Publicidade

Confiabilidade

Por Bíblia Online

A confiabilidade de Deus é absoluta. Ele é fiel em todas as suas promessas, constante em seu amor e seguro em seu caráter. Podemos confiar nele completamente.

Deus é fiel

O Senhor é fiel em todas as suas palavras e bondoso em todos os seus atos. Grande é a sua fidelidade!

Nokuda kwerudo rukuru rwaJehovha, hatina kuparadzwa,

nokuti tsitsi dzake hadzitongoperi.

Itsva mangwanani oga oga,

kutendeka kwenyu kukuru.

Jehovha ari pedyo navose vanodana kwaari, kuna vose vanodana kwaari muchokwadi.

Jehovha achazadzisa zvirongwa zvake neni;

rudo rwenyu, imi Jehovha, runogara nokusingaperi,

musasiya mabasa amaoko enyu.

Asi kubva pakusingaperi kusvikira pakusingaperi,

rudo rwaJehovha rwuri pane avo vanomutya,

nokururama kwake kuvana vavana vavo,

naavo vanochengeta sungano yake

uye vanorangarira kuita zvaakatema.

Asi meso aJehovha ari pamusoro paavo vanomutya,

napamusoro paavo vakaisa tariro yavo murudo rwake rusingaperi,

Nokuti Jehovha anoda vanoruramisira

uye haangazosiyi vanhu vake vakatendeka.

Vachadzivirirwa nokusingaperi;

asi vana vowakaipa vachaparadzwa;

Asi Ishe akatendeka, uye achakusimbisai nokukudzivirirai kubva kune akaipa.

Hakuna muedzo wakakuwirai imi, kunze kwaiwo unowira munhu wose. Uye Mwari akatendeka, haangatenderi kuti muedzwe kupfuura pamunogona napo. Asi kana muchiedzwa, iye achakupai nzira yokubuda nayo kuti mugone kutsunga pairi.

Naizvozvo zivai kuti Jehovha Mwari wenyu ndiMwari; iye ndiMwari akatendeka anochengeta sungano yake yorudo kusvikira kumarudzi ane chiuru chamarudzi kuna avo vanomuda uye vanochengeta mirayiro yake.

Jehovha pachake achakutungamirira uye achava newe; haangakusiyi kana kukurasa. Usatya kana kuora mwoyo."

Caráter de Deus

Toda boa dádiva vem do alto. O Senhor é bom e sua misericórdia dura para sempre. Nele podemos descansar.

Chipo chose chakanaka uye chakakwana chinobva kumusoro kudenga, chinoburuka chichibva kuna Baba wezviedza zvokudenga, asingashanduki semimvuri inopinduka.

Vongai Jehovha nokuti akanaka;

rudo rwake runogara nokusingaperi.

Imi munokanganwira uye makanaka, imi Ishe,

muzere norudo kuna vose vanodana kwamuri.

nokuti anogutsa vane nyota,

uye vane nzara anovazadza nezvakanaka.

Asi ini ndichaimba nezvesimba renyu,

ndichaimba nezvorudo rwenyu mangwanani;

nokuti imi muri nhare yangu,

utiziro hwangu panguva dzokutambudzika.

Kanda kufunganya kwako pana Jehovha

uye iye achakusimbisa;

haazombotenderi vakarurama kuti vawire pasi.

Haangatenderi rutsoka rwako kuti rutedzemuke,

muchengeti wako haangakotsiri;

Integridade e confiança

Eu sou o Alfa e o Ômega — Deus é o mesmo ontem, hoje e sempre. Fiel em o que realizou e realizará por cada filho.

"Ndini Arifa naOmega," ndizvo zvinotaura Ishe Mwari, "iye aripo, akanga aripo, uye achazouya, Wamasimba Ose."

Imi Jehovha, munotonga nokusingaperi;

chigaro chenyu choushe chiripo kuzvizvarwa zvose.

Rumbidzo kuna Jehovha

Haiwa, Jehovha ndimi Mwari wangu;

ndichakukudzai uye ndicharumbidza zita renyu,

nokuti nokutendeka kukuru

makaita zvinhu zvinoshamisa,

zvinhu zvamakaronga kare kare.

Chinodiwa nomunhu rudo rusingagumi;

zviri nani kuva murombo pano kuva murevi wenhema.

Guhwa rinoparadza chivimbo,

asi munhu akavimbika anochengetedza zvakavanzika.

Unhu hwavakarurama hunovatungamirira,

asi vasina kutendeka vanoparadzwa nokunyengera kwavo.

"Tenzi wake akapindura akati, Waita zvakanaka iwe muranda akanaka, akatendeka! Wanga wakatendeka pazvinhu zvishoma; ndichakuita mutariri wezvinhu zvizhinji. Pinda mumufaro watenzi wako!

Kusvikira zvino hamusati matombokumbira kana chinhu muzita rangu. Kumbirai uye muchapiwa, uye mufaro wenyu uchava wakazara.

Seja o primeiro
Publicidade
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-29_22-07-56-