Agradecimento
O agradecimento é a linguagem natural do cristão. Em tudo dai graças! A gratidão a Deus transforma a perspectiva, fortalece a fé e produz alegria em todos os tempos.
Dar graças sempre
Em tudo dai graças, porque esta é a vontade de Deus em Cristo Jesus para convosco. A gratidão é atitude fundamental.
vongai pazvinhu zvose, nokuti ndiko kuda kwaMwari kwamuri muna Kristu Jesu.
muchivonga Mwari Baba pazvinhu zvose, muzita raIshe wedu Jesu Kristu.
Rugare rwaKristu ngarutonge mumwoyo yenyu, sezvo senhengo dzomuviri mumwe makadanirwa kurugare. Uye munofanira kuvonga. Shoko raKristu ngarigare zvakakwana mamuri pamunenge muchidzidzisana muchirayirana nouchenjeri hwose, uye muchiimba mapisarema, dzimbo nenziyo dzomweya muchivonga Mwari mumwoyo yenyu. Uye zvose zvamunoita, mushoko kana mumabasa, itai zvose muzita raIshe Jesu, muchivonga Mwari ivo Baba kubudikidza naye.
Rugare rwaKristu ngarutonge mumwoyo yenyu, sezvo senhengo dzomuviri mumwe makadanirwa kurugare. Uye munofanira kuvonga.
Shoko raKristu ngarigare zvakakwana mamuri pamunenge muchidzidzisana muchirayirana nouchenjeri hwose, uye muchiimba mapisarema, dzimbo nenziyo dzomweya muchivonga Mwari mumwoyo yenyu. Uye zvose zvamunoita, mushoko kana mumabasa, itai zvose muzita raIshe Jesu, muchivonga Mwari ivo Baba kubudikidza naye.
Muzvipire pakunyengetera, makanyatsorinda uye muchivonga.
Musafunganya pamusoro pechimwe chinhu, asi muzvinhu zvose, kumbirai Mwari neminyengetero, nemikumbiro uye nokuvonga.
Louvor e gratidão
Entrai pelas portas com ação de graças. Rendei graças ao Senhor porque Ele é bom e a sua bondade dura para sempre.
Pindai pamasuo ake nokuvonga
nomuvanze dzake nokurumbidza;
chimuvongai uye murumbidze zita rake.
Vongai Jehovha, nokuti akanaka:
Nokuti rudo rwake runogara nokusingaperi.
Vongai Jehovha, nokuti akanaka;
rudo rwake runogara nokusingaperi.
Ngatisvikei pamberi pake nokuvonga
uye timukudze nenziyo.
Nokuti Jehovha ndiye Mwari mukuru,
Mambo mukuru pamusoro pavamwari vose.
Zvakanaka kurumbidza Jehovha
nokuimbira zita renyu nziyo, imi Wokumusoro-soro,
kuparidza rudo rwenyu mangwanani
nokutendeka kwenyu usiku,
Munhu anobayira chibayiro chokuvonga ndiye anondikudza,
uye anogadzira nzira
kuitira kuti ndimuratidze ruponeso rwaMwari."
Imi muri Mwari wangu, uye ndichakuvongai;
ndimi Mwari wangu, uye ndichakukudzai.
Vongai Jehovha, nokuti akanaka;
rudo rwake runogara nokusingaperi.
Zvino, Mwari wedu, tinokuvongai,
uye tinorumbidza zita renyu rakanakisa.
Expressões de gratidão
Graças a Deus pelo seu dom inefável! A gratidão se expressa em oração, louvor e generosidade para com os outros.
Mwari ngaavongwe nokuda kwechipo chake chisingagoni kurondedzerwa!
Muchapfumiswa pane zvose kuti mugogona kupa panguva dzose, uye kubudikidza nesu kupa kwenyu kuchaita kuti Mwari avongwe.
Asi Mwari ngaavongwe! Anotipa kukunda kubudikidza naIshe wedu Jesu Kristu.
Ndinogara ndichivonga Mwari nguva dzose nokuda kwenyasha dzake pamusoro penyu muna Kristu Jesu.
Pakutanga, ndinovonga Mwari wangu muna Jesu Kristu pamusoro penyu mose, nokuti kutenda kwenyu kunoparidzwa panyika yose.
Nokuti kunyange zvavo vaiziva Mwari, havana kumukudza saMwari kana kumuvonga, asi kufunga kwavo kwakava kusina maturo uye mwoyo yavo, isina zivo, yakasvibiswa.
Nokuti zvose zvinobva kwaari uye zviripo kubudikidza naye uye zvose ndezvake.
Ngaave nokubwinya nokusingaperi! Ameni.
" ‘Jehovha akuropafadzei
uye akuchengetei;
Jehovha ngaapenyese chiso chake pamusoro penyu
uye akunzwirei tsitsi;
Jehovha ngaarinzire chiso chake kwamuri
uye akupei rugare.’ "
Asi ini, norwiyo rwokuvonga,
ndichabayira kwamuri.
Zvandakapika ndichazvizadzisa.
Ruponeso runobva kuna Jehovha."
Tinofanira kuramba tichivonga Mwari nguva dzose nokuda kwenyu, hama, uye zvakanaka izvozvo, nokuti kutenda kwenyu kuri kukura zvakanyanya, uye rudo rwamunarwo kuno mumwe nomumwe wenyu rwuri kukura.
Ndinovonga Mwari, wandinoshumira sezvakaitwa namadzitateguru angu, nehana yakachena, sezvo ndichikurangarira muminyengetero yangu usiku namasikati.
handina kurega kuvonga nokuda kwenyu, ndichikurangarirai muminyengetero yangu.
Naizvozvo, zvatinogamuchira ushe husingagoni kuzungunuswa, ngativongei, uye tinamate Mwari zvinogamuchirika, tichimukudza uye tichimutya,
Changamire Ferikisi, izvi tinozvigamuchira nomufaro mukuru uye nemitoo yose kwose kwose.
Akati achivaona, akati kwavari, "Endai munozviratidza kuvaprista." Uye pavaienda, vakabva vanatswa.
Mumwe wavo akati aona kuti akanga aporeswa, akadzoka achirumbidza Mwari nenzwi guru. Akazviwisira patsoka dzaJesu akamuvonga. Uye akanga ari muSamaria.
Jesu akati, "Ko, havasi vose gumi vakaporeswa here? Ko, vamwe vapfumbamwe varipi? Kwashayikwa mumwe woga adzoka akazorumbidza Mwari kunze kwouyu mutorwa here?" Ipapo akati kwaari, "Simuka uende; kutenda kwako kwakuporesa."
Paakanga opinda mumusha, varume gumi vaiva namaperembudzi vakasangana naye. Vakamira vari nechokure uye vakadanidzira nenzwi guru vachiti, "Jesu, Tenzi, tinzwireiwo ngoni!"
Akati achivaona, akati kwavari, "Endai munozviratidza kuvaprista." Uye pavaienda, vakabva vanatswa.
Mumwe wavo akati aona kuti akanga aporeswa, akadzoka achirumbidza Mwari nenzwi guru. Akazviwisira patsoka dzaJesu akamuvonga. Uye akanga ari muSamaria.
Jesu akati, "Ko, havasi vose gumi vakaporeswa here? Ko, vamwe vapfumbamwe varipi? Kwashayikwa mumwe woga adzoka akazorumbidza Mwari kunze kwouyu mutorwa here?" Ipapo akati kwaari, "Simuka uende; kutenda kwako kwakuporesa."
Ndinovonga Mwari wangu nguva dzose pandinokurangarirai.