Publicidade

Consolador

Por Bíblia Online

O Espírito Santo é o Consolador prometido por Jesus. Ele consola os aflitos, fortalece os fracos e nos assegura que nunca estaremos sós.

O Consolador prometido

Jesus prometeu: Eu rogarei ao Pai e Ele vos dará outro Consolador para que fique convosco para sempre.

Uye ini ndichakumbira Baba, vagokupai mumwe Munyaradzi kuti agare nemi nokusingaperi,

Handingakusiyei muri nherera; ndichauya kwamuri.

Asi Munyaradzi, Mweya Mutsvene, uyo achatumwa naBaba muzita rangu, achakudzidzisai zvinhu zvose uye achakuyeuchidzai zvinhu zvose zvandakareva kwamuri.

"Kana Munyaradzi asvika, iye wandichatuma kwamuri achibva kuna Baba, iye Mweya wechokwadi anobuda achibva kuna Baba, achapupura nezvangu.

Asi ndiri kukutaurirai chokwadi kuti: Zvakakunakirai kuti ini ndiende. Kana ndikasaenda, Munyaradzi haangauyi kwamuri; asi kana ndikaenda, ndichamutumira kwamuri.

Consolo divino

Bendito seja o Deus de toda consolação. Ele nos consola em toda tribulação e enxuga toda lágrima de nossos olhos.

Mwari woKunyaradza Kwose

Ngaarumbidzwe Mwari naBaba vaIshe wedu Jesu Kristu, ivo Baba vengoni naMwari wokunyaradza kwose, ivo vanotinyaradza pamatambudziko edu ose, kuti tigone kunyaradza avo vari mumatambudziko nokunyaradza kwatakawana isu kubva kuna Mwari.

Nokuti sokuwanda kunoita matambudziko aKristu muupenyu hwedu, ndiko kuwandawo kunoita kunyaradzwa kwedu naKristu.

Mwari anopa kutsungirira nokukurudzira ngaakupei mweya wokuva nomwoyo mumwe pakati penyu pamunenge muchitevera Kristu Jesu,

Pandakava nokufunganya kukuru mandiri,

kunyaradza kwenyu kwakandivigira mufaro kumweya wangu.

Mukurwadziwa kwangu ndakadana kuna Jehovha,

uye akandipindura nokundisunungura.

Havachazoziyi nenzara zvakare;

havachazonzwi nyota zvakare.

Havachazopiswi nezuva,

kana nokupisa kupi zvako.

Nokuti Gwayana riri pakati pechigaro choushe richava mufudzi wavo;

richavatungamirira kumatsime emvura mhenyu.

Uye Mwari achapukuta misodzi yose pameso avo."

"Ini, iyeni, ndini iye anokunyaradzai.

Ndiwe aniko unotya vanhu vanofa,

vanakomana vavanhu, ivo uswa zvahwo,

Vakaropafadzwa vanochema

nokuti vachanyaradzwa.

Seja o primeiro
Publicidade
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-29_22-07-56-