Publicidade

Arrependimento

Por Bíblia Online

O arrependimento é a porta da graça. A Bíblia declara que Deus não deseja a morte do ímpio, mas que se converta e viva. Arrependei-vos, pois o Reino dos Céus está próximo.

Chamado ao arrependimento

Arrependei-vos, porque o Reino dos Céus está próximo. Quem se arrepende e confessa encontra restauração e perdão.

Kubva panguva iyoyo zvichienda mberi, Jesu akatanga kuparidza achiti, "Tendeukai nokuti umambo hwokudenga hwava pedyo."

Berekai zvibereko zvakafanira kutendeuka.

Asi endai munodzidza kuti izvi zvinorevei zvinoti, ‘Ndinoda ngoni, kwete chibayiro.’ Nokuti handina kuuya kuzodana vakarurama, asi vatadzi."

Akati, "Nguva yasvika. Umambo hwaMwari hwaswedera. Tendeukai mutende vhangeri!"

Ndinokuudzai kuti kwete! Asi kana musingatendeuki, nemiwo mucharaswa mose.

Handina kuuya kuzodana vakarurama, asi vatadzi kuti vatendeuke."

Petro akapindura akati, "Tendeukai mubhabhatidzwe, mumwe nomumwe wenyu, muzita raJesu Kristu kuti muregererwe zvivi zvenyu, uye mugogamuchira chipo choMweya Mutsvene.

Naizvozvo, tendeukai zvino, mudzokere kuna Mwari, kuitira kuti zvivi zvenyu zvidzimwe, kuti nguva dzokuvandudzwa dzinobva kuna She dzisvike

Mwari akarega hake kurangarira nguva dzakare dzokusaziva kwakadai, asi zvino anorayira vanhu vose kwose kwose kuti vatendeuke.

A graça do arrependimento

Os que eu amo, eu repreendo e disciplino. Arrepende-te! Deus não quer que nenhum se perca — mas que todos cheguem ao arrependimento.

Avo vandinoda ndinovatsiura uye ndinovaranga. Saka shingaira, utendeuke.

Ishe haanonoki kuita zvaakavimbisa, sokunonoka kunonzwisiswa navamwe. Ane mwoyo murefu nemi, haadi kuti ani zvake arasike, asi kuti vose vatendeuke.

Nokuti handifariri rufu rwomunhu upi zvake, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. Tendeukai murarame!

kana vanhu vangu vanodaidzwa nezita rangu, vakazvininipisa, vakanyengetera vakatsvaga chiso changu, vakatendeuka kubva panzira dzavo dzakaipa, ipapo ndichavanzwa kubva kudenga uye ndicharegerera chivi chavo uye ndichaporesa nyika yavo.

Hezekia anopemberera Pasika

Hezekia akatuma shoko kuIsraeri yose neJudha yose akanyorera tsamba Efuremu neManase achivakoka kuti vauye kutemberi yaJehovha muJerusarema uye vazopemberera Pasika kuna Jehovha, Mwari weIsraeri. Mambo namakurukota ake neungano yose muJerusarema vakasarudza kupemberera Pasika mumwedzi wechipiri. Vakanga vasina kukwanisa kutamba mutambo uyu panguva yaunositambwa nokuti vaprista vakanga vazvinatsa vakanga vari vashoma uye vanhu vakanga vasina kuungana muJerusarema. Zano iri rakaita serakanaka kuna Mambo nokuungano yose. Vakasarudza kutuma shoko kuIsraeri yose kubva Bheerishebha kusvika kuDhani, vachidaidza vanhu kuti vauye kuJerusarema vazopemberera Jehovha Mwari weIsraeri mutambo wePasika. Haina kunge yambopembererwa navanhu vazhinji sezvakanga zvakanyorwa.

Sokurayira kwamambo, vanhu vakaenda muJudha neIsraeri netsamba dzaibva kuna Mambo nokumakurukota ake dzaiti:

"Vanhu veIsraeri, dzokerai kuna Jehovha Mwari waAbhurahama, Isaka naIsraeri kuti adzokere kwamuri imi masara, imi makapunyuka kubva muruoko rwamadzimambo eAsiria. Musaita samadzibaba enyu nehama dzenyu vakanga vasina kutendeka kuna Jehovha, Mwari wamadzibaba avo, zvokuti akavaita chakatukwa sezvamunoona. Musaomesa mitsipa sezvakaita madzibaba enyu. Zviisei pasi paJehovha. Uyai kunzvimbo tsvene yaakatsaura nokusingaperi. Shandirai Jehovha Mwari wenyu, kuti hasha dzake dzinotyisa dzibve kwamuri. Kana mukadzokera kuna Jehovha, ipapo hama dzenyu navana venyu vachanzwirwa tsitsi nevakavatapa uye vachadzoka kunyika ino, nokuti Jehovha Mwari wenyu ane nyasha netsitsi. Haangavanzi chiso chake kwamuri kana mukadzokazve kwaari."

