Publicidade

Comunhão com os irmãos

Por Bíblia Online

A comunhão com os irmãos é marca da igreja verdadeira. Os cristãos primevos perseveravam na comunhão — partindo pão, orando e encorajando-se mutuamente.

Comunhão verdadeira

Perseveravam na doutrina dos apóstolos e na comunhão. A comunhão autêntica envolve amor sacrificial e acolhimento mútuo.

Avo vakagamuchira shoko rake vakabhabhatidzwa, uye pazuva iro, vanhu vanenge zviuru zvitatu vakawedzerwa pauwandu hwavo.

Kuwadzana kwaVatendi

Vakazvipira pakudzidzisa kwavapostori napakuwadzana, pakumedura chingwa uye napakunyengetera. Vanhu vose vakabatwa nokutya, uye zvishamiso zvizhinji nezviratidzo zvakaitwa navapostori. Vatendi vose vaiva pamwe chete uye vakagoverana zvinhu zvose. Vachitengesa zvavaiva nazvo nenhumbi dzavo, vakapa kuna ani naani aishayiwa. Mazuva ose vairamba vachiungana pamwe chete mutemberi. Vaimedura chingwa mudzimba dzavo uye vachidya pamwe chete nomufaro uye nomwoyo wakanaka, vachirumbidza Mwari uye vachidikanwa navanhu vose. Uye Ishe akawedzera pauwandu hwavo zuva rimwe nerimwe avo vakanga vachiponeswa.

Uye ngatirangarirei kuti tingakurudzirana sei kuti tive norudo namabasa akanaka. Tisarega kuungana sezvinoita vamwe, asi tikurudzirane, zvikuru sei sezvamunoona kuti Zuva roswedera.

Zvakanaka uye zvinofadza sei

kana hama dzichigara pamwe chete mukubatana!

Zvakafanana namafuta anokosha adururirwa pamusoro,

anoerera kundebvu,

anoerera kundebvu dzaAroni,

anoburukira kusvikira pamipendero yenguo dzake.

Zvinoita sokuti dova reHerimoni

riri kuwira pamusoro peGomo reZioni.

Nokuti ndipo pakaiswa kuropafadza kwaJehovha,

ihwo upenyu husingaperi-peri.

yandaimbofarira kuwadzana nayo

pataifamba navazhinji mumba maMwari.

Vaviri vari nani pano mumwe chete,

nokuti vano mugove wakanaka pakushanda kwavo:

Kana mumwe akawira pasi,

shamwari yake inogona kumubatsira kuti amire zvakare.

Asi ane nhamo munhu anowira pasi,

asina anomusimudza!

Uyezve kana vaviri vachivata pamwe chete, vachadziyirwa.

Asi mumwe chete angadziyirwa sei?

Munhu mumwe chete angakurirwa simba,

asi vaviri vanozvidzivirira.

Rwodzi rwakakoswa mutatu harungakurumidzi kudamburwa.

Amor fraternal

Amai-vos com amor fraternal sincero. Encorajem-se mutuamente e carreguem os fardos uns dos outros.

Zvino zvamakanatsa mwoyo yenyu nokuteerera chokwadi kuitira kuti mude hama muzvokwadi, munofanira kudanana zvikuru, zvichibva pamwoyo.

Muitirane rudo kuno mumwe nomumwe wenyu musinganyunyuti.

Ivai norudo rukuru mumwe kuno mumwe savadikani. Mumwe nomumwe wenyu ngaakudze mumwe kupfuura kuzvikudza kwaanozviita iye.

Kuzvininipisa saKristu

Kana muine kurudziro inobva pakubatana naKristu, kana paine kunyaradza kunobva parudo rwake, kana pano kuwadzana noMweya, kana paino unyoro netsitsi, ipapo itai kuti mufaro wangu uzare nokuva nomurangariro wakadaro, muine rudo rumwe chete, muri vamwe mumweya nechinangwa.

Shoko raKristu ngarigare zvakakwana mamuri pamunenge muchidzidzisana muchirayirana nouchenjeri hwose, uye muchiimba mapisarema, dzimbo nenziyo dzomweya muchivonga Mwari mumwoyo yenyu.

Muitirane mwoyo munyoro uye munzwirane tsitsi, muchikanganwira mumwe nomumwe wenyu, sezvamakakanganwirwa naMwari muna Kristu.

Imi, hama dzangu, makadanwa kuti muve vakasununguka. Asi regai kushandisa rusununguko rwenyu munyama; asi shandiranai murudo.

Naizvozvo kurudziranai uye muvakane, sezvamunoita zvino.

Kana tichiti tinowadzana naye asi tichifamba murima, tinoreva nhema uye hatigari muchokwadi. Asi kana tichifamba muchiedza, saiye ari muchiedza, tinowadzana nomumwe nomumwe wedu, uye ropa raJesu, Mwanakomana wake, rinotinatsa pazvivi zvose.

Mashoko Okupedzisira

Pakupedzisira, hama, chisarai. Shingairai kuti mukwaniswe, teererai kuchikumbiro changu, ivai nomufungo mumwe, garai murugare. Uye Mwari worudo norugare achava nemi.

"Ndinokupai murayiro mutsva wokuti: Dananai. Sezvo ndakakudai, saizvozvo munofanira kudanana.

Seja o primeiro
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-07-05_19-25-13-