Publicidade

Amor de casal

Por Bíblia Online

O amor de casal é celebrado na Bíblia como dom sagrado. O Cântico dos Cânticos exalta a beleza do amor conjugal — íntimo, exclusivo e forte como a morte.

Ndiise pamwoyo pako sechisimbiso,

sechisimbiso paruoko rwako;

nokuti rudo rwakasimba sorufu,

godo rarwo seguva harishanduki.

Runopisa serimi romoto,

somurazvo mukuru kwazvo.

Mvura zhinji haigoni kudzima rudo;

nzizi hadzigoni kurukukura.

Kunyange munhu akapa

pfuma yose yemba yake kuti awane rudo,

zvingazvidzwa chose.

Shamwari

Watora mwoyo wangu hanzvadzi yangu, mwenga wangu;

wanditora mwoyo

nokungondiringa kwawaita kamwe chete,

uye nedombo rimwe rinokosha rechishongo chomutsipa wako.

Ngaanditsvode hake nokutsvoda kwomuromo wake.

Nokuti rudo rwako runofadza kupfuura waini.

Kunhuhwirira kwamafuta enyu kunofadza;

zita renyu rakafanana namafuta anonhuwirira adururwa.

Hazvishamisi kuti mhandara dzinokudai!

Kunaka here kwawakaita uku, mudiwa wangu!

A-a, wakazonaka!

Meso ako injiva chaidzo!

Mukadzi

Wakanaka sei, mudiwa wangu!

A-a, unofadza!

Uye mubhedha wedu wakasvibira.

Murume

Jehovha Mwari akati, "Hazvina kunaka kuti munhu agare ari oga. Ndichamuitira mubatsiri akamukwanira."

Ipapo Jehovha Mwari akaita mukadzi kubva parumbabvu rwaakanga abvisa pamunhu, uye akamuuyisa kumurume.

Murume akati,

"Zvino uyu ibvupa ramapfupa angu

nenyama yenyama yangu;

achanzi mukadzi,

nokuti akatorwa kubva pamurume."

Nokuda kwechikonzero ichi, murume achasiya baba namai vake agonamatira kumukadzi wake, uye vachava nyama imwe.

Uyo anowana mudzimai anowana chinhu chakanaka,

uye anogamuchira nyasha kubva kuna Jehovha.

Tsime rako ngariropafadzwe,

uye ufadzwe nomudzimai woujaya hwako.

Sehadzi yengururu inofadza, nehadzi yenondo yakanaka,

mazamu ake ngaakufadze nguva dzose,

ugare uchigutswa norudo rwake.

Unosungirweiko, mwanakomana wangu, nomukadzi chifeve?

Unombundikirireiko chipfuva chomukadzi womumwe murume?

Saka havachisiri vaviri asi mumwe chete. Naizvozvo chabatanidzwa naMwari pamwe chete, hapana munhu anofanira kuchiparadzanisa."

Rudo runo mwoyo murefu, rudo runo mwoyo munyoro. Haruna godo, haruna manyawi haruzvikudzi. Haruiti zvokuvirimira vamwe, harutsvaki zvarwo, harukurumidzi kutsamwa, haruna pfundi pfundi. Rudo harufariri zvakaipa, asi runofarira chokwadi. Runodzivirira nguva dzose, runovimba nguva dzose, rune tariro nguva dzose, runotsungirira nguva dzose.

Nenzira imwe cheteyo, varume vanofanira kuda vakadzi vavo semiviri yavo chaiyo. Uyo anoda mukadzi wake anozvida iye pachake. Pana izvozvo zvose, hakuna munhu angavenga muviri wake, asi anoupa zvokudya uye anouchengeta, sezvinoita Kristu kukereke,

Kunyange zvakadaro, mumwe nomumwe wenyuwo anofanira kuda mukadzi wake sezvaanozvida iye, uye mukadzi anofanira kuremekedza murume wake.

Uye pazvinhu zvose izvi fukai rudo, runokusunganidzai pamwe chete muhumwe hwakakwana.

Vaviri vari nani pano mumwe chete,

nokuti vano mugove wakanaka pakushanda kwavo:

Kana mumwe akawira pasi,

shamwari yake inogona kumubatsira kuti amire zvakare.

Asi ane nhamo munhu anowira pasi,

asina anomusimudza!

Uyezve kana vaviri vachivata pamwe chete, vachadziyirwa.

Asi mumwe chete angadziyirwa sei?

Munhu mumwe chete angakurirwa simba,

asi vaviri vanozvidzivirira.

Rwodzi rwakakoswa mutatu harungakurumidzi kudamburwa.

Jehovha haana kuvaita mumwe here? Panyama nomweya ndevake. Uye nemhaka yei mumwe? Nokuti aitsvaka rudzi rune umwari. Saka zvichenjerere pamweya wako, uye usaputsa sungano nomukadzi woujaya hwako.

Kana murume achangobva kuwana, haafaniri kuendeswa kuhondo kana kupiwa rimwe basa zvaro rokuita. Kwegore rimwe chete anofanira kusununguka kuti agare pamba agofadza mukadzi wake waakawana.

Seja o primeiro
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-07-05_19-25-13-