Publicidade

Aprender

Por Bíblia Online

Aprender é vocação do discípulo. Jesus disse: aprendei de mim. A Bíblia convida a aprender com humildade, perseverança e disposição — sentados aos pés do Mestre.

Aprender de Jesus

Tomai sobre vós o meu jugo e aprendei de mim. O Espírito Santo nos ensinará todas as coisas e nos recordará tudo.

Takurai joko rangu, mudzidze kwandiri, nokuti ndiri munyoro uye ndine mwoyo unozvininipisa, uye muchawana zororo remweya yenyu. Nokuti joko rangu hariremi uye mutoro wangu wakareruka."

Naizvozvo endai mudzidzise ndudzi dzose, muchivabhabhatidza muzita raBaba, neroMwanakomana neroMweya Mutsvene, uye muchivadzidzisa kuti vachengete zvose zvandakakurayirai. Uye zvechokwadi ndinemi kusvikira pakuguma kwenyika."

Asi Munyaradzi, Mweya Mutsvene, uyo achatumwa naBaba muzita rangu, achakudzidzisai zvinhu zvose uye achakuyeuchidzai zvinhu zvose zvandakareva kwamuri.

Jesu akapindura akati, "Kudzidzisa kwangu hakuzi kwangu pachangu. Kunobva kuna iye akandituma.

Kana murimi, kuzodzwa kwamakagamuchira kubva kwaari kunogara mamuri, uye hamutsvaki mumwe munhu kuti akudzidzisei. Asi sezvo kuzodza kwake kuchikudzidzisai pamusoro pezvinhu zvose uye sezvo kuzodza ikoko kuri kwechokwadi, kwete kwenhema, sezvakwakakudzidzisai, garai maari.

Ensino e sabedoria

O temor do Senhor é o princípio do saber. A disciplina do Senhor forma o caráter e abre caminhos de entendimento.

Kutya Jehovha ndiwo mavambo ezivo,

asi mapenzi anoshora uchenjeri nokurayirwa.

Mwanakomana wangu, usazvidza kuranga kwaJehovha,

uye usatsamwira kutsiura kwake,

nokuti Jehovha anoranga avo vaanoda,

sababa nomwanakomana wavanofarira.

Ndinokudzidzisa nzira youchenjeri

uye ndiri kukutungamirira panzira dzakarurama.

Ani naani anofarira kuzvirovedza anoda zivo,

asi uyo anovenga kudzorwa ibenzi.

Naizvozvo zvizive mumwoyo wako kuti Jehovha Mwari wako anokuranga, somunhu anoranga mwanakomana wake.

Comunidade de aprendizado

Ensinem e aconselhem-se mutuamente. A igreja é escola de Cristo — onde todos ensinam e todos aprendem juntos.

Shoko raKristu ngarigare zvakakwana mamuri pamunenge muchidzidzisana muchirayirana nouchenjeri hwose, uye muchiimba mapisarema, dzimbo nenziyo dzomweya muchivonga Mwari mumwoyo yenyu.

Naizvozvo kurudziranai uye muvakane, sezvamunoita zvino.

Zuva rimwe nerimwe havana kumborega kudzidzisa nokuparidza shoko rakanaka vari mutemberi nomudzimba nedzimba kuti Jesu ndiye Kristu.

Munozviziva kuti handina kuzeza kuparidza kana chinhu chaizokubatsirai imi, asi ndakakudzidzisai pachena uye muimba neimba.

Zvinhu zvipi zvazvo zvamakadzidza kana zvamakagamuchira kana zvamakanzwa kubva kwandiri, kana zvamakaona mandiri, itai izvozvo. Uye Mwari worugare ngaave nemi.

Zvinofanira kudzidziswa Vatendi

Unofanira kudzidzisa zviri maererano nedzidziso yakarurama.

Ouvir e praticar

Ensina-me a fazer a tua vontade. Guia-me pela tua verdade. O verdadeiro aprendiz pratica o que ouviu do Mestre.

Ndidzidzisei kuita kuda kwenyu,

nokuti muri Mwari wangu;

mweya wenyu wakanaka

ngaunditungamirire panzira yakati chechetere.

Ndiratidzei nzira dzenyu, imi Jehovha,

ndidzidzisei nzira dzenyu;

nditungamirirei muzvokwadi yenyu mugondidzidzisa,

nokuti ndimi Mwari Muponesi wangu,

uye tariro yangu iri pamuri zuva rose.

Jehovha akanaka uye akarurama;

naizvozvo anodzidzisa vatadzi nzira dzake.

Anotungamirira vanozvininipisa mune zvakarurama,

uye anovadzidzisa nzira yake.

Ndichakurairidza uye ndichakudzidzisa nzira yaunofanira kufamba nayo;

ndichakupa zano uye ndichakurinda.

Mwoyo wangu unokushuvai pausiku;

mangwanani, mweya wangu unokupangai.

Kutonga kwenyu pakunouya panyika,

vanhu vanogara panyika vanodzidza zvokururama.

Seja o primeiro
Publicidade
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-29_22-07-56-