Publicidade

Coração quebrantado

Por Bíblia Online

Deus está perto dos que têm o coração quebrantado. A Bíblia consola os aflitos: o sacrifício que Deus aceita é o espírito quebrantado e um coração contrito — jamais desprezará.

Jehovha ari pedyo navane mwoyo yakaputsika

uye anoponesa avo vakapwanyika pamweya.

Zvibayiro zvaMwari mweya wakaputsika;

mwoyo wakaputsika nowakapwanyika,

imi Mwari hamuzoushori.

Anoporesa vane mwoyo yakaputsika,

uye anosunga maronda avo.

Nyama yangu nomwoyo wangu zvingapera hazvo,

asi Mwari isimba romwoyo wangu

nomugove wangu nokusingaperi.

Nokuti zvanzi naIye akakwirira ari kumusoro,

iye anorarama nokusingaperi, ane zita dzvene:

"Ndinogara pakakwirira panzvimbo tsvene,

asi naiyewo ane mweya wakapwanyika uye anozvininipisa,

kuti ndimutsiridze mweya yavanozvininipisa

uye ndimutsiridze mwoyo yavakapwanyika.

Haruzi ruoko rwangu rwakaita izvozvi zvose here,

nokudaro zvikavapo?"

ndizvo zvinotaura Jehovha.

"Munhu akadai ndiye wandichakudza:

iye anozvininipisa uye ane mweya wakapwanyika,

uye anodedera paanonzwa shoko rangu.

Mweya waIshe Jehovha uri pamusoro pangu,

nokuti Jehovha akandizodza

kuti ndiparidze vhangeri kuvarombo.

Akandituma kuti ndirape vane mwoyo yakaputsika,

kuti ndiparidze kusunungurwa kwavakatapwa,

nokubudiswa kwavasungwa kuti vabve murima,

kuti ndiparidze gore rengoni dzaJehovha

uye nezuva rokutsiva kwaMwari wedu,

kuti ndinyaradze vose vanochema,

uye ndiriritire avo vanochema muZioni,

kuti ndiise pamusoro pavo korona yorunako

pachinzvimbo chamadota,

mafuta omufaro

pachinzvimbo chokuchema,

uye nenguo yokurumbidza

pachinzvimbo chomweya wakarukutika.

Vachanzi miouki yokururama,

yakasimwa naJehovha

kuti aratidze kubwinya kwake.

"Vakaropafadzwa varombo pamweya,

nokuti umambo hwokudenga ndohwavo.

Vakaropafadzwa vanochema

nokuti vachanyaradzwa.

Vakaropafadzwa vanyoro

nokuti vachagara nhaka yenyika.

Nokuti kusuwa kwoumwari kunouyisa kutendeuka uko kunotungamirira kuruponeso uye hakuuyisi kudemba, asi kusuwa kwenyika kunouyisa rufu. Tarirai zvaitwa mamuri nokusuwa uku kwoumwari: kushinga kukuru kwakadii, ishungu dzakadii kuti muzvichenese, kutsamwa kwakadii nokutya kwakadii nechishuvo chakadii, nehanya yakadii, nokuda kuona kururamisira kuchiitwa kwakadii. Pazvinhu zvose mazviratidza kuti hamuna mhosva panyaya iyi.

Asi iye akati kwandiri, "Nyasha dzangu dzakakukwanira, nokuti simba rangu rinozadziswa muutera." Naizvozvo ndichanyanya kuzvirumbidza pamusoro poutera hwangu, kuitira kuti simba raKristu rigova pamusoro pangu.

Publicidade
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-22_10-02-25-