Aniversário de idoso
O aniversário de um idoso é celebração de uma vida longa e cheia de experiências com Deus. A Bíblia honra os cabelos brancos como coroa de glória e prova da fidelidade divina.
Vongai Jehovha, nokuti akanaka;
rudo rwake runogara nokusingaperi.
Iri ndiro zuva rakaitwa naJehovha;
ngatifarei kwazvo tifarisise mariri.
Ndinorumbidza Jehovha nguva dzose;
kurumbidzwa kwake kucharamba kuri pamiromo yangu.
Jehovha ndiye simba rangu nenhoo yangu;
mwoyo wangu unovimba naye, uye ndinobatsirwa.
Mwoyo wangu unokwakuka nomufaro
uye ndichamuvonga nenziyo.
Makazadza mwoyo wangu nomufaro mukuru
kupfuura zviyo zvavo newaini yavo itsva yakawanda.
Makandizivisa nzira youpenyu;
muchandizadza nomufaro uri pamberi penyu,
nezvinofadza zvisingaperi muruoko rwenyu rworudyi.
Chinhu chimwe chete chandinokumbira kuna Jehovha,
ndicho chandinotsvaka:
kuti ndigare mumba maJehovha
mazuva ose oupenyu hwangu,
kuti nditarire kunaka kwaJehovha
uye ndimutsvake mutemberi yake.
Tidzidzisei kuverenga mazuva edu zvakanaka,
kuti tiwane mwoyo wouchenjeri.
Bvudzi rakachena ikorona yakaisvonaka;
inowanikwa noupenyu hwakarurama.
Kukudzwa kwamajaya ndiro simba ravo,
bvudzi jena kubwinya kwavakwegura.
asi avo vane tariro muna Jehovha
vachavandudza simba ravo.
Vachabhururuka namapapiro samakondo;
vachamhanya vasinganeti;
vachafamba vasingaziyi.
"Zvino ipapo, sokuvimbiswa kwakaitwa naJehovha, akandiraramisa kwamakore makumi mana namashanu, kubva panguva yaakataura izvi kuna Mozisi, vaIsraeri pavaidzungaira murenje. Naizvozvo nhasi ndiri pano, ndava namakore makumi masere namashanu! Ndichakangosimba nanhasi sezvandakanga ndakaita musi wandakatumwa naMozisi; ndichine simba guru rokuti ndinokwanisa kuenda kundorwa sezvandakanga ndakaita kare.
" ‘Jehovha akuropafadzei
uye akuchengetei;
Jehovha ngaapenyese chiso chake pamusoro penyu
uye akunzwirei tsitsi;
Jehovha ngaarinzire chiso chake kwamuri
uye akupei rugare.’ "
Mudikani, ndinonyengetera kuti uve noutano hwakanaka uye kuti zvose zvikunakire kunyange sokufara kwomweya wako.