Publicidade

Consolo

Por Bíblia Online

O consolo de Deus é bálsamo para a alma ferida. Ele nos conforta em todas as tribulações para que possamos consolar outros com o mesmo consolo divino.

Deus consola

Ainda que eu ande pelo vale da sombra da morte, não temerei mal algum. O Senhor consola, guia e está sempre presente.

Kunyange ndikafamba nomumupata womumvuri worufu,

handingatyi zvakaipa,

nokuti imi muneni;

tsvimbo yenyu nomudonzvo

wenyu zvinondinyaradza.

Jehovha ndiye chiedza changu noruponeso rwangu,

ndichagotya aniko?

Jehovha ndiye nhare youpenyu hwangu,

ndianiko wandingatya?

Zvinondinyaradza pakutambura kwangu ndezvizvi:

Vimbiso yenyu inochengetedza upenyu hwangu.

Rudo rwenyu rusingaperi ngarutinyaradze,

maererano nechivimbiso chenyu kumuranda wenyu.

Jehovha akanaka kuna avo vanovimba naye,

kumunhu anomutsvaka;

Confiança na aflição

Eu sei que o meu Redentor vive. Deus é força e escudo — mesmo na tribulação, Ele nos sustenta e consola.

Ndinoziva kuti mudzikinuri wangu mupenyu,

uye kuti pakupedzisira achamira pamusoro penyika.

Uye shure kwokunge ganda rangu raparara, kunyange zvakadaro ndichaona Mwari munyama yangu;

Zvirokwazvo Mwari ndiye ruponeso rwangu;

ndichavimba naye uye handingatyi.

Jehovha, Jehovha ndiye simba rangu nerwiyo rwangu;

ava ruponeso rwangu."

Jehovha pachake achakutungamirira uye achava newe; haangakusiyi kana kukurasa. Usatya kana kuora mwoyo."

Handina kukurayira here? Simba utsunge mwoyo. Usavhunduka; usaora mwoyo, nokuti Jehovha Mwari wako achava newe kwose kwaunoenda."

Saka tinotsunga mwoyo, tichiti:

"Ishe ndiye mubatsiri wangu, handingatyi.

Munhu angandiiteiko?"

Vakaropafadzwa vanochema

nokuti vachanyaradzwa.

Asi kana ndirini, ndinomirira netariro kuna Jehovha,

ndinomirira Mwari Muponesi wangu;

Mwari wangu achandinzwa.

Handingakusiyei muri nherera; ndichauya kwamuri.

Publicidade
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-22_10-02-25-