Confiar no Senhor
Confiar no Senhor é a base de toda vida espiritual. A confiança em Deus nos livra do medo, nos dá paz e nos posiciona para receber as promessas divinas.
Confiar de todo coração
Confia no Senhor de todo o coração. Não te apoies em teu próprio entendimento — em todos os caminhos o reconheça.
Vimba naJehovha nomwoyo wako wose
urege kuzendamira panjere dzako;
munzira dzako dzose umutungamidze,
uye acharuramisa nzira dzako.
Uyo anogara panzvimbo yokuvanda yeWokumusoro-soro
achazorora mumumvuri weWamasimba Ose.
Ndichati pamusoro paJehovha, "Ndiye utiziro hwangu nenhare yangu,
Mwari wangu, wandinovimba naye."
Zvirokwazvo achakuponesa parugombe rwomuteyi
napadenda rinouraya.
Achakufukidza neminhenga yake,
uye uchawana utiziro pasi pamapapiro ake;
kutendeka kwake kuchava nhoo yako norusvingo rwako.
Vanovimba naJehovha vakafanana neGomo reZioni,
risingazungunuswi asi rinogara nokusingaperi.
Sokupoteredzwa kwakaitwa Jerusarema namakomo,
saizvozvo Jehovha anopoteredza vanhu vake
kubva zvino nokusingaperi.
Haangatyi mashoko akaipa;
mwoyo wake wakasimba, anovimba naJehovha.
Vimba naJehovha uite zvakanaka;
gara panyika ufarikane pamafuro manyoro.
Farikana muna Jehovha,
uye iye achakupa zvinodikanwa nomwoyo wako.
Isa nzira yako kuna Jehovha;
uvimbe naye uye iye achaita izvi;
achaita kuti kururama kwako kupenye samambakwedza,
nokururamisirwa kwako sezuva ramasikati.
Vanoziva zita renyu vachavimba nemi,
nokuti imi, Jehovha hamuna kumbosiya avo vanokutsvakai.
Segurança em Deus
Bem-aventurado o homem que confia no Senhor. Ele é como árvore plantada junto às águas — não temerá quando vier o calor.
"Asi akakomborerwa munhu anovimba naJehovha,
akaisa chivimbo chake maari.
Achafanana nomuti wakasimwa pamvura,
unotuma midzi yawo kurukova.
Hautyi kana kupisa kuchisvika;
mashizha awo anogara ari manyoro.
Haufunganyi mugore rokusanaya kwemvura,
uye haumboshayiwi zvibereko."
Vimba naJehovha nokusingaperi,
nokuti Jehovha, iye Jehovha ndiye Dombo rokusingaperi.
Zvirokwazvo Mwari ndiye ruponeso rwangu;
ndichavimba naye uye handingatyi.
Jehovha, Jehovha ndiye simba rangu nerwiyo rwangu;
ava ruponeso rwangu."
Haiwa Jehovha Wamasimba Ose,
akaropafadzwa munhu anovimba nemi.
Vamwe vanovimba nengoro, vamwe namabhiza,
asi isu tinovimba nezita raJehovha Mwari wedu.
Vanowisirwa pasi namabvi avo vagowa,
asi isu tinosimuka tigomira takasimba.
Zviri nani kutizira kuna Jehovha
pano kuvimba nomunhu.
Zviri nani kutizira kuna Jehovha
pano kuvimba namachinda.
Não confiar no homem
Não temas — em ti confiarei. Melhor é confiar no Senhor do que confiar no homem ou nos príncipes.
Muna Mwari, iye ane shoko randinorumbidza,
muna Jehovha, ane shoko randinorumbidza,
muna Mwari ndinovimba; handichazotyi chinhu.
Ko, munhu angandiitei?
Asi ini ndinovimba norudo rwenyu rusingaperi;
mwoyo wangu unofarira ruponeso rwenyu.
Asi ndinovimba nemi, imi Jehovha;
ndinoti, "Ndimi Mwari wangu."
Akaropafadzwa munhu
akaita Jehovha ruvimbo rwake,
asingatariri kuna vanozvikudza,
kuna avo vanotsaukira kuna vamwari venhema.
Jesu Anonyaradza Vadzidzi Vake
"Mwoyo yenyu ngairege kutambudzika. Tendai kuna Mwari; mutendewo kwandiri.