amor de Deus
O amor de Deus é a maior realidade do universo. Ele nos amou com amor eterno, incondicional e sacrificial — e nada no mundo pode nos separar desse amor.
Amor eterno
Deus amou o mundo de tal maneira que deu o seu Filho. Seu amor é de eternidade a eternidade — nunca falha.
"Nokuti Mwari akada nyika nokudaro, kuti akapa Mwanakomana wake mumwe oga, kuti ani naani anotenda kwaari arege kufa asi ave noupenyu husingaperi.
Asi Mwari anoratidza rudo rwake kwatiri pakuti: Tichiri vatadzi, Kristu akatifira.
Nokuti ndinoziva kwazvo kuti kunyange rufu, kana upenyu, kana vatumwa, kana madhimoni, kana zvazvino, kana zvichauya, kana masimba api zvawo, kana kwakakwirira, kana kwakadzika, kana chimwe chinhuwo zvacho pazvisikwa zvose, hazvingagoni kutiparadzanisa norudo rwaMwari, rwuri muna Kristu Jesu Ishe wedu.
Jehovha akazviratidza kwatiri kare, achiti:
"Ndakakudai norudo rusingaperi;
ndakakukwevai nokunaka kworudo rwangu.
Vongai Jehovha, nokuti akanaka:
Nokuti rudo rwake runogara nokusingaperi.
Jehovha ane tsitsi nenyasha,
anononoka kutsamwa, azere norudo.
Asi, imi Ishe, mune tsitsi uye muri Mwari ane nyasha,
anononoka kutsamwa, azere norudo nokutendeka.
Nokuti rudo rwenyu runokunda upenyu,
miromo yangu ichakurumbidzai.
Natureza do amor divino
Deus é amor. O amor é paciente, benigno. O amor do Pai nos adota como filhos e nos transforma à sua imagem.
Shamwari dzinodikanwa, ngatidananei, nokuti rudo runobva kuna Mwari. Mumwe nomumwe anoda akaberekwa naMwari uye anoziva Mwari. Ani naani asingadi haazivi Mwari, nokuti Mwari rudo.
Mwari akaratidza rudo rwake pakati pedu sezvizvi: Akatuma Mwanakomana wake mumwe woga munyika kuti tive noupenyu kubudikidza naye. Urwu ndirwo rudo: kwete kuti isu takada Mwari, asi kuti iye akatida uye akatuma Mwanakomana wake kuti ave chibayiro chinoyananisa zvivi zvedu. Shamwari dzinodikanwa, sezvo Mwari akatida zvakadai, isu tinofanirawo kudanana.
Nokudaro tinoziva uye tinovimba norudo rwaMwari kwatiri.
Mwari rudo. Ani naani anogara murudo anogara muna Mwari, uye Mwari maari.
Tinomuda nokuti iye akatanga kutida.
Tarirai kukura kworudo rwatakaitirwa naBaba, kuti tinzi vana vaMwari! Uye ndizvo zvatiri! Chinoita kuti nyika itadze kutiziva ndechokuti haina kumuziva iye.
Vadikani, handisi kukunyorerai murayiro mutsva asi wakare, wamakanzwa kubva pakutanga. Iwoyu murayiro wekare ndiyo mharidzo yamakanzwa. Asi ndiri kukunyorerai murayiro mutsva; chokwadi chawo chinoonekwa maari uye nomamuri, nokuti rima riri kupfuura uye chiedza chechokwadi chava kutovhenekera.
Uku ndiko kuda Mwari: kuteerera mirayiro yake. Uye mirayiro yake hairemi,
Rudo runo mwoyo murefu, rudo runo mwoyo munyoro. Haruna godo, haruna manyawi haruzvikudzi.
Expressões do amor de Deus
O Senhor nos ama com alegria e canta sobre nós. Queni a mim vem, amará; e quem me ama, o Pai o amará.
Jehovha Mwari wako anewe,
ndiye ane simba rokuponesa.
Achafadzwa zvikuru newe,
achakunyaradza norudo rwake,
achafara nokuda kwako nokuimba."
Ndinoda avo vanondida,
uye vaya vanonditsvaka vanondiwana.
Sezvo uchikosha uye uchikudzwa pamberi pangu,
uye nokuti ndinokuda,
ndichaisa vanhu panzvimbo yako,
namarudzi avanhu pachinzvimbo choupenyu hwako.
Tiri mukati metemberi yenyu, imi Mwari,
tinofungisisa nezvorudo rwenyu rusingaperi.
Rambai muchiitira rudo kuna avo vanokuzivai,
uye kururama kwenyu kuna vane mwoyo yakarurama.
Ndakarovererwa pamwe chete naKristu uye handichisiri ini ndinorarama, asi Kristu anorarama mandiri. Kurarama kwandinako munyama, ndinorarama nokutenda muMwanakomana waMwari, akandida uye akazvipa nokuda kwangu.
Asi nokuda kworudo rwake rukuru kwatiri, Mwari, iye akapfuma pangoni, akatiita vapenyu muna Kristu kunyange zvedu takanga takafa mukudarika kwedu, makaponeswa nenyasha.
Nyasha dzaIshe Jesu Kristu, norudo rwaMwari, nokuwadzana kwoMweya Mutsvene ngazvive nemi mose.
Mwari ngaatungamirire mwoyo yenyu murudo rwaMwari uye nomukutsungirira kwaKristu.