Publicidade

Arca da aliança

Por Bíblia Online

A Arca da Aliança era o símbolo mais sagrado de Israel — representava a presença de Deus no meio do seu povo. Sobre ela brilhava a glória do Senhor entre os querubins.

Areka

"Uite kuti vaite bhokisi ramatanda omuunga, rakareba makubhiti maviri nehafu, upamhi kubhiti nehafu, uye kubhiti nehafu pakukwira. Murifukidze negoridhe rakaisvonaka, mukati nokunze, uye muite hata yegoridhe yakaripoteredza. Muiumbire mhete ina dzegoridhe mugodzisungira pamakumbo aro mana, nemhete mbiri pano rumwe rutivi uye mhete mbiri kuno rumwe rutivi. Ipapo mugoita matanda omuunga uye negoridhe. Muise matanda aya mukati memhete dziri parutivi rwebhokisi kuti mutakure bhokisi nawo. Matanda anofanira kugara ari mumhete dzebhokisi iri; haafaniri kubviswa. Ipapo mugoisa muareka chipupuriro, chandichakupai.

"Muite chifunhiro chokuyananisa chegoridhe rakaisvonaka, makubhiti maviri nehafu pakureba uye kubhiti nehafu paupamhi. Uye muite makerubhi maviri egoridhe rakapambadzirwa kumacheto echifunhiro. Muite kerubhi rimwe chete kuno rumwe rutivi uye kerubhi rechipiri kuno rumwe rutivi; muite bandi rimwe chete rekerubhi nechifukidzo, pamativi maviri. Mapapiro amakerubhi anofanira kutambanudzirwa kumusoro, akafukidzira chifunhiro. Makerubhi anofanira kutarisana, akatarira kuchifunhiro. Muise chifunhiro pamusoro peareka uye mugoisa muareka, Chipupuriro chandichakupai.

Ipapo, pamusoro pechifunhiro chiri pakati pamakerubhi maviri ari pamusoro peareka yeChipupuriro, ndichasangana newe ndigokupa mirayiro yangu yose yavaIsraeri.

Areka

Bhezareri akaita areka yamatanda omuunga, yakareba makubhiti maviri nehafu, kubhiti rimwe nehafu paupamhi, uye kubhiti rimwe chete nehafu pakukwirira.

Kudzika Tabhenakeri

Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, "Dzika tabhenakeri, Tende Rokusangana, pazuva rokutanga romwedzi wokutanga. Uise areka yeChipupuriro mairi uye ugofukidza areka nechidzitiro.

Akatora Chipupuriro akachiisa muareka, akabatanidza mapango paareka uye akaisa chifunhiro chokuyananisa pamusoro payo. Ipapo akauyisa areka mutabhenakeri ndokuturika chidzitiro chokufukidzira akafukidza areka yeChipupuriro, sokurayira kwakaita Jehovha.

Mozisi akati apinda muTende Rokusangana kundotaura naJehovha, akanzwa inzwi richitaura naye richibva napakati pamakerubhi maviri pamusoro pechifukidzo cheareka yeChipupuriro. Uye akataura naye.

Saka vakasimuka kubva pagomo raJehovha vakafamba kwamazuva matatu. Areka yaJehovha yesungano yakavatungamirira pamazuva matatu iwayo kuti vatsvakirwe nzvimbo yokuzororera. Gore raJehovha rakanga riri pamusoro pavo masikati pavakasimuka kubva pamusasa.

Paingosimuka areka, Mozisi aiti,

"Haiwa Jehovha, simukai!

Vavengi venyu ngavaparadzirwe,

vavengi venyu ngavatize pamberi penyu."

Payaigadzikwa pasi, iye aiti,

"Haiwa Jehovha, dzokai

kuzviuru nezviuru zvavaIsraeri."

