Bem
Fazer o bem é mandamento de Deus e expressão prática do amor cristão. A Bíblia convida a praticar o bem a todos, com alegria, sem se cansar — porque colheremos no tempo próprio.
Ibva pane zvakaipa ugoita zvakanaka;
tsvaka rugare uye urutevere.
Vimba naJehovha uite zvakanaka;
gara panyika ufarikane pamafuro manyoro.
Ndichine chokwadi neizvi zvokuti:
ndichaona kunaka kwaJehovha
munyika yavapenyu.
Rangarirai, imi Jehovha, ngoni dzenyu huru norudo,
nokuti zvakabvira kare.
Regai kurangarira zvivi zvouduku hwangu,
nenzira dzangu dzandaikumukirai nadzo;
ndirangarirei nokuda kworudo rwenyu,
nokuti makanaka, imi Jehovha.
Jehovha akarurama panzira dzake dzose, uye ane rudo kuzvinhu zvose zvaakaita.
Ipapo uchanzwisisa zvakarurama,
kururamisira nokuenzanisira nzira dzose dzakanaka.
Chinodiwa nomunhu rudo rusingagumi;
zviri nani kuva murombo pano kuva murevi wenhema.
Asi chibereko choMweya ndirwo rudo, mufaro, rugare, mwoyo murefu, unyoro, kunaka, kutendeka, kupfava uye kuzvidzora. Hakuna murayiro unopesana nezvizvi.
Naizvozvo, zvatine mukana, ngatiitei zvakanaka kuvanhu vose, zvikuru kuna avo vari mumhuri yavatendi.
Musarega kutaura kwakaora kuchibuda mumiromo yenyu, asi chete zvinobatsira pakuvaka vamwe maererano nezvavanoshayiwa, kuti zvigobatsira avo vanonzwa.
Muitirane mwoyo munyoro uye munzwirane tsitsi, muchikanganwira mumwe nomumwe wenyu, sezvamakakanganwirwa naMwari muna Kristu.
Rudo ngaruve rwechokwadi. Vengai zvakaipa; namatirai pane zvakanaka.
Usakundwa nezvakaipa, asi ukunde zvakaipa nezvakanaka.
Zvinhu zvose zvinotenderwa, asi hazvisi zvose zvinobatsira. Zvinhu zvose zvinotenderwa, asi hazvisi zvose zvinovaka.
Musanyengerwa: "Ushamwari hwakaipa hunoodza tsika dzakanaka."
Uye Mwari anogona kuita kuti nyasha dziwande kwamuri, kuitira kuti muzvinhu zvose, panguva dzose, muine zvose zvamunoda, muchakwanisa kuita mabasa ose akanaka.
Ndinodawo kuti vakadzi vapfeke zvakafanira, zvakanaka zvino kuzvidzora, kwete nebvudzi rakarukwa kana negoridhe kana namaperera kana nguo dzemari zhinji, asi ngavave namabasa akanaka, sezvakafanira vakadzi vanoti vanonamata Mwari.
akazvipa nokuda kwedu kuti atidzikinure kubva pakuipa kwose, nokuzvinatsira vanhu vari vake chaivo, vanoshingaira kuita zvinhu zvakanaka.
Nokuda kwaizvozvi, shingairai kuti muwedzere kunaka pakutenda kwenyu; uye pakunaka, muwedzere kuziva; napakuziva muwedzere kuzvidzora; napakuzvidzora, muwedzere kutsungirira; napakutsungirira, muwedzere umwari; napaumwari muwedzere kuda vatendi; napakuda vatendi, muwedzere rudo.
Ndianiko achakuitirai zvakaipa kana muchishingairira kuita zvakanaka?
Zvanzi naJehovha:
"Mirai pamharadzano dzenzira muone;
mubvunze nzira dzekare,
mubvunze kune nzira yakanaka, mugofamba mairi,
ipapo muchawana zororo remweya yenyu.
Asi imi makati, ‘Hatizofambi mairi.’
Jehovha akanaka,
utiziro panguva dzokutambudzika.
Anochengeta avo vanovimba naye,
Uye vanhu havangatungidzi mwenje vagouisa pasi pedengu. Asi kutoti vanouisa pachigadziko kuti uvhenekere vose vari mumba. Nenzira imwe cheteyo, chiedza chenyu ngachivhenekere pamberi pavanhu kuti vaone mabasa enyu akanaka, vagokudza Baba venyu vari kudenga.
Ivai netsitsi sababa venyu vane tsitsi.