Céu
O céu é a morada eterna de Deus e a esperança final do cristão. A Bíblia descreve o céu como lugar de glória, alegria e comunhão perfeita com o Criador.
A morada de Deus
Na casa de meu Pai há muitas moradas. Os céus declaram a glória de Deus — e um dia habitaremos lá eternamente.
Mumba maBaba vangu mune nzvimbo zhinji dzokugara; dai zvaiva zvisizvo, ndingadai ndakuudzai. Ndiri kuenda ikoko kundokugadzirirai nzvimbo.
Matenga anotaura kubwinya kwaMwari;
matenga anoparidza mabasa amaoko ake.
Zuva nezuva anotaura;
usiku nousiku anoratidza zivo.
Kudzwai, imi Mwari, kumusoro kwokudenga,
uye kurumbidzwa kwenyu ngakuve pamusoro penyika yose.
Kubatsirwa kwedu kuri muzita raJehovha,
Muiti wedenga nenyika.
Ndianiko wandinaye kudenga kana musirimi?
Uye nyika haina chandinoshuva kunze kwenyu.
Pakutanga Mwari akasika matenga nenyika. Zvino nyika yakanga isina kugadzirwa uye isina chinhu, rima rakanga riri pamusoro pemvura yakadzika, uye Mweya waMwari wakanga uchigara pamusoro pemvura.
iye anovaka muzinda wake kumatenga
agomisa hwaro hwawo panyika,
anodana mvura dzegungwa
agodzidururira pamusoro penyika,
Jehovha ndiro zita rake.
Pano munhu angavanda, panzvimbo dzakavanzika
zvokuti handingamuoni here?"
ndizvo zvinotaura Jehovha.
"Ko, handizadzi denga nenyika here?"
ndizvo zvinotaura Jehovha.
"Haiwa, Ishe Jehovha, ndimi makaita matenga nenyika nesimba renyu guru noruoko rwenyu rwakatambanudzwa. Hakuna chinhu chakaoma kwamuri.
Cidadania celestial
A nossa cidadania está nos céus. Ajuntai tesouros no céu, não na terra. O céu é a pátria do cristão.
Asi nyika yedu iri kudenga. Uye tinomirira Muponesi anobva ikoko, iye Ishe Jesu Kristu,
"Musazviunganidzira pfuma panyika, pane zvipfukuto nengura zvinoparadza, uye pane mbavha dzinopaza dzichiba. Asi zviunganidzirei pfuma kudenga uko kusina zvipfukuto nengura zvinoparadza, uye kusina mbavha dzinopaza dzichiba.
Jesu akati, "Regai vana vaduku vauye kwandiri, musavadzivisa, nokuti umambo hwokudenga ndohwavakadai."
Jesu akati, "Kana uchida kuva wakakwana, enda unotengesa zvose zvaunazvo ugopa varombo, ugozova nepfuma kudenga. Ipapo ugouya wonditevera."
Denga nenyika zvichapfuura asi mashoko angu haangatongopfuuri.
Isai pfungwa dzenyu pazvinhu zviri kumusoro, kwete pazvinhu zvenyika.
Esperança eterna
Seremos arrebatados para encontrar o Senhor nos ares. Ainda não se manifestou o que havemos de ser — mas seremos semelhantes a Ele.
Nokuti Ishe pachake achaburuka achibva kudenga, nokurayira kukuru, nenzwi romutumwa mukuru uye nokurira kwehwamanda yaMwari, uye vakafa muna Kristu vachatanga kumuka. Shure kwaizvozvo, isu vachiri vapenyu uye vakasara, tichatorwa pamwe chete navo mumakore kuti tisangane naShe mudenga. Nokudaro tichava naShe nokusingaperi.
Vadikani, zvino tiri vana vaMwari, uye zvatichazova zvichigere kuzivikanwa. Asi tinoziva kuti paachaonekwa, isu tichafanana naye, nokuti tichamuona sezvaari. Mumwe nomumwe ane tariro iyi maari anozvichenesa, sezvo iye akachena.
Ishe achandirwira kubva pakurwiswa kwose kwakaipa uye achandiuyisa murugare kuumambo hwake hwokudenga. Kubwinya ngakuve kwaari nokusingaperi-peri. Ameni.
Akati avatungamirira kunze kweguta pedyo neBhetania, akatambanudza maoko ake akavaropafadza. Achiri kuvaropafadza, akabva pavari akatorwa akakwidzwa kudenga.
Mushure mokunge ataura izvi, akakwidzwa kudenga pamberi pameso avo chaipo, uye gore rikamufukidza vakasazomuona.
Nokuti hatirwi nenyama neropa, asi navabati, navanesimba, namasimba enyika ino yerima uye namasimba emweya yakaipa ari muchadenga.
Nokuti hatina kuuya nechinhu panyika, uye hatigoniwo kubuda nechinhu kubva mairi. Asi kana tine zvokudya nezvokupfeka, tichagutsikana nazvo.
"Sokukwirira kwakaita matenga kupfuura nyika,
saizvozvo nzira dzangu dzakakwirira kupinda dzenyu,
nendangariro dzangu kupfuura ndangariro dzenyu.
Chinhu chimwe nechimwe chine nguva yacho,
uye basa rimwe nerimwe rine nguva yaro pasi pedenga:
Munhu sezvaanobuda mudumbu ramai vake,
uye sokuuya kwake, saizvozvowo anoenda.
Haana chaanotakura chinobva pabasa rake,
chaangaenda nacho muruoko rwake.