Tsvimbo yaAroni inobukira mashizha

Jehovha akati kuna Mozisi, "Taura kuvaIsraeri utore tsvimbo gumi nembiri kubva kwavari, imwe chete kubva kuno mumwe nomumwe wavatungamiri vamarudzi amadzitateguru avo. Unyore zita romurume mumwe nomumwe patsvimbo yake. Patsvimbo yaRevhi unyore zita raAroni, nokuti panofanira kuva netsvimbo imwe chete yomukuru mumwe nomumwe worudzi rwamadzitateguru avo. Udziise muTende Rokusangana pamberi peChipupuriro, pandinosangana nemi. Tsvimbo yomunhu wandichasarudza ichabukira mashizha, uye ndichagumisa kupopota uku kwavaIsraeri kuri kuramba kuripo pamusoro pako."

Saka Mozisi akataura navaIsraeri, uye vatungamiri vavo vakamupa tsvimbo gumi nembiri, imwe chete iri yomutungamiri mumwe nomumwe wamarudzi amadzitateguru avo, uye tsvimbo yaAroni yakanga iri pakati padzo. Mozisi akaisa tsvimbo idzi pamberi paJehovha muTende reChipupuriro.

Fume mangwana Mozisi akapinda muTende reChipupuriro uye akaona kuti tsvimbo yaAroni, iyo yaiva yakamirira imba yaRevhi, yakanga isina kungobukira bedzi asi yakanga yatungira, yava namaruva uye yabereka maarimondi. Ipapo Mozisi akatora tsvimbo dzose kubva pamberi paJehovha akaenda nadzo kuvaIsraeri vose. Vakadzitarisa, ipapo murume mumwe nomumwe akatora tsvimbo yake.

Jehovha akati kuna Mozisi, "Dzorera tsvimbo yaAroni pamberi peTende reChipupuriro, kuti ichengetwe sechiratidzo kuvanhu vanondimukira. Izvozvi zvichagumisa kundipopotera kwavo, kuti varege kufa." Mozisi akaita sezvaakarayirwa naJehovha, izvozvo ndizvo zvaakaita.

Naizvozvo vanhu pavakasimuka kubva pamisasa kuti vayambuke Jorodhani, vaprista vakanga vakatakura areka yesungano vakavatungamirira. Zvino Jorodhani runogara ruzere nguva yose yokukohwa. Asi vaprista vakanga vakatakura areka pavakangosvika paJorodhani tsoka dzavo dzichitsika kumucheto kwemvura, mvura yaibva kumusoro yakabva yamira kuerera. Yakaungana ikaita murwi iri kure chaizvo, paguta rinonzi Adhama pedyo neZaretani, mvura yaiererawo ichidzika kuGungwa reArabha (Gungwa roMunyu) yakagurwa zvachose. Naizvozvo vanhu vakayambuka mhiri kwakatarisana neJeriko. Vaprista vakanga vakatakura areka yesungano yaJehovha vakaramba vamire pavhu rakaoma pakati peJorodhani, vaIsraeri vose pavaipfuura, kusvikira rudzi rwose rwapedza kuyambuka napavhu rakaoma.

Zvino vaprista vakanga vakatakura areka yesungano yaJehovha vachangobuda kubva pakati peJorodhani, tsoka dzavo dzichangotsika ivhu rakaoma, mvura yeJorodhani yakadzokera panzvimbo yayo ikazara kusvika nokumahombekombe ose.

Zvino guta reJeriko rakanga rapfigwa zvakasimba kwazvo nokuda kwavaIsraeri. Hapana akabuda kunze uye hapana akapinda mukati.

Zvino Jehovha akati kuna Joshua, "Tarira, ndaisa Jeriko mumaoko ako, pamwe chete namambo waro navarume varo vehondo. Fambai mutenderere guta kamwe chete pamwe navarume vose vehondo. Muite izvi kwamazuva matanhatu. Ngapave navaprista vanomwe vanotakura hwamanda dzenyanga dzamakondobwe pamberi peareka. Pazuva rechinomwe fambai muchitenderera guta kanomwe, vaprista vachiridza hwamanda. Kana mukazovanzwa varidza hwamanda kwenguva refu, vanhu vose vanofanira kudanidzira zvikuru; ipapo rusvingo rweguta ruchakoromoka, vanhu vagopinda, mumwe nomumwe pakanangana naye."

