Publicidade

Compreensão

Por Bíblia Online

A verdadeira compreensão vem de Deus. Os caminhos do Senhor são mais altos que os nossos. Mas Ele nos convida a buscar entendimento — e promete iluminar quem o busca de coração.

A sabedoria de Deus

Os meus pensamentos não são os vossos pensamentos. A incompreensibilidade de Deus nos leva à humildade e adoração.

"Sokukwirira kwakaita matenga kupfuura nyika,

saizvozvo nzira dzangu dzakakwirira kupinda dzenyu,

nendangariro dzangu kupfuura ndangariro dzenyu.

"Ane nhamo uyo anokakavadzana noMuiti wake,

iye anongova chaenga pakati pezvaenga pamusoro pevhu.

Ko, ivhu ringati kumuumbi,

‘Uri kugadzirei?’

Ko, basa rako rinoti here,

‘Uyu haana maoko?’

Hauzivi here?

Hauna kunzwa here?

Jehovha ndiye Mwari nokusingaperi,

Musiki wamagumo enyika.

Haaneti kana kuziya,

uye hakuna angayera kunzwisisa kwake.

Jehovha mukuru uye akafanira kurumbidzwa;

ukuru hwake hahunganzverwi nomunhu.

Makomo asati azvarwa

uye musati mabudisa nyika nepasi rose,

kubva pakusingaperi kusvikira pakusingaperi muri Mwari.

Nokuti pamberi penyu makore chiuru

akangofanana nezuva richangopfuura,

kana senguva yokurinda usiku.

Haiwa, udzamu hwokupfuma kwouchenjeri noruzivo rwaMwari!

Kutonga kwake hakunganzverwi, uye makwara ake haangarondwi!

Buscar entendimento

Clama a mim e responder-te-ei. A sabedoria é a coisa principal — busque o entendimento com todo o coração.

‘Danai kwandiri uye ndichakupindurai uye ndichakuudzai zvinhu zvikuru zvakavanzika zvamusingazivi.’

Uchenjeri chinhu chikuru; naizvozvo wana uchenjeri.

Kunyange huchikutorera zvose zvaunazvo, wana kunzwisisa.

Munhu ane mwoyo murefu anonzwisisa,

asi munhu anokurumidza kutsamwa anoratidza upenzi.

Mune urongwa huzhinji mumwoyo momunhu,

asi kuda kwaJehovha ndiko kunobudirira.

Nzira dzose dzomunhu dzinoita sedzakarurama kwaari,

asi Jehovha anoyera mwoyo pachikero.

Ndinoramba ndichikumbira kuti Mwari waIshe wedu Jesu Kristu, Baba vokubwinya, akupei mweya wouchenjeri nokuzarurirwa, kuitira kuti mumuzive zviri nani.

Asi kurai munyasha nomukuziva Ishe noMuponesi wedu, Jesu Kristu.

Ngaave nokubwinya zvino nokusingaperi. Ameni.

Iluminação divina

A entrada da tua Palavra dá luz e entendimento. Deus revela verdades ocultas e transforma nossa visão da realidade.

Kuzarurwa kweshoko renyu kunopa chiedza;

kunopa kunzwisisa kuna vasina mano.

Ndichakurairidza uye ndichakudzidzisa nzira yaunofanira kufamba nayo;

ndichakupa zano uye ndichakurinda.

Sezvo usingazivi nzira yemhepo,

kana magadzirirwo omuviri mudumbu ramai,

saizvozvowo haunganzwisisi basa raMwari,

Muiti wezvose.

Jesu akapindura akati, "Ndinokuudza chokwadi, hakuna munhu angaona umambo hwaMwari kana asina kuberekwa patsva."

Jesu akavatarisa akati, "Kuvanhu izvi hazvigoneki asi kuna Mwari zvinhu zvose zvinogoneka."

Agara pasi, Jesu akadana vane gumi navaviri akati, "Kana munhu achida kuva wokutanga, anofanira kuva iye wokupedzisira, uye muranda wavose."

Hakuchina muJudha kana muGiriki, mutapwa kana akasununguka, murume kana mukadzi, nokuti imi mose muri vamwe muna Kristu Jesu. Kana muri vaKristu, ipapo muri vana vaAbhurahama, uye vadyi venhaka maererano nechipikirwa.

Edzai zvinhu zvose. Batirirai kune zvakanaka. Regai zvakaipa zvose.

Nokuti kunyange dai tichigara zvedu munyika, hatirwi hondo sezvinoita nyika ino.

Naizvozvo hatitarisi zvinoonekwa, asi zvisingaonekwi. Nokuti zvinoonekwa zvinopfuura, asi zvisingaonekwi zvinogara nokusingaperi.

Pamunenge muchiedzwa, ngakurege kuva nomunhu anoti, "Mwari ari kundiedza." Nokuti Mwari haagoni kuedzwa nechakaipa, uye haaedzi munhu;

Publicidade
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-22_10-02-25-