Casa de Deus
A casa de Deus é lugar de adoração, refúgio e encontro com o Sagrado. A Bíblia exalta o tabernáculo, o templo e a igreja como morada do Altíssimo entre seu povo.
A presença de Deus
Quão amáveis são os teus tabernáculos! Uma coisa pedi ao Senhor: habitar na casa do Senhor todos os dias da minha vida.
Zviri nani kuva pavazhe dzenyu kwezuva rimwe chete,
kupfuura mazuva zviuru ndiri kumwe;
ndingada zvangu kuva murindi womukova weimba yaMwari
wangu kukunda kugara mumatende avakaipa.
Chinhu chimwe chete chandinokumbira kuna Jehovha,
ndicho chandinotsvaka:
kuti ndigare mumba maJehovha
mazuva ose oupenyu hwangu,
kuti nditarire kunaka kwaJehovha
uye ndimutsvake mutemberi yake.
Vakaropafadzwa avo vamunosarudza
navamunoswededza pedyo kuti vagare pavanze dzenyu!
Takagutswa nezvinhu zvakanaka zveimba yenyu,
zvetemberi yenyu tsvene.
Ndakafara pavakati kwandiri,
"Handei kumba yaJehovha."
Zvirokwazvo kunaka kwenyu norudo rwenyu zvichanditevera,
mazuva ose oupenyu hwangu,
uye ndichagara mumba maJehovha
nokusingaperi.
Asi ini ndakaita somuti
womuorivhi unokura zvakanaka mumba maMwari;
ndinovimba norudo rusingaperi rwaMwari,
nokusingaperi-peri.
nokuti kushingairira imba yenyu kwandipedza,
uye kutuka kwaavo vanokutukai kunowira pamusoro pangu.
O templo
Minha casa será chamada casa de oração. O zelo da tua casa me consumiu. O verdadeiro templo é o corpo do cristão.
Jesu akapinda munzvimbo yetemberi akadzinga vose vaitenga nokutengesa. Akapidigura tafura dzavaitsinhanha mari nezvigaro zvavaitengesa njiva. Akati kwavari, "Kwakanyorwa kuchinzi, ‘Imba yangu ichanzi imba yokunyengetera,’ asi imi mava kuiita ‘bako ramakororo.’ "
Pasika yavaJudha yakati yava pedyo, Jesu akakwira kuJerusarema. Muzvivanze zvetemberi akawana vanhu vachitengesa mombe, makwai nenjiva, uye vamwe vakanga vagere patafura vachitsinhana mari. Saka akaruka tyava yerwodzi, akadzinga vose kubva panzvimbo yetemberi, zvose makwai nemombe; akarasa kwose kwose mari yavakanga vachitsinhana, uye akapidigura tafura dzavo. Akati kuna avo vakanga vachitengesa njiva, "Budisai zvinhu izvi muno! Hamufaniri kushandura imba yababa vangu muchiita musika wokutengeserana!"
Vadzidzi vake vakarangarira kuti kwakanyorwa kuchinzi, "Kushingairira imba yenyu kuchandipedza."
Hamuzivi here kuti muviri wenyu itemberi yaMweya Mutsvene, ari mamuri, uyo wamakagamuchira kubva kuna Mwari? Hamuzi venyu;
kana ndikanonoka, uchaziva kuti vanhu vanofanira kuzvibata sei mumba maMwari, inova kereke yaMwari mupenyu, mbiru nenheyo yechokwadi.
Asi Kristu akatendeka somwanakomana pamusoro peimba yaMwari. Uye isu tiri imba yake, kana tikabatisisa pakushinga kwedu netariro yatinozvirumbidza pamusoro payo.
"Madzitateguru edu akanga ane tabhenakeri yeChipupuriro pakati pavo murenje. Yakanga yakagadzirwa sokurayirwa kwakanga kwaitwa Mozisi naMwari, maererano nomufananidzo waakanga aona. Vakagamuchira tabhenakeri, vachitungamirirwa naJoshua, madzibaba edu akauya pamwe chete nayo paya pavakatora nyika kubva kundudzi dzakanga dzadzingwa pamberi pavo naMwari. Tabhenakeri yakagara munyika iyo kusvikira panguva yaDhavhidhi, uyo akaitirwa zvakanaka naMwari uye akakumbira kuti avakire Mwari waJakobho nzvimbo yokugara. Asi Soromoni ndiye akazomuvakira imba.
"Kunyange zvakadaro, Wokumusoro-soro haagari mudzimba dzakavakwa navanhu. Sezvinorehwa nomuprofita achiti:
" ‘Denga ndicho chigaro changu choushe
uye nyika ndiyo chitsiko chetsoka dzangu.
Ko, muchandivakira imba yakaita sei?
ndizvo zvinotaura Ishe.
Kana kuti nzvimbo yangu yokuzorora ichava kupiko?
Ko, ruoko rwangu haruna kuita izvozvi zvose here?’
Zvanzi naJehovha:
"Denga ndicho chigaro changu,
uye nyika chitsiko chetsoka dzangu.
Ko, iripi imba yamungandivakira?
Nzvimbo yangu yokuzorora ichava kupiko?
Haruzi ruoko rwangu rwakaita izvozvi zvose here,
nokudaro zvikavapo?"
ndizvo zvinotaura Jehovha.
"Munhu akadai ndiye wandichakudza:
iye anozvininipisa uye ane mweya wakapwanyika,
uye anodedera paanonzwa shoko rangu.
Jakobho akati apepuka pahope, akafunga akati, "Zvirokwazvo Jehovha ari panzvimbo ino, uye ndanga ndisingazvizivi." Akanga achitya uye akati, "Nzvimbo ino inotyisa sei! Iyi imba chaiyo yaMwari; iri ndiro suo rokudenga."