Publicidade

Colheita

Por Bíblia Online

A colheita é princípio bíblico universal: colhemos o que semeamos. Quem semeia na fé e obediência colherá bênçãos abundantes do Senhor.

Semear e colher

Quem semeia no Espírito, do Espírito colherá vida eterna. Não nos cansemos de fazer o bem — ao tempo certo colheremos.

Anodyarira nyama yake, achakohwa kuparadzwa kunobva panyama iyoyo; uyo anodyarira mweya, achakohwa upenyu husingaperi hunobva paMweya iwoyo.

Musanyengerwa: Mwari haasekwi. Munhu anokohwa zvaanodyara.

Ngatiregei kuneta pakuita zvakanaka, nokuti nenguva yakafanira tichakohwa kana tisingaori mwoyo.

Zvino iye anopa mbeu kumudyari nechingwa chokudya achakupaiwo uye achakupaiwo mbeu zhinji mudura renyu uye agokupaiwo kukohwa kukuru kwokururama kwenyu.

Vayananisi vanodyara murugare vanowana gohwo rokururama.

Hakuna kurangwa kunofadza panguva yacho, asi kuti kunorwadza. Asi, zvisinei, pashure kunobereka gohwo rokururama norugare kuna avo vakadzidziswa nako.

Fidelidade na semeadura

Honra ao Senhor com as tuas primícias. O Senhor abrirá as janelas do céu e derramará bênção sem medida.

Kudza Jehovha nepfuma yako,

zvokutanga zvezvirimwa zvako;

Uyai nezvegumi zvose kudura, kuti mumba mangu mugova nezvokudya. Ndiedzei muna izvozvi," ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose, "muone kana ndisingakuzarurirei mawindo okudenga, uye ndigokudururirai maropafadzo mazhinji zvokuti muchashayiwa pokuaisa.

" Kana mukatevera mitemo yangu uye mukachenjerera kuti muteerere mirayiro yangu, ndichakutumirai mvura nenguva yayo, uye ivhu richabereka zvirimwa zvaro uye miti yesango ichabereka michero yayo.

Tarirai shiri dzinobhururuka, hadzidyari kana kukohwa kana kuisa zvokudya mumatura, asi Baba venyu vari kudenga vanodzipa zvokudya. Imi hamuna kukosha kudzipfuura nokure kwazvo here?

Muzambiringa waoma,

uye muonde wasvava;

mutamba, muchindwi nomuti womuapuro,

miti yose yesango, yaoma.

Zvirokwazvo, mufaro wavanhu

wasvava.

Kunyange dai muonde ukasatunga maruva,

uye mizambiringa ikashayiwa zvibereko,

kunyange kubereka kwomuorivhi kukakona,

uye minda ikasabereka zvokudya,

kunyange dai kukasava namakwai muchirugu

uye mombe dzikashayikwa mumatanga,

kunyange zvakadaro, ndichafara muna Jehovha,

ndichava nomufaro muna Mwari Muponesi wangu.

Seja o primeiro
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-07-05_19-25-13-