Pular para o conteúdo
Publicidade

Consequências dos nossos atos

Por Bíblia Online

Toda ação tem consequências. A Bíblia ensina que colhemos o que semeamos — para o bem e para o mal. Deus pesará cada palavra e ato no dia do juízo.

Colher o que semear

Cada um prestará contas de si mesmo a Deus. O Senhor julgará as obras e os segredos dos homens com justiça perfeita.

Saka, naizvozvo mumwe nomumwe wedu achazvidavirira kuna Mwari.

Mwari "achapa mumwe nomumwe maererano nezvaakaita." Kuna avo vakatsungirira kuita zvakanaka vachitsvaka kubwinya nokukudzwa uye nokusafa, achavapa upenyu husingaperi. Asi kuna avo vanotsvaka zvavo uye vanoramba chokwadi uye vachitevera zvakaipa, kuchavapo kutsamwa nehasha. Kuchavapo kutambudzika nokudzungaira kumunhu mumwe nomumwe anoita zvakaipa: kutanga kumuJudha, tevere weDzimwe Ndudzi; asi kubwinya, nokukudzwa uye norugare kuna vose vanoita zvakanaka: kutanga kumuJudha tevere weDzimwe Ndudzi. Nokuti Mwari haasi mutsauri wavanhu.

Uye chipo chaMwari hachina kufanana nomubayiro wechivi chomunhu mumwe akatadza: Nokuti kutongwa kwakauya nechivi chomunhu mumwe kuti vave nemhosva, asi chipo chokungopiwa chakatevera kudarika kuzhinji uye chikauyisa kururamisirwa. Nokuti, kana nokudarika kwomunhu mumwe, rufu rwakabata ushe kubudikidza nomunhu iyeye, ko, kuzoti vaya vakagamuchira nyasha zhinji dzaMwari uye nechipo chokungopiwa chokururama, vachabata ushe zvikuru sei muupenyu kubudikidza nomunhu mumwe, iye Jesu Kristu.

Kutonga Vamwe

"Usatonga kuti newewo urege kutongwa. Nokuti nzira yaunotonga nayo vamwe ndiyo yauchatongwa nayo, uye chiero chaunoshandisa ndicho chichashandiswa kwauri.

Asi ndinokuudzai kuti vanhu vachazvidavirira pamusi wokutongwa pamusoro peshoko rimwe nerimwe ravakataura risina maturo.

Nokuti shoko raMwari ibenyu uye rine simba. Rinopinza kukunda munondo unocheka kumativi maviri, rinobaya kunyange kusvikira panoparadzana mwoyo nomweya, namafundo nomongo; rinotonga mifungo nendangariro dzomwoyo. Hakuna chisikwa chakavanzika pamberi paMwari. Zvinhu zvose zviri pachena uye zvakafukurwa pameso aiye watinofanira kuzvidavirira kwaari.

Responsabilidade pessoal

Quem é sábio prevê o perigo e se esconde. A Palavra examina os pensamentos e intenções do coração.

Munhu akangwara anoona njodzi agohwanda,

asi asina mano anoramba achienda uye agotambudzika nokuda kwaizvozvo.

Kana uri wakachenjera, uchenjeri hwako huchakupa mubayiro;

kana uri mudadi, iwe woga ndiwe uchatambura."

Musungo kumunhu kuti akumikidze chimwe chinhu nokukurumidza

uye ozorangarira mhiko dzake pava paya.

" Kana munhu akatadza nokuti aramba kupa uchapupu iye achinzi ape uchapupu pamusoro pezvaakaona kana zvaakanzwa, achava nemhosva.

"Kana munhu akatadza uye akaita zvisingabvumirwi pamirayiro ipi zvayo yaJehovha, kunyange asingazvizivi, ane mhosva uye achava nemhaka.

" Usavenga hama yako mumwoyo mako. Tsiura muvakidzani wako zviri pachena kuitira kuti usazova nomugove pamhosva yake.

Consequências inevitáveis

A terra deu seu fruto conforme as obras dos que nela habitam. Ninguém escapa do juízo — Deus pesa cada ação.

Nyika ichava dongo nokuda kwavagari vayo,

nokuda kwamabasa avo.

Ucharangwa nokuda kwounzenza hwako uye uchatakura mubayiro wezvivi zvokufeva kwako. Ipapo uchaziva kuti ndini Ishe Jehovha."

Uye zvirokwazvo ndichatsvaka kuti muzvidavirire nokuda kweropa roupenyu hwenyu. Ndichatsvaka kuti muzvidavirire pamhuka dzose. Uye kubvawo pamunhu mumwe nomumwe, ndichatsvaka kuti azvidavirire nokuda kwoupenyu hwomunhu wokwake.

Munhu akaipa anozvidzireiko Mwari?

Seiko achiti mumwoyo make,

"Haazondibvunzi?"

Asi imi, iyemi Mwari, munoona kutambudzika nokusuwa;

munokutarisisa kuti mukupedze.

Asina simba anozviisa kwamuri;

muri mubatsiri wenherera.

Seja o primeiro