Publicidade

Agradecimento a Deus

Por Bíblia Online

Agradecer a Deus é louvor, adoração e reconhecimento da sua soberania. Dai graças ao Senhor porque Ele é bom — a sua misericórdia dura para sempre!

Ngatisvikei pamberi pake nokuvonga

uye timukudze nenziyo.

Pindai pamasuo ake nokuvonga

nomuvanze dzake nokurumbidza;

chimuvongai uye murumbidze zita rake.

Rumbidzai Jehovha.

Vongai Jehovha, nokuti akanaka;

nokuti rudo rwake runogara nokusingaperi.

Imi muri Mwari wangu, uye ndichakuvongai;

ndimi Mwari wangu, uye ndichakukudzai.

Imbirai Jehovha nokuvonga;

muimbire Mwari wedu nziyo dzokurumbidza nembira.

Ndicharumbidza zita raMwari norwiyo,

uye ndichamukudza nokuvonga.

Jehovha ndiye simba rangu nenhoo yangu;

mwoyo wangu unovimba naye, uye ndinobatsirwa.

Mwoyo wangu unokwakuka nomufaro

uye ndichamuvonga nenziyo.

Zvino, Mwari wedu, tinokuvongai,

uye tinorumbidza zita renyu rakanakisa.

Musafunganya pamusoro pechimwe chinhu, asi muzvinhu zvose, kumbirai Mwari neminyengetero, nemikumbiro uye nokuvonga.

Kuvonga noKunyengetera

Ndinovonga Mwari wangu nguva dzose pandinokurangarirai.

Uye zvose zvamunoita, mushoko kana mumabasa, itai zvose muzita raIshe Jesu, muchivonga Mwari ivo Baba kubudikidza naye.

Anovonga vaTesaronika paKutenda kwavo

Tinogara tichivonga Mwari nokuda kwenyu mose, tichikutaurai muminyengetero yedu. Tinoramba tichirangarira pamberi paMwari wedu naBaba vedu, basa renyu rinobva pakutenda, nokushanda kwenyu kunobva parudo, uye nokutsungirira kwenyu kunobva patariro iri muna Ishe Jesu Kristu.

Kuvonga

Ndinogara ndichivonga Mwari nguva dzose nokuda kwenyasha dzake pamusoro penyu muna Kristu Jesu.

Asi Mwari ngaavongwe! Anotipa kukunda kubudikidza naIshe wedu Jesu Kristu.

Asi Mwari ngaavongwe, anotikundisa nguva dzose pakufamba kwedu muna Kristu uye kubudikidza nesu anoratidza kwose kwose kunhuhwirira kworuzivo rwake.

Zvino iye anopa mbeu kumudyari nechingwa chokudya achakupaiwo uye achakupaiwo mbeu zhinji mudura renyu uye agokupaiwo kukohwa kukuru kwokururama kwenyu. Muchapfumiswa pane zvose kuti mugogona kupa panguva dzose, uye kubudikidza nesu kupa kwenyu kuchaita kuti Mwari avongwe.

Mutaure kuno mumwe nomumwe wenyu namapisarema, nedzimbo uye nenziyo dzomweya. Muimbe uye muridzire Ishe mimhanzi mumwoyo yenyu, muchivonga Mwari Baba pazvinhu zvose, muzita raIshe wedu Jesu Kristu.

Muzviise pasi pomumwe nomumwe wenyu muchitya Kristu.

Akatora zvingwa zvishanu nehove mbiri uye akatarisa kudenga, akavonga akamedura chingwa. Ipapo akazvipa kuvadzidzi vake kuti vazvigadzike pamberi pavanhu. Akagoverawo hove mbiri dziya pakati pavo vose. Vose vakadya vakaguta, uye vadzidzi vakanonga zvimedu zvezvingwa nehove zvikazara matengu gumi namaviri.

Seja o primeiro
Publicidade
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-28_14-13-17-