O adultério
O adultério é pecado grave que destrói alianças, famílias e vidas. A Bíblia condena firmemente a infidelidade conjugal e chama à pureza, fidelidade e santidade no casamento.
A lei de Deus
Não adulterarás. Quem comete adultério destrói a própria alma. A Palavra de Deus é clara e direta sobre este pecado.
Usaita upombwe.
" ‘Kana mumwe akaita upombwe nomukadzi womumwe murume, kana nomukadzi womuvakidzani wake, vose murume mhombwe nomukadzi chifeve vanofanira kuurayiwa.
" ‘Usasangana nomukadzi womuvakidzani wako ugozvisvibisa naye.
Asi munhu anoita upombwe, anoshayiwa njere;
ani naani anozviita anozviparadza iye pachake.
Asi munhu anoita upombwe, anoshayiwa njere;
ani naani anozviita anozviparadza iye pachake.
Kurohwa nokunyadziswa ndiwo mugove wake,
uye kunyadziswa kwake hakungatongobviswi;
nokuti godo rinomutsa hasha dzomurume,
uye haanganzwiri tsitsi kana otsiva.
Haangagamuchiri muripo upi zvawo;
acharamba fufuro, kunyange rakakura sei.
Ko, munhu angaisa moto pamakumbo ake,
nguo dzake dzikasatsva here?
Ko, munhu angafamba pamazimbe anopisa,
tsoka dzake dzikasatsva here?
Ndizvo zvakaita uyo anorara nomudzimai womumwe murume;
hapana angabate mukadzi iyeyo akasarangwa.
Jesus ensina
Quem olhar para uma mulher com intenção impura já adulterou no coração. Jesus elevou o padrão da pureza.
"Makanzwa zvichinzi, ‘Usaita upombwe.’ Asi ini ndinoti kwamuri ani naani anotarisa mukadzi neziso roruchiva atoita upombwe naye mumwoyo make.
Asi ndinokuudzai kuti ani naani anoramba mukadzi wake kunze kwemhosva yokusatendeka muwaniso anomuitisa upombwe, uye ani naani anowana mukadzi akarambwa anoita upombwe.
Nokuti mumwoyo munobuda pfungwa dzakaipa, umhondi, upombwe, unzenza, umbavha, uchapupu hwenhema nokureva nhema pamusoro pavamwe vanhu.
Akapindura akati, "Ani naani anoramba mukadzi wake uye akawana mumwe mukadzi, ava kuita upombwe naye. Uye kana iye akarambawo murume wake uye akawanikwa nomumwe murume, anoita upombwe naye."
"Ani naani anoramba mukadzi wake akawana mumwe mukadzi anoita upombwe, uye murume anowana mukadzi akarambwa anoita upombwe.
uye vakati kuna Jesu, "Mudzidzisi, mukadzi uyu abatwa achiita upombwe. MuMurayiro Mozisi akatirayira kuti titake namabwe vakadzi vakadai. Zvino imi munoti kudii?" Vakanga vachishandisa mubvunzo uyu kuti vamuteye, vawane hwaro hwokumupa mhosva.
Asi Jesu akakotama akatanga kunyora pasi nomunwe wake. Vakati varamba vachimubvunza, akatwasuka akati kwavari, "Kana pane asina chivi pakati penyu, ngaave iye wokutanga kupotsera dombo kwaari." Akakotamazve akanyora pasi.
Vakati vanzwa izvi, vose vakatanga kubva vachiita mumwe mumwe, kutanga vakuru, kusvikira Jesu asara oga, uye mukadzi achakangomirapo. Jesu akatwasuka akati kwaari, "Mai, varipiko vaya vanga vachikupomera mhosva? Hapana akutonga here?"
Iye akati, "Hapana, Ishe."
Jesu akati, "Neniwo handikupi mhosva. Zvino chienda, uye usiye upenyu hwako hwechivi."
Armadilhas e consequências
Os lábios da mulher estranha destilam mel, mas o seu fim é amargo. Fuja da imoralidade — o adultério escraviza.
Nokuti miromo yomukadzi chifeve inodonha uchi,
nomutauriro wake unotedza kupfuura mafuta;
asi pakupedzisira anovava senduru,
anopinza somunondo unocheka namativi ose.
