Aniversário de criança
O aniversário de uma criança é momento de celebrar o presente precioso que Deus deu. Cada criança é formada e conhecida por Deus desde antes de nascer.
Nokuti imi makasika zvomukatikati mangu;
makandiruka ndiri mudumbu ramai vangu.
Ndinokurumbidzai nokuti ndakaitwa nomutoo unotyisa uye unoshamisa;
mabasa enyu anoshamisa,
ndinonyatsozviziva kwazvo.
Mapfupa angu akanga asina kuvanzika kwamuri,
pandakanga ndaiswa munzvimbo yakavanda.
Pandakarukwa ndiri pakadzika penyika,
meso enyu akaona muviri usati waumbwa.
Mazuva ose andakarongerwa
akanga akanyorwa mubhuku renyu,
rimwe rawo risati ravapo.
Mirangariro yenyu inokosha sei kwandiri, imi Mwari!
Yakakura sei pakuverengwa kwayo!
Iri ndiro zuva rakaitwa naJehovha;
ngatifarei kwazvo tifarisise mariri.
Tidzidzisei kuverenga mazuva edu zvakanaka,
kuti tiwane mwoyo wouchenjeri.
Ndakazendamira pamuri kubva pakuberekwa kwangu;
ndimi makandibudisa mudumbu ramai vangu.
Ndicharamba ndichikurumbidzai.
Chinhu chimwe chete chandinokumbira kuna Jehovha,
ndicho chandinotsvaka:
kuti ndigare mumba maJehovha
mazuva ose oupenyu hwangu,
kuti nditarire kunaka kwaJehovha
uye ndimutsvake mutemberi yake.
Asi ndimi makandibudisa mudumbu;
mukaita kuti ndivimbe nemi
ndichiri pachipfuva chamai vangu.
Kubva pakuzvarwa kwangu, ndakaiswa kwamuri;
kubva mudumbu ramai vangu, makanga muchingova Mwari wangu.
Ndakakumbira mwana uyu, uye Jehovha andipa zvandakamukumbira.
Pandakanga ndiri mukomana mumba mababa vangu,
ndichiri muduku uye mwana mumwe chete wamai vangu,
baba vangu vakandidzidzisa vachiti,
"Mwoyo wako ngaubatisise mashoko angu;
chengeta mirayiro yangu ugorarama.
Farai muna She nguva dzose. Ndichapamhidzazve: Farai!
Uye mwana akakura akasimba; akanga azere nouchenjeri, uye nyasha dzaMwari dzaiva pamusoro pake.