Saka Joshua mwanakomana waNuni akadana vaprista akati kwavari, "Takurai areka yesungano yaJehovha uye vaprista vanomwe ngavatakure hwamanda pamberi pavo." Akarayira vanhu akati, "Endai mberi! Fambai muchipoterera guta, varume vakatakura zvombo zvokurwa nazvo vaende mberi kweareka yaJehovha."

Hwamanda padzakarira, vanhu vakadanidzira, uye pakurira kwehwamanda, vanhu pavakadanidzira zvikuru, rusvingo rwakakoromoka; naizvozvo murume mumwe nomumwe akamhanya achipinda napakanga pakanangana naye, vachibva vatora guta.

VaFiristia vakagadzirira varwi vavo kuti vandosangana neIsraeri, uye hondo payakanga yava kupararira, Israeri yakakundwa navaFiristia avo vakauraya varume zviuru zvina zvavo pavairwira. Varwi pavakadzoka kumusasa, vakuru veIsraeri vakabvunza vakati, "Sei Jehovha aita kuti tikundwe nhasi pamberi pavaFiristia? Ngatitorei areka yesungano yaJehovha kubva kuShiro, kuti igoenda nesu uye igotiponesa kubva muruoko rwavavengi vedu."

Naizvozvo vanhu vakatuma varume kuShiro, uye vakadzosa areka yaJehovha Wamasimba Ose uye agere pachigaro choushe pakati pamakerubhi. Zvino vanakomana vaviri vaEri, Hofini naFinehasi, vaivapo neareka yesungano yaMwari.

Areka yesungano yaJehovha payakauya mumusasa, Israeri yose yakapururudza uye vakaita ruzha rukuru zvokuti pasi pakatinhira. Pavakanzwa mheremhere, vaFiristia vakabvunza vakati, "Mheremhere iri mumusasa wavaHebheru ndeyei?"

Vakati vazvinzwa kuti areka yaJehovha yakanga yauya mumusasa, vaFiristia vakatya. Vakati, "Mwari asvika mumusasa. Tava munhamo! Hapana chinhu chakadai seichi chati chamboitika. Tine nhamo! Ndianiko achatirwira pamaoko avamwari ava vane simba? Ndivo vamwari vakarova vaIjipita namarudzi ose amatambudziko mugwenga. Simbai vaFiristia! Ivai varume, mukasadaro muchava varanda vavaHebheru sezvavakanga vakaita kwamuri. Ivai varume, murwe!"

Saka vaFiristia vakarwa, vaIsraeri vakakundwa uye munhu wose akatiza achidzokera kutende rake. Pakava nokuurayiwa kukuru; Israeri yakarasikirwa navarwi vetsoka zviuru makumi matatu. Areka yaJehovha yakapambwa uye vanakomana vaviri vaEri, Hofini naFinehasi, vakafa.

Ruoko rwaMwari rwakatambudza zvikuru vanhu veAshidhodhi nenzvimbo dzakaikomberedza; akauyisa kuparadzwa pamusoro pavo uye akavarova namamota. Vanhu veAshidhodhi pavakaona zvakanga zvichiitika vakati, "Areka yaMwari weIsraeri haifaniri kugara pano nesu nokuti ruoko rwake rwatitambudza zvikuru isu naDhagoni mwari wedu." Saka vakadana pamwe chete vatongi vose vavaFiristia vakavabvunza vachiti, "Toitei neareka yaMwari weIsraeri?"

Vakapindura vachiti, "Itai kuti areka yaMwari weIsraeri iendeswe kuGati." Saka vakabvisa areka yaMwari weIsraeri.

Asi mushure mokunge vaibvisa, ruoko rwaMwari rwakarwisana neguta iroro, uye akarivhundutsa nokuvhundutsa kukuru. Akarova vanhu veguta iroro, vakuru navadiki, namamota. Saka vakaendesa areka yaMwari kuEkironi.

