Publicidade

Buscar a Deus

Por Bíblia Online

Buscar a Deus é o chamado mais urgente da Bíblia. Buscai primeiro o Reino de Deus. Os que buscam de todo coração encontram — porque Ele se deixa encontrar pelos que o procuram.

Buscai ao Senhor

Buscai ao Senhor enquanto se pode achar. Buscai e achareis. O Senhor recompensa os que o buscam com diligência.

Tsvakai Jehovha achawanikwa:

danai kwaari achiri pedyo.

Tsvakai Jehovha achawanikwa:

danai kwaari achiri pedyo.

Kutongwa noRuponeso

"Ndakazviratidza kuna avo vasina kundibvunza;

ndakawanikwa neavo vasina kunditsvaka.

Kurudzi rwakanga rusina kudana kuzita rangu

ndakati, Ndiri pano, ndiri pano.

Anopa simba kuna vakarukutika,

uye anowedzera simba kuna vasina simba.

Kunyange majaya anoneta uye anorukutika,

uye majaya anogumburwa agowa;

asi avo vane tariro muna Jehovha

vachavandudza simba ravo.

Vachabhururuka namapapiro samakondo;

vachamhanya vasinganeti;

vachafamba vasingaziyi.

Tarisai kuna Jehovha nokusimba rake;

tsvakai chiso chake nguva dzose.

Tarisai kuna Jehovha nokusimba rake;

tsvakai chiso chake nguva dzose.

"Newewo mwanakomana wangu Soromoni, ziva Mwari wababa vako, uye umushumire nomwoyo wose uye nepfungwa dzako dzose, nokuti Jehovha anonzvera mwoyo uye anonzwisisa chinangwa chipi nechipi chiri mupfungwa. Ukamutsvaga achawanikwa newe, asi kana ukamurasa, iye achakuramba nokusingaperi.

kana vanhu vangu vanodaidzwa nezita rangu, vakazvininipisa, vakanyengetera vakatsvaga chiso changu, vakatendeuka kubva panzira dzavo dzakaipa, ipapo ndichavanzwa kubva kudenga uye ndicharegerera chivi chavo uye ndichaporesa nyika yavo.

Akabuda kundosangana naAsa akati kwaari, "Nditeererei, imi Asa, Judha yose neBhenjamini yose. Jehovha anemi kana imi munaye. Kana mukamutsvaka, achawanikwa nemi, asi kana mukamurasa, iye achakurasai.

Mabasa aAsa

Mweya waMwari wakauya pana Azaria mwanakomana waOdhedhi. Akabuda kundosangana naAsa akati kwaari, "Nditeererei, imi Asa, Judha yose neBhenjamini yose. Jehovha anemi kana imi munaye. Kana mukamutsvaka, achawanikwa nemi, asi kana mukamurasa, iye achakurasai. Kwenguva refu Israeri yakanga isina Mwari wechokwadi, isina muprista kuti avadzidzise uye vasina murayiro. Asi panguva yokutambudzika kwavo vakatendeukira kuna Jehovha, Mwari waIsraeri, vakamutsvaka, uye akawanikwa navo. Pamazuva iwayo zvakanga zvine njodzi kufamba-famba nokuti vanhu vose venyika dzakawanda vakanga vachitambudzika kwazvo. Imwe nyika yaiparadzwa neimwe uye rimwe guta richiparadzwa nerimwe, nokuti Mwari aivatambudza namatambudziko emhando dzakasiyana-siyana. Asi imi, ivai nesimba uye musaora mwoyo nokuti mabasa enyu achawana mubayiro."

Asa paakanzwa mashoko aya nokuprofita kwaAzaria mwanakomana waOdhedhi muprofita akasimbiswa kwazvo. Akabvisa zvifananidzo zvinonyangadza kubva panyika yose yeJudha neBhenjamini nomune mamwe maguta aakanga apamba muzvikomo zveEfuremu. Akavaka patsva aritari yaJehovha yaiva pamberi pebiravira retemberi yaJehovha.

Ipapo akaunganidza Judha neBhenjamini yose navanhu vaibva kuEfuremu, Manase neSimeoni vakanga vagere pakati pavo; nokuti vanhu vazhinji kwazvo vakanga vauya kwaari vachibva kuIsraeri pavakaona kuti Jehovha Mwari wake aiva naye.

