Coração puro
Bem-aventurados os puros de coração, porque verão a Deus. A pureza de coração é alvo, privilégio e busca constante do cristão que deseja contemplar a face do Senhor.
Coração puro
Bem-aventurados os puros de coração. A pureza interior precede toda transformação externa e abre os olhos para ver a Deus.
Vakaropafadzwa vakachena pamwoyo,
nokuti vachaona Mwari.
Ndianiko angakwira pachikomo chaJehovha?
Ndianiko angamira panzvimbo yake tsvene?
Uyo ana maoko akachena nomwoyo wakanaka,
asingasimudziri mwoyo wake kuzvifananidzo,
kana kupika nhema.
Iye achagamuchira makomborero anobva kuna Jehovha
nokururamiswa kunobva kuna Mwari woruponeso rwake.
Vanzai chiso chenyu pazvivi zvangu
uye mudzime zvakaipa zvangu zvose.
Sikai mukati mangu mwoyo wakachena, imi Mwari,
uye muvandudze mweya wakarurama mukati mangu.
Regai kundirasa pamberi penyu
kana kubvisa Mweya wenyu Mutsvene kwandiri.
Zvirokwazvo Mwari akanaka kuna Israeri,
kuna avo vakachena pamwoyo.
Purificar-se
Todo o que tem essa esperança em Cristo se purifica. O amor procede de coração puro, boa consciência e fé sincera.
Mumwe nomumwe ane tariro iyi maari anozvichenesa, sezvo iye akachena.
Vadikani, zvino tiri vana vaMwari, uye zvatichazova zvichigere kuzivikanwa. Asi tinoziva kuti paachaonekwa, isu tichafanana naye, nokuti tichamuona sezvaari. Mumwe nomumwe ane tariro iyi maari anozvichenesa, sezvo iye akachena.
Chinovavarirwa nomurayiro uyu ndirwo rudo runobva pamwoyo wakachena, hana yakanaka nokutenda kwechokwadi.
Tiza kuchiva kwose kwoujaya, uye utevere kururama, kutenda, rudo norugare navose vanodana kuna Ishe nomwoyo wakachena.
Uye uyu ndiwo munyengetero wangu: kuti rudo rwenyu ruwande uye muwanze kuziva nokunzwisisa, kuitira kuti mugogona kunzwisisa kuti zvakaisvonaka ndezvipi uye muve vakachena uye mushayiwe chamungapomerwa kusvikira pazuva raKristu, muzere nechibereko chokururama chinouya kubudikidza naJesu Kristu, kuti kubwinya nokurumbidzwa zvive kuna Mwari.
Itai zvose musinganyunyuti kana kukakavara, kuitira kuti mugova vasina chavangapomerwa uye vakachena, vana vaMwari vasina mhosva murudzi urwu rwakakombama uye rwakatsauka, rwamunovhenekera senyeredzi munyika sezvamunobatirira pashoko roupenyu, kuitira kuti ndigozvirumbidza pazuva raKristu uye kuti handina kumhanya kana kushanda pasina.
Zvino zvamakanatsa mwoyo yenyu nokuteerera chokwadi kuitira kuti mude hama muzvokwadi, munofanira kudanana zvikuru, zvichibva pamwoyo.
Nzira dzose dzomunhu dzinoita sedzakanaka pakuona kwake,
asi Jehovha anoyera zvinangwa.