Vakatumwa vakaenda kuguta neguta muEfuremu neManase, kusvikira kuZebhuruni, asi vanhu vakavashora uye vakavaseka. Kunyange zvakadaro, vamwe varume veAsheri, Manase neZebhuruni vakazvininipisa vakaenda kuJerusarema. Uye muJudha ruoko rwaMwari rwakanga rwuri pavanhu kuti ruvape kubatana kwepfungwa kuti vaite zvakanga zvarayirwa namambo namachinda ake vachitevera shoko raJehovha.

Vanhu vazhinji zhinji vakaungana muJerusarema kuti vazopemberera Mutambo weChingwa Chisina Mbiriso mumwedzi wechipiri. Vakabvisa aritari muJerusarema vakaparadza aritari dzezvinonhuhwira vakadzikanda muMupata weKidhironi.

Vakauraya gwayana rechibayiro chePasika pazuva regumi neina romwedzi wechipiri. Vaprista navaRevhi vakanyara kwazvo vakazvinatsa vakauyisa zvipiriso zvinopiswa kutemberi yaJehovha. Ipapo vakatora nzvimbo dzavo sezvazvakanyorwa muMurayiro waMozisi munhu waMwari. Vaprista vakasasa ropa ravakapiwa navaRevhi. Sezvo vazhinji muungano vakanga vasina kuzvinatsa, vaRevhi vakauraya makwayana ePasika vachiitira vose vakanga vasina kucheneswa uye vasingakwanisi kunatsa makwayana avo kuna Jehovha. Kunyange vazhinji, pakati pavanhu ava vakabva kuEfuremu, Manase, Isakari neZebhuruni vakanga vasina kuzvichenesa, vakadya Pasika, zvichipikisana nezvakanga zvakanyorwa. Asi Hezekia akavanyengeterera achiti, "Jehovha, iye akanaka, ngaaregerere hake munhu wose anoisa mwoyo wake mukutsvaka Mwari, Jehovha Mwari wamadzibaba ake kunyange zvake asina kucheneswa kana tichitevedza mitemo yapanzvimbo tsvene." Uye Jehovha akanzwa Hezekia akaporesa vanhu.

VaIsraeri vaiva muJerusarema vakatamba Mutambo weChingwa Chisina Mbiriso kwamazuva manomwe nokufara kukuru, vaRevhi navaprista vachiimbira Jehovha zuva nezuva, pamwe chete nezviridzwa zvaJehovha zvokurumbidza.

Hezekia akataura achikurudzira kwazvo vaRevhi vose, avo vakaratidza kunzwisisa kwakanaka kwebasa raJehovha. Kwamazuva manomwe aya vakadya zvokudya zvavakanga vapiwa, vakapa zvipiriso uye vakarumbidza Jehovha Mwari wamadzibaba avo.

Ipapo ungano yose yakabvumirana kutamba mutambo uyu kwamamwe mazuva manomwe; saka kwamamwe mazuva manomwe vakapemberera vachifara. Hezekia mambo weJudha akapa hando chiuru namakwai nembudzi zviuru zvinomwe kuungano uye machinda ake akapa hando chiuru namakwai nembudzi zviuru gumi. Vaprista vazhinji vakazvinatsa. Ungano yose yeJudha yakafara kwazvo, pamwe chete navaprista navaRevhi uye vose vakanga vaungana kubva kuIsraeri pamwe chete navatorwa vakanga vabva kuIsraeri naavo vaigara muJudha. Kwakava nomufaro mukuru kwazvo muJerusarema, nokuti kubva pamazuva aSoromoni mwanakomana waDhavhidhi mambo weIsraeri kwakanga kusina kumboitika zvakaita sezvizvi muJerusarema. Vaprista navaRevhi vakamira kuti varopafadze vanhu, Mwari akavanzwa, nokuti munyengetero wavo wakasvika kudenga, nzvimbo yake tsvene yokugara.

Bvarurai mwoyo yenyu,

kwete nguo dzenyu.

Dzokerai kuna Jehovha Mwari wenyu,

iye ane nyasha uye ane tsitsi,

anononoka kutsamwa

uye ane rudo rukuru;

anozvidzora pakutumira vanhu njodzi.

Vanhu vanokurudzirwa kuti vadzokere kuna Jehovha

"Mumwedzi worusere wegore rechipiri raDhariasi, shoko raJehovha rakasvika kuna muprofita Zekaria mwanakomana waBherekia, mwanakomana waIdho richiti:

"Jehovha akatsamwira madzibaba enyu zvikuru. Naizvozvo udza vanhu kuti: Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose: ‘Dzokerai kwandiri,’ ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose, ‘neni ndichadzokera kwamuri,’ ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose. Musaita samadzibaba enyu, avo vakaudzwa navaprofita vokutanga kuti: Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, ‘Dzokai kubva panzira dzenyu dzakaipa nepazvakaipa zvamunoita.’ Asi havana kunzwa kana kuteerera kwandiri, ndizvo zvinotaura Jehovha. Aripiko madzibaba enyu zvino? Uye vaprofita vacho, vanorarama zvandakarayira nokusingaperi here? Asi mashoko angu nemitemo yangu, zvandakarayira varanda vangu ivo vaprofita, hazvina kurarama kupfuura madzibaba enyu here?