Vakaungana paJerusarema mumwedzi wechitatu wegore regumi namashanu rokutonga kwaAsa. Panguva iyoyo vakabayira kuna Jehovha mombe mazana manomwe, nemakwai nembudzi zviuru zvinomwe kubva paupfumi hwezvavakapamba zvavakadzoka nazvo. Vakaita sungano yokutsvaka Jehovha, Mwari wamadzibaba avo, nemwoyo yavo nemweya yavo yose. Vose vakanga vasingazotsvaki Jehovha, Mwari waIsraeri, vaizofanira kuurayiwa, zvisinei kuti mudiki kana mukuru, murume kana mukadzi. Vakapika kuna Jehovha nenzwi guru nokudanidzira uye nehwamanda nenyanga. Judha yose yakafara nokuda kwemhiko iyi nokuti vakanga vapika nomwoyo wose. Vakatsvaka Mwari nomwoyo unoda, uye iye akawanikwa navo. Saka Jehovha akavapa zororo kumativi ose.

Mambo Asa akabvisazve ambuya vake Maaka kubva panzvimbo yavo samai vamambo nokuti vakanga vagadzira danda rinonyangadza raAshera. Asa akatema danda riya akarityora-tyora akaripisa muMupata weKidhironi. Kunyange zvake asina kubvisa nzvimbo dzakakwirira kubva muIsraeri, Asa akanga akazvipira nomwoyo wake wose kuna Jehovha upenyu hwake hwose. Akauyisa mutemberi yaMwari sirivha negoridhe nemidziyo yaakanga akumikidza iye nababa vake.

Hakunazve kuzoita hondo kusvikira pagore ramakumi matatu namashanu rokutonga kwaAsa.

De todo o coração

Buscar-me-eis e me achareis quando me buscardes de todo o coração. O Senhor é bom para os que o buscam.

Muchanditsvaka mukandiwana, pamunonditsvaka nemwoyo yenyu yose.

Muchanditsvaka mukandiwana, pamunonditsvaka nemwoyo yenyu yose.

"Shoko rangu harina kufanana nomoto here," ndizvo zvinotaura Jehovha, "uye nenyundo inoputsanya dombo?"

Asi kana mava ikoko mukatsvaka Jehovha Mwari wenyu, muchamuwana kana mukamutsvaka nomwoyo wenyu wose nomweya wenyu wose.

Vakaropafadzwa avo vanochengeta zvaakatema,

vanomutsvaka nomwoyo wavo wose.

Vakaropafadzwa avo vanochengeta zvaakatema,

vanomutsvaka nomwoyo wavo wose.

Ndinokutsvakai nomwoyo wangu wose;

musandirega ndichitsauka pamirayiro yenyu.

Mweya wangu waziya nokusuwa;

ndisimbisei sezvinoreva shoko renyu.

Ndichafamba-famba ndakasununguka,

nokuti ndakatsvaka zvirevo zvenyu.

Tarirai kuna Jehovha nokusimba rake;

tsvakai chiso chake nguva dzose.

Tarirai kuna Jehovha nokusimba rake;

tsvakai chiso chake nguva dzose.

Mwoyo wangu unoti kwandiri, "Tsvaka chiso chake!"

Chiso chenyu, Jehovha, ndichachitsvaka.

Pisarema raDhavhidhi paakanga ari murenje reJudha.

Haiwa Mwari, ndimi Mwari wangu,

ndinokutsvakai nomwoyo wose;

mwoyo wangu une nyota kwamuri,

muviri wangu unokupangai,

munyika yakaoma

uye yasakara isina mvura.

Buscar e encontrar

Pedi e dar-se-vos-á. O Senhor está perto de todos os que o invocam em verdade. Quem o busca não ficará insatisfeito.

Kumbirai, Tsvakai, Gogodzai

"Kumbirai mugopiwa, tsvakai mugowana, gogodzai mugozarurirwa.

"Saka ndinoti kwamuri: Kumbirai, muchapiwa, tsvakai, muchawana; gogodzai, muchazarurirwa mukova. Nokuti ani naani anokumbira achapiwa; anotsvaka achawana; anogogodza, achazarurirwa mukova.

"Saka ndinoti kwamuri: Kumbirai, muchapiwa, tsvakai, muchawana; gogodzai, muchazarurirwa mukova.

Asi tsvakai umambo hwavo, uye zvinhu zvose izvi zvichapiwawo kwamuri.

