mozisi apinda mutende, shongwe yegore yaiburuka yobva yamira pamukova, Jehovha achitaura naMozisi. Vanhu vaiti vangoona shongwe yegore pamukova wokupinda mutende, vose vaimira vobva vanamata, mumwe nomumwe pamukova wetende rake.

"Jehovha ndiye simba rangu norwiyo rwangu;

iye ava ruponeso rwangu.

Ndiye Mwari wangu, uye ndichamurumbidza,

Mwari wababa vangu, uye ndichamukudza.

"Ndianiko pakati pavamwari akaita semi, imi Jehovha?

Ndiani akaita semi,

paumambo noutsvene,

mukubwinya kunotyisa,

anoita zvishamiso?

Namatai Jehovha Mwari wenyu, uye ipapo maropafadzo ake achava pane zvokudya zvenyu nemvura yenyu. Ndichabvisa urwere kubva pakati penyu,

Ndiye rumbidzo yenyu; ndiye Mwari wenyu, iye akakuitirai zvinhu zvikuru nezvishamiso zvinotyisa zviya zvamakaona nameso enyu.

Ipapo pamberi paJehovha Mwari wenyu, imi nemhuri dzenyu muchadya mugopembera pamusoro pezvinhu zvose zvamakabata namaoko enyu, nokuti Jehovha Mwari wenyu akuropafadzai.

Vakamuita kuti ave negodo nokuda kwavamwari vokumwe

uye vakamutsamwisa nezviumbwa zvinonyangadza.

Vakabayira kumadhimoni, asiri Mwari,

vamwari vavakanga vasingazivi,

vamwari vatsva vakanga vachangomuka,

vamwari vakanga vasingazivikanwi namadzibaba enyu.

Wakasiya Ibwe rakakubereka;

wakakanganwa Mwari akakubereka.

Chenjerai kuti murege kunyengerwa mumwoyo yenyu kuti mutsauke muchinamata vamwe vamwari uye nokuvapfugamira.

Ishe anoti:

"Vanhu ava vanoswedera kwandiri nemiromo yavo,

uye vanondikudza nemiromo yavo,

asi mwoyo yavo iri kure neni.

Kundinamata kwavo

kwangova kwemitemo inodzidziswa navanhu chete.

Rumbidzo kuna Jehovha

Haiwa, Jehovha ndimi Mwari wangu;

ndichakukudzai uye ndicharumbidza zita renyu,

nokuti nokutendeka kukuru

makaita zvinhu zvinoshamisa,

zvinhu zvamakaronga kare kare.

Asi Mwari akavafuratira akavasiya kuti vanamate hondo dzokudenga, sezvazvakanyorwa mubhuku ravaprofita zvichinzi:

" Makandivigira zvibayiro nezvipo

makore makumi mana murenje here, imi imba yaIsraeri?

Makatakura tabhenakeri yaMoreki

nenyeredzi yamwari wenyu Refani,

zvifananidzo zvamakaita kuti muzvinamate.

Naizvozvo ndichakuendesai kuutapwamberi kweBhabhironi.

Musarega munhu upi zvake anofarira kuzvininipisa kwenhema uye kunamata vatumwa achikutorerai mubayiro wenyu. Munhu akadaro anorondedzera zvikuru pamusoro pezvaakaona, uye nokufunga kwake kwenyama anozvikudza pasina. Akarasika kubva paMusoro, uyo kubva pauri muviri wose, wakasimbiswa uye wakabatanidzwa pamwe chete nemitezo yawo namarunda, unokura sezvinoda Mwari.

Musarega munhu upi zvake achikunyengerai nenzira ipi zvayo, nokuti zuva iro harisviki kusvikira kumukira kwaitika uye munhu wokutsauka aratidzwa, iye munhu akatongerwa kuparadzwa. Achapikisa uye achazvisimudzira pamusoro pezvinhu zvinonzi Mwari kana zvinonamatwa, nokudaro anozvigadza mutemberi yaMwari achizviita Mwari.

Exemplos de adoração

Jó adorou em meio ao sofrimento. Esdras adorou na restauração. Paulo e Silas adoraram na prisão — e Deus respondeu.

Ipapo Jobho akasimuka ndokubvarura nguo dzake akaveura musoro wake. Ipapo akawira pasi akanamata achiti:

"Ndakabuda mudumbu ramai vangu ndiri mushwi,

uye ndichadzokera ndiri mushwi.

Jehovha akapa uye Jehovha akatora,

Zita raJehovha ngarirumbidzwe."

Vakaimba kuna Jehovha vachirumbidza nokutenda, vachiti:

"Jehovha akanaka;

rudo rwake kuna Israeri runogara nokusingaperi."

Uye vanhu vose vakadanidzira nenzwi guru rokurumbidza kuna Jehovha, nokuti nheyo dzeimba yaJehovha dzakanga dzateyiwa.

Zvino ini Nebhukadhinezari, ndinorumbidza, ndinosimudzira uye ndinokudza Mambo wokudenga, nokuti zvose zvaanoita zvakarurama uye nzira dzake dzose dzakarurama. Uye iye anogona kuninipisa vaya vanofamba mukuzvikudza.

"Haiwa muri mukuru, imi Ishe Jehovha! Hakuna mumwe akafanana nemi, uye hakuna mumwe Mwari kunze kwenyu, sezvatakanzwa nenzeve dzedu.

"Hakuna mutsvene akaita saJehovha;

hakuna mumwe kunze kwenyu;

hakuna Dombo rakaita saMwari wedu.

Ipapo vaRevhi vaiti: Jeshua, Kadhimieri, Bhani, Hashabhineya, Sherebhia, Hodhia, Shebhania naPetahia vakati, "Simukai murumbidze Jehovha Mwari wenyu, anogara nokusingaperi-peri."

"Zita renyu rinobwinya ngariropafadzwe pamusoro pamakomborero nerumbidzo dzose.

Kunyange dai muonde ukasatunga maruva,

uye mizambiringa ikashayiwa zvibereko,

kunyange kubereka kwomuorivhi kukakona,

uye minda ikasabereka zvokudya,

kunyange dai kukasava namakwai muchirugu

uye mombe dzikashayikwa mumatanga,

kunyange zvakadaro, ndichafara muna Jehovha,

ndichava nomufaro muna Mwari Muponesi wangu.

Ipapo muchadana kwandiri uye muchauya kuzonyengetera kwandiri, neni ndichakunzwai.

Swederai kuna Mwari uye iye achaswedera kwamuri. Shambai maoko enyu, imi vatadzi, uye munatse mwoyo yenyu, imi vane mwoyo miviri.

Seja o primeiro