Tsoka dzake dzinoenda kurufu;
nhambwe dzake dzinonanga kuguva.
Haafungi pamusoro penzira youpenyu;
nzira dzake dzakaminama, asi iye haazvizivi.
Nokuti miromo yomukadzi chifeve inodonha uchi,
nomutauriro wake unotedza kupfuura mafuta;
asi pakupedzisira anovava senduru,
anopinza somunondo unocheka namativi ose.
Tsoka dzake dzinoenda kurufu;
nhambwe dzake dzinonanga kuguva.
Haafungi pamusoro penzira youpenyu;
nzira dzake dzakaminama, asi iye haazvizivi.
Saka zvino, vanakomana vangu, nditeererei;
musatsauka pane zvandinotaura.
Fambai nenzira iri kure naye,
musasvika pedyo nomusuo wemba yake,
kuti murege kupa vamwe zvakanaka zvesimba renyu,
uye namakore enyu kuno uyo ane utsinye,
Fambai nenzira iri kure naye,
musasvika pedyo nomusuo wemba yake,
kuti murege kupa vamwe zvakanaka zvesimba renyu,
uye namakore enyu kuno uyo ane utsinye,
kuti vatorwa varege kudya upfumi hwenyu,
uye kushanda kwenyu nesimba kurege kupfumisa imba yomumwe munhu.
Pakupedzisira kwoupenyu hwako uchagomera,
kana nyama nomuviri wako zvaparadzwa.
Uchazoti, "Mavengero andaiita kurayirwa!
Mashorero aiita mwoyo wangu kudzorwa!
Ndakanga ndisingateereri vadzidzisi vangu,
kana kunzwa varairidzi vangu.
Ndasvika pakuparara chaiko
pakati peungano yose."
Sehadzi yengururu inofadza, nehadzi yenondo yakanaka,
mazamu ake ngaakufadze nguva dzose,
ugare uchigutswa norudo rwake.
Unosungirweiko, mwanakomana wangu, nomukadzi chifeve?
Unombundikirireiko chipfuva chomukadzi womumwe murume?
Nokuti imba yake inoenda kurufu,
uye nzira dzake kumweya yavakafa.
Hakuna anoenda kwaari achidzoka
kana kuzowana nzira dzoupenyu.
Muromo womukadzi chifeve igomba rakadzika;
uyo ari pasi pokutsamwa kwaJehovha achawira mariri.
Tizai upombwe. Zvimwe zvivi zvose zvingaitwa nomunhu zviri kunze kwomuviri wake, asi uyo anoita chivi choupombwe anotadzira muviri wake.
Saka ndinoti, raramai noMweya, uye hamungazofadzi nyama nokuchiva kwayo. Nokuti nyama inoshuva zvinopesana noMweya, uye Mweya anopesanawo nezvinoshuviwa nenyama. Izvi zvinorwisana pachazvo, kuti murege kuita zvamunoda.
Mabasa enyama ndiwo aya: upombwe, tsvina, utere; kunamata zvifananidzo, uroyi, ruvengo, gakava, godo, kutsamwa, kuzvikudza, kuparadzana, dzidziso dzakatsauka nokugodorana; kudhakwa, kutamba kwakaipa, nezvimwe zvakadaro. Ndinokuyambirai, sezvandakamboita kare kuti avo vana mararamiro iwaya havangagari nhaka youmambo hwaMwari.
Kuwanana ngakukudzwe navose, uye nhoo yewanano ngairege kusvibiswa, nokuti Mwari achatonga mhombwe navose vanofeva.
Kuda kwaMwari kuti muitwe vatsvene: kuti murege upombwe; kuti mumwe nomumwe wenyu adzidze kudzora muviri wake nenzira tsvene uye inokudzwa, asingaiti mukuchiva sezvinoitwa navahedheni, vasingazivi Mwari;
Imi vanhu voupombwe, hamuzivi kuti ushamwari nenyika hunovengana naMwari here? Ani naani anosarudza kushamwaridzana nenyika anova muvengi waMwari.
Ndakamupa nguva yokutendeuka paupombwe hwake, asi haana kutendeuka. Saka ndichamuisa panhoo yokutambudzika, uye ndichaita kuti vaya vaiita upombwe naye vatambudzike zvikuru, kana vakasatendeuka munzira dzavo.