Nokuti Mwanakomana woMunhu akauya kuzotsvaka nokuponesa chakarasika."

Vanoziva zita renyu vachavimba nemi,

nokuti imi, Jehovha hamuna kumbosiya avo vanokutsvakai.

Vanoziva zita renyu vachavimba nemi,

nokuti imi, Jehovha hamuna kumbosiya avo vanokutsvakai.

Ndakachema kuna Jehovha akandipindura;

akandisunungura pakutya kwangu kwose.

Shumba dzinopera simba uye dzinofa nenzara,

asi avo vanotsvaka Jehovha havashayiwi chinhu chakanaka.

Farikana muna Jehovha,

uye iye achakupa zvinodikanwa nomwoyo wako.

Jehovha ari kudenga anotarira pasi

pamusoro pavanakomana vavanhu,

kuti aone kana aripo anonzwisisa,

naani zvake anotsvaka Mwari.

Kumutungamiri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi.

Haiwa Jehovha, makandinzvera

uye munondiziva.

Munoziva nguva yandinogara neyandinosimuka;

munonzwisisa pfungwa dzangu muri kure.

Iye achagamuchira makomborero anobva kuna Jehovha

nokururamiswa kunobva kuna Mwari woruponeso rwake.

Ivava ndivo rudzi rwaavo vanomutsvaka,

ivo vanotsvaka chiso chenyu, imi Mwari waJakobho. Sera

Força na busca

Buscai o bem e não o mal. Sede fortalecidos no Senhor. A busca por Deus traz renovação e plenitude de vida.

Zvanzi naJehovha kuimba yaIsraeri:

"Nditsvakei murarame;

Zvanzi naJehovha kuimba yaIsraeri:

"Nditsvakei murarame;

Tsvakai zvakanaka, kwete zvakaipa,

kuti murarame.

Ipapo Jehovha Mwari Wamasimba Ose achava nemi,

sezvamunoti ndizvo zvaari.

Ndinonyengetera kuti kubva papfuma yokubwinya kwavo vakusimbisei nesimba noMweya wavo mumunhu womukati,

Nhumbi dzokurwa nadzo dzaMwari

Pakupedzisira, ivai nesimba muna She nomusimba rake guru.

muchisimbiswa nesimba rose maererano nokubwinya kwesimba rake kuti muve nokutsunga kukuru uye nomwoyo murefu, muchifara kwazvo

Nokuti Mwari haana kutipa mweya wokutya, asi mweya wesimba, neworudo newokuzvidzora.

Uye pasina kutenda hazvibviri kufadza Mwari, nokuti ani naani anouya kwaari anofanira kutenda kuti ariko uye kuti anopa vanomutsvaka nomwoyo wose mubayiro wavo.

Uye pasina kutenda hazvibviri kufadza Mwari, nokuti ani naani anouya kwaari anofanira kutenda kuti ariko uye kuti anopa vanomutsvaka nomwoyo wose mubayiro wavo.

Asi muchagamuchira simba kana Mweya Mutsvene auya pamusoro penyu; uye muchava zvapupu zvangu muJerusarema, nomuJudhea mose, nomuSamaria, kusvikira kumigumo yenyika."

Jehovha ngaakuripire pane zvawakaita. Jehovha, Mwari waIsraeri, ngaakupe mubayiro uzere, iye wawakauya ukavanda pasi pamapapiro ake."

Mweya waJehovha wakauya pamusoro pake nesimba zvokuti akabvambura shumba napakati namaoko ake kunge anobvambura mbudzana.

Ipapo Samusoni akanyengetera kuna Jehovha akati, "Haiwa Ishe Jehovha, ndirangarirei. Imi Mwari, ndapota hangu, ndisimbisei henyu nguva ino bedzi, uye nditenderei kamwe chete kuti nditsive vaFiristia nokuda kwameso angu maviri."

Zviri nani kutizira kuna Jehovha

pano kuvimba nomunhu.

Zviri nani kutizira kuna Jehovha

pano kuvimba namachinda.

Uyo anowana mudzimai anowana chinhu chakanaka,

uye anogamuchira nyasha kubva kuna Jehovha.

Uzivewo zvakare kuti uchenjeri hunozipa kumweya wako;

kana wahuwana, ramangwana rako rine tariro,

uye tariro yako haingaparari.

Seja o primeiro
Publicidade
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-29_22-07-56-