Publicidade

Agradecimento pela vida

Por Bíblia Online

Agradecer pela vida é reconhecer que cada respiração é dom de Deus. Toda criatura que tem fôlego louve ao Senhor — porque Ele nos formou e nos sustenta com amor.

Zvinhu zvose zvinofema, ngazvirumbidze Jehovha.

Rumbidzai Jehovha.

Rumbidza Jehovha.

Rumbidza Jehovha, iwe mweya wangu.

Ndicharumbidza Jehovha mazuva ose oupenyu hwangu;

ndichaimbira Mwari wangu nziyo dzokurumbidza ndichiri mupenyu.

Nokuti imi makasika zvomukatikati mangu;

makandiruka ndiri mudumbu ramai vangu.

Ndinokurumbidzai nokuti ndakaitwa nomutoo unotyisa uye unoshamisa;

mabasa enyu anoshamisa,

ndinonyatsozviziva kwazvo.

Mapfupa angu akanga asina kuvanzika kwamuri,

pandakanga ndaiswa munzvimbo yakavanda.

Pandakarukwa ndiri pakadzika penyika,

meso enyu akaona muviri usati waumbwa.

Mazuva ose andakarongerwa

akanga akanyorwa mubhuku renyu,

rimwe rawo risati ravapo.

Ndichaimbira Jehovha upenyu hwangu hwose;

ndichaimbira Mwari wangu nziyo dzokurumbidza ndichiri mupenyu.

Kurangarira kwangu ngakumufadze,

pandinofara muna Jehovha.

Zivai kuti Jehovha ndiye Mwari.

Ndiye akatisika, uye tiri vake;

tiri vanhu vake, namakwai anofudzwa naye.

Pindai pamasuo ake nokuvonga

nomuvanze dzake nokurumbidza;

chimuvongai uye murumbidze zita rake.

Haiwa rudo rwenyu rusingatongoperi runokosha sei!

Vose vakuru navaduku pakati pavanhu

vanovanda mumumvuri wamapapiro enyu.

Vanogutswa nezvakawanda zvomumba menyu;

munovanwisa kubva parwizi rwenyu runofadza.

Nokuti kwamuri ndiko kune chitubu choupenyu;

muchiedza chenyu tinoona chiedza.

Pisarema. Rwiyo rwokukumikidza temberi. Pisarema raDhavhidhi.

Ndichakukudzai imi Jehovha,

nokuti makandisimudza kubva pakadzika,

uye hamuna kutendera vavengi vangu kuti vafare pamusoro pangu.

Haiwa Jehovha Mwari wangu, ndakachemera rubatsiro kwamuri

uye mukandiporesa.

Haiwa Jehovha, makandibudisa muguva;

mukandirwira kuti ndirege kupinda mugomba.

Kumutungamiri wokuimba namaimbiro o"Kufa kwoMwanakomana." Pisarema raDhavhidhi.

Ndichakurumbidzai, imi Jehovha, nomwoyo wangu wose;

ndichataura pamusoro pezvishamiso zvenyu zvose.

Ndichafara nokufarisisa mamuri;

ndichaimbira zita renyu nziyo dzokurumbidza, imi Wokumusoro-soro.

muchivonga Mwari Baba pazvinhu zvose, muzita raIshe wedu Jesu Kristu.

Maropafadzo oMweya muna Kristu

Ngaarumbidzwe Mwari Baba vaIshe wedu Jesu Kristu, iye akatiropafadza muchadenga nokuropafadza kwose kwomweya muna Kristu Jesu.

Mwari ngaavongwe nokuda kwechipo chake chisingagoni kurondedzerwa!

muchivonga ivo Baba, vakaita kuti mukodzere kugovana nhaka yavatsvene muumambo hwechiedza. Nokuti akatinunura kubva pasimba rerima akatiuyisa kuumambo hwoMwanakomana waanoda, watine dzikinuro maari, iko kuregererwa kwezvivi.

Ukuru hwaKristu

Ndiye mufananidzo waMwari asingaonekwi, dangwe rezvisikwa zvose. Nokuti zvinhu zvose zvakasikwa naye: zviri kudenga nezviri panyika, zvinoonekwa nezvisingaonekwi, zvigaro zvoushe kana masimba kana vatongi kana vane simba; zvinhu zvose zvakasikwa naye uye zvakasikirwa iye. Iye anotangira zvose, uye zvinhu zvose zvinobatana maari.

Kana uchinge wadya waguta rumbidza Jehovha Mwari wako nokuda kwenyika yakanaka yaakakupa,

Haiwa Ishe, makandireverera mhaka yangu;

makadzikinura upenyu hwangu.

Kumidzi yamakomo ndakanyura;

nyika yapasi yakandipfigiramo nokusingaperi.

Asi makaburitsa upenyu hwangu kubva mugomba,

imi Jehovha Mwari wangu.

"Upenyu hwangu pahwakanga hwotiza,

ndakakurangarirai, imi Jehovha,

uye munyengetero wangu wakauya kwamuri,

kutemberi yenyu tsvene.

Seja o primeiro
Publicidade
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-28_14-13-17-