"Ipapo vakatendeuka ndokuti, ‘Jehovha Wamasimba Ose akatiitira zvakafanira mabasa edu nenzira dzedu, sezvaakafunga kuita.’ "

Murume pakati pemiti

Pazuva ramakumi maviri namana romwedzi wegumi nomumwe, mwedzi weShebhati, mugore rechipiri raDhariasi, shoko raJehovha rakasvika kuna muprofita Zekaria mwanakomana waBherekia mwanakomana waIdho.

Panguva dzousiku ndakaona chiratidzo, hapo pamberi pangu paiva nomurume akanga akatasva bhiza dzvuku! Akanga akamira pakati pemiti yaiva mumupata. Shure kwake kwaiva namabhiza matsvuku, mashava uye namachena.

Ipapo ndakati, "Izvi zviiko, ishe wangu?"

Mutumwa akanga achitaura neni akapindura akati, "Ndichakuratidza kuti zvii."

Ipapo murume akanga amire pakati pemiti yemitire akatsanangura achiti, "Ava ndivo vakatumwa naJehovha kuti vaende munyika yose."

Uye vakapindura mutumwa waJehovha akanga akamira pakati pemiti yemitire vachiti, "Taenda munyika yose tikaona nyika yose yakazorora uye ino runyararo."

Ipapo mutumwa waJehovha akati, "Jehovha Wamasimba Ose muchasvika rinhiko musinganzwiri Jerusarema namaguta eJudha tsitsi amakatsamwira kwamakore makumi manomwe aya?" Saka Jehovha akataura mashoko akanaka anonyaradza kumutumwa akataura neni.

Ipapo mutumwa aitaura neni akati, "Danidzira shoko iri rokuti: Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose: ‘Ndine godo kwazvo pamusoro peJerusarema neZioni, asi ndakatsamwira zvikuru ndudzi dzinoti dzakagarika. Ndakanga ndakatsamwa zvishoma, asi ivo vakawedzera padambudziko iri.’

"Naizvozvo, zvanzi naJehovha: ‘Ndichadzokera kuJerusarema ndine tsitsi, uye ipapo imba yangu ichavakwazve. Uye rwodzi rwokuyera ruchatambanudzwa pamusoro peJerusarema,’ ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose.

"Danidzirazve uti: Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, ‘Maguta angu achafashukirazve noupfumi, uye Jehovha achanyaradzazve Zioni uye agosarudza Jerusarema.’ "

Nyanga Ina neMhizha Ina

Ipapo ndakasimudza meso angu, zvino hapo pamberi pangu paiva nenyanga ina! Ndakabvunza mutumwa aitaura neni ndikati, "Zviiko izvi?"

Akandipindura achiti, "Idzi inyanga dzakaparadzira Judha, Israeri neJerusarema."

Ipapo Jehovha akandiratidza mhizha ina. Ndakabvunza ndikati, "Ko, ava vari kuuya kuzoitei?"

Akapindura akati, "Idzi ndidzo nyanga dzakaparadzira Judha kuti pashayikwe kana mumwe angasimudza musoro wake, asi mhizha dzauya kuzodzityisa uye kuti dzigokanda pasi nyanga idzi dzendudzi dzakasimudza nyanga dzadzo kuti dzirwise nyika yeJudha kuti dziparadzire vanhu vayo."

Uyo anofukidzira zvivi zvake haabudiriri,

asi ani naani anozvireurura uye agozvirasa achawana nyasha.

Dai makateerera kutsiura kwangu,

ndingadai ndakadurura mwoyo wangu kwamuri

uye ndakazivisa pfungwa dzangu kwamuri.

Confissão e restauração

Se confessarmos, Ele é fiel e justo. Há alegria no céu por um pecador que se arrepende — o arrependimento abre o caminho da vida.

Kana tichireurura zvivi zvedu, iye akatendeka uye akarurama, uye achatikanganwira zvivi zvedu agotinatsa pakusarurama kwose.

Ndinoti kwamuri, saizvozvo mufaro mukuru uchava kudenga pamusoro pomutadzi mumwe chete anenge atendeuka, kupfuura pamusoro pavakarurama makumi mapfumbamwe navapfumbamwe vasingatsvaki kutendeuka.

Saizvozvo, ndinoti kwamuri, pano mufaro pamberi pavatumwa vaMwari pamusoro pomutadzi mumwe chete anotendeuka."

Swederai kuna Mwari uye iye achaswedera kwamuri. Shambai maoko enyu, imi vatadzi, uye munatse mwoyo yenyu, imi vane mwoyo miviri.

Publicidade
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-22_10-02-25-