Alma
A alma é a parte mais íntima do ser humano — sede da vida, dos afetos e do encontro com Deus. A Bíblia convida a cuidar da alma com zelo e a aquietá-la diante do Senhor.
A alma diante de Deus
Bendize ao Senhor, ó minha alma! A alma suspira por Deus como a corça suspira pelas águas — com sede de eternidade.
Rumbidza Jehovha, iwe mweya wangu;
zvose zviri mukati mangu, ngazvirumbidze zita rake dzvene.
Haiwa Mwari, ndimi Mwari wangu,
ndinokutsvakai nomwoyo wose;
mwoyo wangu une nyota kwamuri,
muviri wangu unokupangai,
munyika yakaoma
uye yasakara isina mvura.
Wakasuwireiko, nhai mweya wangu?
Unotambudzwa neiko mukati mangu?
Isa tariro yako muna Mwari,
nokuti ndichamurumbidzazve.
Muponesi wangu naMwari wangu.
Mweya wangu unozorora muna Mwari oga;
ruponeso rwangu runobva kwaari.
Ndinomirira Jehovha, mweya wangu unomirira,
uye tariro yangu iri mushoko rake.
Miromo yangu ichadanidzira nomufaro
pandinokurumbidzai nenziyo,
iyeni, wamakadzikinura.
Murayiro waJehovha wakakwana,
unomutsiridza mweya.
Zvirevo zvaJehovha zvakavimbika,
zvinopa njere kuna vasina mano.
Nokuti imi makasika zvomukatikati mangu;
makandiruka ndiri mudumbu ramai vangu.
Ndinokurumbidzai nokuti ndakaitwa nomutoo unotyisa uye unoshamisa;
mabasa enyu anoshamisa,
ndinonyatsozviziva kwazvo.
Haiwa Jehovha, ndiponesei pamiromo inoreva nhema,
nendimi dzinonyengera.
Cuidar da alma
Que aproveita ao homem ganhar o mundo inteiro e perder a sua alma? Buscar a Deus de toda alma é o caminho da vida.
Ko, munhu achabatsirwa nei kana akawana nyika yose, asi achirasikirwa noupenyu hwake? Kana kuti munhu acharipeiko kuti adzikinure upenyu hwake?
Jesu akapindura akati, " ‘Ida Ishe Mwari wako nomwoyo wako wose, nomweya wako wose nokufunga kwako kwose.’
Musatya avo vanouraya muviri asi vasingagoni kuuraya mweya. Asi ityai uyo anogona kuparadza zvose muviri nomweya mugehena.
Asi kana mava ikoko mukatsvaka Jehovha Mwari wenyu, muchamuwana kana mukamutsvaka nomwoyo wenyu wose nomweya wenyu wose.
Asi muchenjerere kwazvo kuti muchengete murau nomurayiro wake, munamatire paari uye mumushumire nemwoyo yenyu yose, uye nemweya yenyu yose."
"Zvino ini ndava kuenda nenzira yenyika yose. Imi munoziva mumwoyo yenyu yose nomumweya yenyu yose, kuti hapana chinhu chimwe pazvose zvakanaka zvakavimbiswa naJehovha Mwari wenyu chakakona.
Muchanditsvaka mukandiwana, pamunonditsvaka nemwoyo yenyu yose.
Zvanzi naJehovha:
"Mirai pamharadzano dzenzira muone;
mubvunze nzira dzekare,
mubvunze kune nzira yakanaka, mugofamba mairi,
ipapo muchawana zororo remweya yenyu.
Asi imi makati, ‘Hatizofambi mairi.’
Mashoko anofadza akafanana nezinga rouchi,
anozipa kumweya, anoporesa mapfupa.
Mudikani, ndinonyengetera kuti uve noutano hwakanaka uye kuti zvose zvikunakire kunyange sokufara kwomweya wako.