Compaixão
A compaixão é o coração de Deus em ação. Ele é compassivo e misericordioso, tardio em irar-se e grande em amor. Somos chamados a refletir essa compaixão no mundo.
Sokunzwira tsitsi kunoita baba vana vavo,
saizvozvo Jehovha ane tsitsi pamusoro pavanomutya;
Asi, imi Ishe, mune tsitsi uye muri Mwari ane nyasha,
anononoka kutsamwa, azere norudo nokutendeka.
Nokuti rudo rwenyu runokunda upenyu,
miromo yangu ichakurumbidzai.
Nokuda kwerudo rukuru rwaJehovha, hatina kuparadzwa,
nokuti tsitsi dzake hadzitongoperi.
Itsva mangwanani oga oga,
kutendeka kwenyu kukuru.
"Ko, mai vangakanganwa mucheche anonwa ari pachipfuva chavo,
uye vangasanzwira tsitsi mwana wavakazvara here?
Kunyange hazvo ivo vakakanganwa,
ini handizokukanganwi!
Tarira, ndakakunyora pazvanza zvamaoko angu;
madziro ako anogara ari mberi kwangu.
Asi Jehovha anoshuva kukuitirai nyasha;
anosimuka kuti akuratidzei tsitsi.
Nokuti Jehovha ndiMwari wokururamisira.
Vakaropafadzwa vose vanomurindira!
Ndiani Mwari akaita semi,
anoregerera chivi uye anokanganwira
kudarika kwavakasara venhaka yake?
Hamugari makatsamwa nokusingaperi,
asi munofarira kunzwira ngoni.
"Ndichasimbisa imba yaJudha
uye ndichaponesa imba yaJosefa.
Ndichavadzosa
nokuti ndinovanzwira tsitsi.
Vachava savanhu
vandakanga ndisina kuramba,
nokuti ndini Jehovha Mwari wavo
uye ndichavapindura.
"Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, ‘Tongai nokururamisira kwezvokwadi; muitirane tsitsi nenyasha. Musamanikidza chirikadzi kana nherera, mutorwa kana murombo. Musafungirana zvakaipa mumwoyo menyu.’
Naizvozvo savasanangurwa vaMwari, vatsvene uye vanodikanwa kwazvo, zvifukidzei netsitsi, nounyoro, nokuzvininipisa, nokupfava uye nomwoyo murefu.
Muitirane mwoyo munyoro uye munzwirane tsitsi, muchikanganwira mumwe nomumwe wenyu, sezvamakakanganwirwa naMwari muna Kristu.
Pakupedzisira, imi mose, mugare norugare mumwe nomumwe wenyu; munzwirane ngoni, mudanane sehama, munzwirane tsitsi uye muzvininipise.
Kana munhu ane pfuma uye akaona hama yake ichishayiwa, asi akasainzwira tsitsi, rudo rwaMwari rungagara maari seiko?
Ngaarumbidzwe Mwari naBaba vaIshe wedu Jesu Kristu, ivo Baba vengoni naMwari wokunyaradza kwose, ivo vanotinyaradza pamatambudziko edu ose, kuti tigone kunyaradza avo vari mumatambudziko nokunyaradza kwatakawana isu kubva kuna Mwari.
Nokuti hatina muprista mukuru asingagoni kutinzwira tsitsi pautera hwedu, asi tinaye akaedzwa pazvinhu zvose, sesu, asi asina chivi.
Farai navanofara; chemai navanochema.
Pakupedzisira, hama, chisarai. Shingairai kuti mukwaniswe, teererai kuchikumbiro changu, ivai nomufungo mumwe, garai murugare. Uye Mwari worudo norugare achava nemi.