Publicidade

Alimento

Por Bíblia Online

O alimento é provisão de Deus para o corpo e a alma. Jesus disse: Eu sou o pão da vida. A Bíblia ensina a receber com gratidão, partilhar com generosidade e confiar no Provedor.

O pão da vida

Jesus disse: Eu sou o pão da vida. Quem vem a mim nunca terá fome. O alimento espiritual sacia plenamente.

Ipapo Jesu akataura achiti, "Ndini chingwa choupenyu. Ani naani anouya kwandiri haangatongovi nenzara, uye ani naani anotenda kwandiri haangatongovi nenyota.

Musashandira zvokudya zvinopera, asi shandirai zvokudya zvinogara kuupenyu husingaperi zvamuchapiwa noMwanakomana woMunhu. Mwari Baba vakaisa chisimbiso chavo paari."

Jesu akapindura akati, "Kwakanyorwa kuchinzi, Munhu haararame nechingwa bedzi, asi neshoko rimwe nerimwe rinobva mumuromo waMwari.’ "

Vakaropafadzwa avo vane nzara nenyota yokuita zvakarurama

nokuti vachagutswa kwazvo.

Asi tangai kutsvaka umambo hwake nokururama kwake, uye zvinhu zvose izvi zvichapiwawo kwamuri.

Musafunganya

"Naizvozvo ndinokutaurirai kuti, musafunganya nezvoupenyu hwenyu, kuti muchadyei kana kuti muchanwei, kana nezvemiviri kuti muchapfekei. Ko, upenyu hahusi hwakakosha here kudarika zvokudya, nomuviri kudarika nguo?

Savacheche vachangoberekwa, pangai mukaka wakachena womweya, kuti mugokuriswa nawo muruponeso rwenyu,

Provisão divina

Deus provê alimento em abundância. Ele multiplica pães e peixes, enche os famintos e supre toda necessidade.

Akati atora zvingwa zvishanu nehove mbiri akatarisa kudenga, akavonga ndokuzvimedura. Ipapo akazvipa kuvadzidzi kuti vaise pamberi pavanhu. Vose vakadya vakaguta, uye vadzidzi vakanonga matengu azere gumi namaviri ezvimedu zvakanga zvasara.

nokuti anogutsa vane nyota,

uye vane nzara anovazadza nezvakanaka.

Uyai nezvegumi zvose kudura, kuti mumba mangu mugova nezvokudya. Ndiedzei muna izvozvi," ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose, "muone kana ndisingakuzarurirei mawindo okudenga, uye ndigokudururirai maropafadzo mazhinji zvokuti muchashayiwa pokuaisa.

Zvino iye anopa mbeu kumudyari nechingwa chokudya achakupaiwo uye achakupaiwo mbeu zhinji mudura renyu uye agokupaiwo kukohwa kukuru kwokururama kwenyu.

Munhu anopavhurira achabudirira;

uyo anomutsiridza vamwe achamutsiridzwawo.

Mashoko anofadza akafanana nezinga rouchi,

anozipa kumweya, anoporesa mapfupa.

Nehemia akati kwavari, "Endai munodya nomufaro zvokudya zvamunoda nezvokunwa zvinotapira, mugotumirawo zvimwe kuna avo vasina chavakagadzirira. Zuva ranhasi idzvene kuna Ishe wedu. Musazvidya mwoyo, nokuti mufaro waJehovha ndiro simba renyu."

Gratidão e moderação

Nada trouxemos para o mundo e nada levaremos. Tudo o que fizerdes, fazei para a glória de Deus — inclusive comer e beber.

Nokuti hatina kuuya nechinhu panyika, uye hatigoniwo kubuda nechinhu kubva mairi. Asi kana tine zvokudya nezvokupfeka, tichagutsikana nazvo.

Naizvozvo, kunyange muchidya kana kunwa, chinhu chipi nechipi chamungaita, itai zvose kuti Mwari agokudzwa.

Mazuva ose vairamba vachiungana pamwe chete mutemberi. Vaimedura chingwa mudzimba dzavo uye vachidya pamwe chete nomufaro uye nomwoyo wakanaka, vachirumbidza Mwari uye vachidikanwa navanhu vose. Uye Ishe akawedzera pauwandu hwavo zuva rimwe nerimwe avo vakanga vachiponeswa.

Ndiri pano! Ndimire pamusuo ndichigogodza. Kana munhu akanzwa inzwi rangu akazarura musuo, ndichapinda ndigodya naye, uye iye neni.

Munhu anodya zvose ngaarege kuzvidza asingadyi, uye munhu asingadyi zvose ngaarege kupa mhosva munhu anodya, nokuti Mwari akamugamuchira.

Naizvozvo ngakurege kuva nomunhu anokutongai pamusoro pezvamunodya kana kunwa, kana nezvemitambo yechitendero, kupemberera Kugara kwoMwedzi kana zuva reSabata. Izvi mumvuri wezvinhu zvaizouya, kunyange zvakadaro, chokwadi chinowanikwa muna Kristu.

Akakuninipisai, akakuitai kuti muziye nenzara akakugutsai nemana, iyo yakanga isingazivikanwi nemi kunyange namadzibaba enyu, kuti akudzidzisei kuti munhu haararame nechingwa chete asi neshoko rimwe nerimwe rinobva mumuromo maJehovha.

Pazvipuka zvose zvinogara mumvura, mungadya henyu zvose zvine zvimbi namakwande. Asi chipi nechipi zvacho chisina zvimbi namakwande hamufaniri kudya; nokuti hachina kuchena.

Ipapo Mwari akati, "Ndinokupai miriwo yose inobereka iri pamusoro penyika yose nemiti yose ine michero, ine mhodzi mukati mayo. Zvichava zvokudya zvenyu.

Zvinhu zvose zvinorarama nezvinokambaira zvichava zvokudya zvenyu. Sezvandakakupai muriwo munyoro, ndiri kukupai zvino zvinhu zvose.

"Asi hamufaniri kudya nyama, ropa rayo roupenyu richiri mairi.

Handina kudya zvokudya zvakanaka; kunyange nyama kana waini hazvina kusvika pamuromo wangu; uye handina kana kuzora mafuta kusvikira vhiki nhatu dzapera.

Seja o primeiro
Publicidade
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-29_22-07-56-