Agradecimento pela família
Agradecer pela família é reconhecer a bênção mais preciosa que Deus nos concede. Os filhos são herança do Senhor — cada membro da família é presente divino a ser celebrado.
Vanakomana inhaka inobva kuna Jehovha,
vana mubayiro unobva kwaari.
Semiseve mumaoko emhare
ndizvo zvakaita vanakomana voujaya.
Akaropafadzwa murume
ane goba rizere navo.
Havanganyadziswi
pavanokakavadzana navavengi vavo pasuo.
Rumbidza Jehovha, iwe mweya wangu;
zvose zviri mukati mangu, ngazvirumbidze zita rake dzvene.
Rumbidza Jehovha, iwe mweya wangu,
uye urege kukanganwa mikomborero yake yose,
Hatingazozvivanziri vana vavo;
tichaudza rudzi runotevera
mabasa angarumbidzwa aJehovha,
simba rake, nezvishamiso zvaakaita.
Vana vevana ikorona kune vakwegura,
uye vabereki ndivo kukudzwa kwavana vavo.
Ndakakumbira mwana uyu, uye Jehovha andipa zvandakamukumbira.
Kuvonga noKunyengetera
Ndinovonga Mwari wangu nguva dzose pandinokurangarirai.
Tichavonga Mwari zvizere sei nokuda kwenyu kuti tidzorere mufaro wose watinawo pamberi paMwari wedu nokuda kwenyu?
Ipai kuna Jehovha, imi mhuri dzendudzi,
ipai Jehovha kukudzwa nesimba,
Chipo chose chakanaka uye chakakwana chinobva kumusoro kudenga, chinoburuka chichibva kuna Baba wezviedza zvokudenga, asingashanduki semimvuri inopinduka.
Kubva pakuzara kwake takagamuchira nyasha pamusoro penyasha.
Vakadzi vakati kuna Naomi, "Jehovha ngaarumbidzwe, uyo asina kukusiya usina hama yapedyo, mudzikinuri. Ngaave nomukurumbira pakati peIsraeri yose! Achavandudza upenyu hwako nokukuchengeta pamazuva okuchembera kwako. Nokuti muroora wako, uyo anokuda uye anokunda vanakomana vanomwe, ndiye amubereka."
Vapenyu, ivo vapenyu,
ndivo vanokurumbidzai,
sezvandiri kuita iye nhasi;
madzibaba anoudza vana vavo nezvokutendeka kwenyu.