Areka yaMwari payakanga yava kupinda muEkironi, vanhu veEkironi vakadanidzira, vachiti, "Vauyisa areka yaMwari weIsraeri kuti vatiuraye isu navanhu vedu." Saka vakadana pamwe chete vatongi vose vavaFiristia vakati, "Dzoserai areka yaMwari weIsraeri kwakare, regai idzokere kunzvimbo kwayo, nokuti ichatiuraya isu navanhu vedu." Nokuti rufu rwakanga rwazadza guta nokuvhunduka; ruoko rwaMwari rwakanga rwaritambudza zvikuru.

Areka inodzoserwa kuIsraeri

Areka yaJehovha yakati yava nemwedzi minomwe iri munyika yavaFiristia, vaFiristia vakadana vaprista navavuki vakati, "Toitei neareka yaJehovha? Tiudzei kuti toidzosera sei kunzvimbo yayo."

Vakapindura vachiti, "Kana muchidzosera areka yamwari weIsraeri, musaidzosera isina chinhu, asi edzai nepamunogona kumutumira chipiriso chemhosva. Ipapo muchaporeswa, uye muchaziva kuti sei ruoko rwake rusina kubviswa pamusoro penyu."

Saka vakaita izvi. Vakatora mhou mbiri dzakadai vakadzisungirira pangoro uye vakapfigira mhuru dzadzo muchirugu. Vakaisa areka yaJehovha pangoro pamwe chete nebhokisi rakanga rine mbeva dzegoridhe nezviumbwa zvamamota. Ipapo mhou dzakakwidza kuenda Bhetishemeshi, dzakati tande nenzira uye dzichikuma nzira yose; hadzina kutendeukira kurudyi kana kuruboshwe. Vatongi vavaFiristia vakadzitevera kusvikira kumuganhu weBhetishemeshi.

Zvino vanhu veBhetishemeshi vakanga vachikohwa gorosi ravo mumupata, uye pavakasimudza misoro yavo vakaona areka, uye vakafara nokuiona. Ngoro yakauya kumunda waJoshua weBhetishemeshi uye ipapo yakamira parutivi rwedombo guru. Vanhu vakatema-tema mapuranga engoro uye vakabayira mhou idzi sechipiriso chinopiswa kuna Jehovha. VaRevhi vakaburutsa areka yaJehovha, pamwe chete nebhokisi raiva nezviumbwa zvegoridhe, vakazvigadzika padombo guru. Musi iwoyo vanhu veBhetishemeshi vakapa zvipiriso zvinopiswa vakabayira zvibayiro kuna Jehovha.

Saka varume veKiriati Jearimi vakauya vakatora areka yaJehovha. Vakaiendesa kuimba yaAbhinadhabhi pachikomo uye vakatsaura Ereazari mwanakomana wake kuti achengete areka yaJehovha.

Samueri anokurira vaFiristia paMizipa

Areka yakaramba iri paKiriati Jearimi kwenguva yakareba kwazvo, makore makumi maviri pamwe chete, uye vanhu vose veIsraeri vakachema uye vakatsvaka Jehovha.

Zvino Mambo Dhavhidhi akaudzwa kuti, "Jehovha akaropafadza imba yaObhedhi-Edhomu nezvose zvaanazvo, nokuda kweareka yaMwari." Saka Dhavhidhi akaburuka akandotora areka yaMwari kubva muimba yaObhedhi-Edhomu akakwidza nayo kuGuta raDhavhidhi achipembera nomufaro. Zvino avo vakanga vakatakura areka yaJehovha vaiti vakafamba nhambwe nhanhatu, vobayira nzombe nemhuru yakakodzwa. Dhavhidhi, akapfeka efodhi yomucheka, akatamba pamberi paJehovha nesimba rake rose, iye neimba yaIsraeri yose vakakwidza neareka yaJehovha vachipururudza nokuridza hwamanda.

Areka inouyiswa kuTemberi

Ipapo Soromoni akaunganidza pamberi pake vakuru veIsraeri navatungamiri vamarudzi muJerusarema namadzishe emhuri dzavaIsraeri, kuti vauyise areka yesungano yaJehovha kubva kuZioni, Guta raDhavhidhi. Vanhu vose veIsraeri vakaungana pana Mambo Soromoni panguva yomutambo mumwedzi waEtanimi, unova mwedzi wechinomwe.

