Ajuda
Deus é nosso auxílio e socorro em todo tempo. Ele não dorme nem cochila. O Senhor é nosso ajudador — não precisamos temer o que o homem possa nos fazer.
Rubatsiro rwangu runobva kuna Jehovha,
muiti wokudenga napasi.
Mwari ndiye utiziro hwedu nesimba redu,
ndiye mubatsiri anogara aripo panguva yokutambudzika.
Zvirokwazvo Mwari ndiye mubatsiri wangu;
ishe ndiye anonditsigira.
Ruponeso rwavakarurama runobva kuna Jehovha;
ndiye nhare yavo panguva yamatambudziko.
Jehovha anovabatsira uye anovanunura;
anovanunura kubva kuna vakaipa uye anovaponesa,
nokuti vanovanda maari.
Haiwa Ishe Muponesi wangu,
kurumidzai kuuya kuzondibatsira.
Tibatsirei, imi Mwari Muponesi wedu,
nokuda kwokukudzwa kwezita renyu;
tirwirei mutiregerere zvivi zvedu
nokuda kwezita renyu.
Jehovha ngaarumbidzwe,
nokuti akanzwa kuchemera kwangu ngoni.
Jehovha ndiye simba rangu nenhoo yangu;
mwoyo wangu unovimba naye, uye ndinobatsirwa.
Mwoyo wangu unokwakuka nomufaro
uye ndichamuvonga nenziyo.
Dai Jehovha asina kundibatsira,
ndingadai ndakakurumidza kugara parunyararo rworufu.
Nokuti ndini Jehovha, Mwari wako,
anobata ruoko rwako rworudyi
achiti kwauri, Usatya;
ndichakubatsira.
Munondipa nhoo yenyu yokukunda,
munokotamira pasi kuti mundikurise.
"Uyai kwandiri, imi mose makaneta makaremerwa, uye ndichakupai zororo.
Uye ini ndichakumbira Baba, vagokupai mumwe Munyaradzi kuti agare nemi nokusingaperi,
Saizvozvowo, Mweya anotibatsira mukusava nesimba kwedu. Nokuti hatizivi zvatinofanira kunyengeterera, asi Mweya amene anotinyengeterera nokugomera kusingatsananguriki namashoko. Uye iye anonzvera mwoyo yedu anoziva kufunga kwaMweya, nokuti Mweya anonyengeterera vatsvene maererano nokuda kwaMwari.
Vimba naJehovha nomwoyo wako wose
urege kuzendamira panjere dzako;
munzira dzako dzose umutungamidze,
uye acharuramisa nzira dzako.
Kandai paari kufunganya kwenyu kwose nokuti anokuchengetai.