Publicidade

O que é bom

Por Bíblia Online

O que é bom vem de Deus. A Bíblia celebra a bondade divina e nos convida a discernir, praticar e desfrutar tudo o que é bom — porque toda boa dádiva vem do Pai das luzes.

Mwari akaona zvose zvaakanga aita, kuti zvakanga zvakanaka kwazvo. Uye madekwana akavapo, namangwanani akavapo, zuva rechitanhatu.

Jehovha akanaka uye akarurama;

naizvozvo anodzidzisa vatadzi nzira dzake.

Asi kana ndirini, zvakanaka kuva pedyo naMwari.

Ndakaita Ishe Jehovha utiziro hwangu;

ndichataura zvamabasa enyu ose.

Pisarema. Rwiyo rweSabata.

Zvakanaka kurumbidza Jehovha

nokuimbira zita renyu nziyo, imi Wokumusoro-soro,

kuparidza rudo rwenyu mangwanani

nokutendeka kwenyu usiku,

nechiridzwa chine hungiso

gumi namaririro akanaka embira.

Nokuti Jehovha akanaka uye rudo rwake runogara nokusingaperi;

kutendeka kwake kunoramba kuripo kuzvizvarwa zvose.

Rwiyo rworwendo rwaDhavhidhi.

Zvakanaka uye zvinofadza sei

kana hama dzichigara pamwe chete mukubatana!

Ndinokupai dzidziso yakanaka,

saka regai kurasa dzidziso yangu.

Munhu anowana mufaro mukupa mhinduro yakanaka,

uye rakanaka seiko shoko rinouya nenguva!

Idya uchi, mwanakomana wangu, nokuti hwakanaka;

uchi hunobva pazinga hunozipa parurimi.

Uzivewo zvakare kuti uchenjeri hunozipa kumweya wako;

kana wahuwana, ramangwana rako rine tariro,

uye tariro yako haingaparari.

Uchenjeri chinhu chakanaka senhaka,

uye hunobatsira avo vanoona zuva.

Jehovha akanaka kuna avo vanovimba naye,

kumunhu anomutsvaka;

chinhu chakanaka kumirira

ruponeso rwaJehovha unyerere.

Akakuratidza, iwe munhu, kuti zvakanaka ndezvipi.

Uye ndezvipi zvinodiwa naJehovha kubva kwauri?

Kuita zvakarurama uye kufarira kunzwira ngoni,

nokufamba naMwari wako wakazvininipisa.

Saka naizvozvo, murayiro mutsvene, uye mutemo mutsvene, wakarurama uye wakanaka.

Musaramba muchizvienzanisa namaitiro enyika ino, asi mushandurwe nokuvandudzwa kwepfungwa dzenyu. Ipapo muchakwanisa kuti muedze uye mugoziva kuti kuda kwaMwari ndokupi, kuda kwake kwakanaka, kunomufadza uye kwakakwana.

Usatendera kuti zvaunoti zvakanaka zvinzi zvakaipa.

Dzidziso pamusoro poKunamata

Naizvozvo, pakutanga kwezvose, ndinokurayirai kuti vanhu vose vakumbirirwe, vanyengetererwe, varevererwe, vavongerwe, madzimambo navose vari kutonga, kuti tigare norugare uye norunyararo pakurarama muumwari hwose nomuutsvene. Izvi zvakanaka uye zvinofadza Mwari muponesi wedu.

Nokuti chose chakasikwa naMwari chakanaka, uye hapana chinofanira kuraswa kana chichigamuchirwa nokuvonga, nokuti chinoitwa chitsvene neshoko raMwari nokunyengetera.

Chipo chose chakanaka uye chakakwana chinobva kumusoro kudenga, chinoburuka chichibva kuna Baba wezviedza zvokudenga, asingashanduki semimvuri inopinduka.

"Munyu wakanaka, asi kana warasa kuvava kwawo, mungauita kuti urungezve here? Ivai nomunyu mukati menyu, uye muve norugare pakati penyu."

Seja o primeiro
Publicidade
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-29_22-07-56-