Vakuru vose veIsraeri vakati vasvika, vaprista vakatakura areka, uye vakauyisa areka yaJehovha, neTende Rokusangana nemidziyo yose yakatsaurwa yaiva mairi. Vaprista navaRevhi vakazvitakura, uye Mambo Soromoni neungano yose yeIsraeri yakanga yaungana paari, vakanga vanaye pamberi peareka, vachibayira makwai nehando zvakawanda zvokuti zvakanga zvisingagoni kuverengwa nokuwanda kwazvo.

Ipapo vaprista vakatakura areka yesungano yaJehovha vakaenda nayo kunzvimbo yayo munzvimbo tsvene yomukati metemberi, muNzvimbo Tsvene-tsvene, vakaigadzika pasi pamapapiro amakerubhi. Makerubhi akatambanudza mapapiro awo pamusoro penzvimbo yeareka uye akafukidza areka namatanda ayo okutakurisa. Matanda aya akanga akareba zvokuti miromo yawo yaionekwa munhu ari paNzvimbo Tsvene pamberi penzvimbo tsvene yomukati, asi kwete munhu ari kunze kweNzvimbo Tsvene; uye achiripo nanhasi. Muareka makanga musina chinhu kunze kwamahwendefa maviri amabwe ayo akanga aiswamo naMozisi paHorebhi, Jehovha paakaita sungano navaIsraeri mushure mokunge vabuda muIjipiti.

Vaprista vakati vabuda paNzvimbo Tsvene, gore rakazadza temberi yaJehovha. Uye vaprista vakatadza kuita shumiro yavo nokuda kwegore, nokuti kubwinya kwaJehovha kwakazadza temberi yaJehovha.

"Dzokai, imi vanhu vokusatenda," ndizvo zvinotaura Jehovha, "nokuti ndini murume wenyu. Ndichakusarudzai, ndichatora mumwe chete kubva kune rimwe guta, uye vaviri kubva kuno rumwe rudzi, ndigokuuyisai kuZioni. Ipapo ndichakupai vafudzi vanofadza mwoyo wangu, ivo vachakutungamirirai noruzivo nokunzwisisa. Mumazuva iwayo, pamunenge mawanda zvikuru munyika," ndizvo zvinotaura Jehovha, "vanhu havangazoti, Areka yesungano yaJehovha.Hazvingazopindi mundangariro dzavo kana kurangarirwa; havazoishuvi, havangagadziri imwezve.

Kunamata muTabhenakeri Yapanyika

Zvino sungano yokutanga yakanga ine mirayiro yokunamata Mwari uye neyeimba tsvene yapanyika. Tabhenakeri yakamiswa. Mukamuri rayo rokutanga makanga mune chigadziko chomwenje, netafura uye nezvingwa zvitsvene; iyi ndiyo yainzi Nzvimbo Tsvene. Mberi kwechidzitiro chechipiri kwakanga kune kamuri yainzi Nzvimbo Tsvene-tsvene, yakanga ine ndiro yegoridhe yezvinonhuhwira uye neareka yesungano yakanga yakafukidzirwa negoridhe. Muareka iyi ndimo makanga mune hari yegoridhe yakanga ine mana, netsvimbo yaAroni yakanga yatungira, uye namahwendefa esungano. Pamusoro peareka pakanga paina makerubhi okubwinya, aidzikatidza chifunhiro chengoni. Asi hatingatauri nezvezvinhu zvose izvi zvizere iye zvino.

Ipapo temberi yaMwari iri kudenga yakazarurwa, uye mukati metemberi yake makaonekwa areka yake yesungano. Uye ipapo kwakava nokupenya kwemheni, muroromero, maungira okutinhira, kudengenyeka nemvura yechimvuramabwe yakawanda.

Seja o primeiro
Publicidade
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-29_22-07-56-