Ajuda ao próximo
Ajudar o próximo é mandamento de Deus e expressão prática da fé. A Bíblia ensina que a fé sem obras é morta — e que servir ao menor dos irmãos é servir a Cristo.
Nokuti ndakanga ndine nzara mukandipa chokudya, ndakanga ndine nyota, mukandipa chokunwa, ndakanga ndiri mweni mukandipinza mumba, ndakanga ndisina zvokupfeka mukandipfekedza, ndakanga ndichirwara mukandipepa, ndakanga ndiri mutorongo mukandishanyira.’
"Ipapo vakarurama vachamupindura vachiti, ‘Ishe, takakuonai riniko mune nzara tikakupai chokunwa? Takakuonai riniko muri mweni tikakupinzai mumba, kana musina zvokupfeka tikakupfekedzai? Takakuonai riniko muchirwara kana muri mutorongo tikakushanyirai?’
"Mambo achapindura achiti, ‘Ndinokuudzai chokwadi kuti, chose chamakaitira mumwe wavaduku vehama dzangu idzi, makachiitira ini.’
Kana munhu akakukumbira chinhu, mupe, uye usafuratira munhu anoda kukwereta kwauri.
Nenzira imwe cheteyo, chiedza chenyu ngachivhenekere pamberi pavanhu kuti vaone mabasa enyu akanaka, vagokudza Baba venyu vari kudenga.
Ipai, uye nemi muchapiwa. Muchapiwa mumaoko enyu chiyero chakanaka, chakatsindirwa, chakazunguzirwa uye chinopfachukira. Nokuti nechiyero chamunoyera nacho, muchayererwawo nacho."
Vanhu vazhinji vakati, "Zvino toita seiko?"
Johani akapindura akati, "Munhu ane nguo mbiri ngaagovane neasina, uye ane zvokudya ngaaitewo saizvozvo."
Tengesai zvamunazvo mugopa varombo. Zviitirei zvikwama zvisingasakari, nepfuma isingaperi kudenga, kusina mbavha inoswedera pedyo uye kusina zvipfukuto zvinoparadza. Nokuti pane pfuma yako, ndipo pachava nomwoyo wakowo.
Murayiro wangu ndouyu: Dananai, sezvo ini ndakakudai.
Hakuna munhu ano rudo rukuru kuno urwu, kuti munhu ape upenyu hwake nokuda kweshamwari dzake.
Mune zvose zvandakaita, ndakakuratidzai kuti namabatiro akaoma aya, tinofanira kubatsira vasina simba, tichirangarira mashoko aShe Jesu pachake paakati, ‘Kupa kwakaropafadzwa kupfuura kugamuchira.’ "
Akati ataura izvi, akapfugama pamwe chete navo vose uye vakanyengetera. Vose vakachema pavakamumbundikira uye vakamutsvoda. Zvakanyanya kuvarwadza mashoko aakataura achiti havaizoona chiso chakezve. Ipapo vakamuperekedza kuchikepe.
Goveranai navanhu vaMwari vanoshayiwa. Itirai vaeni rudo.
Isu tine simba tinofanira kutakura kukundikana kwavasina simba uye tisingazvifadzi.
Takuriranai mitoro yenyu, uye nokudaro muchazadzisa murayiro waKristu.
Uyo akanga achimboba ngaarege kuzobazve, asi anofanira kushanda, achiita zvinhu zvinobatsira namaoko ake, kuti ave nechaangagovera avo vanoshayiwa.
Mumwe nomumwe wenyu ngaarege kungotsvaka zvake chete, asi zvavamwewo.
Zvinobatsirei, hama dzangu, kana munhu achiti ano kutenda asi asina mabasa? Kutenda kwakadaro kungamuponesa here? Kana hama kana hanzvadzi ikashayiwa zvokufuka nezvokudya zvezuva rimwe nerimwe, uye mumwe wenyu akati, "Endai henyu, mufambe zvakanaka; mudziyirwe uye mugute," asi asina chinhu chaamuitira chinodikanwa nomuviri wake, zvakanaka here izvozvo? Saizvozvowo, kutenda kwoga, kana kusina basa, kwakafa.
Kana munhu ane pfuma uye akaona hama yake ichishayiwa, asi akasainzwira tsitsi, rudo rwaMwari rungagara maari seiko?
Uyo anonzwira varombo tsitsi anopa kuna Jehovha,
uye achamupa mubayiro wezvaakaita.
Varombo vachagara varimo munyika. Naizvozvo ndinokurayira kuti utambanudze maoko kuhama dzako varombo navanoshayiwa munyika yako.