Publicidade

Criação

Por Bíblia Online

A criação revela a glória de Deus. Céus, terra, mares e tudo o que existe testemunham o poder criador. No princípio Deus criou — e tudo era muito bom.

No princípio

No princípio criou Deus os céus e a terra. O Espírito de Deus pairava sobre as águas. E Deus disse: haja luz.

Mavambo

Pakutanga Mwari akasika matenga nenyika. Zvino nyika yakanga isina kugadzirwa uye isina chinhu, rima rakanga riri pamusoro pemvura yakadzika, uye Mweya waMwari wakanga uchigara pamusoro pemvura.

Ipapo Mwari akati, "Ngatiitei munhu nomufananidzo wedu, akafanana nesu, uye ngavave nesimba pamusoro pehove dzegungwa napamusoro peshiri dzedenga, napamusoro pemombe, napamusoro penyika yose, uye napamusoro pezvisikwa zvose zvinokambaira panyika."

Saka Mwari akasika munhu nomufananidzo wake,

akamusika mumufananidzo waMwari;

akavasika murume nomukadzi.

Uye Mwari akaropafadza zuva rechinomwe akariita dzvene nokuti pazuva iro akazorora pabasa rose rokusika raakanga aita.

Jehovha Mwari akati, "Hazvina kunaka kuti munhu agare ari oga. Ndichamuitira mubatsiri akamukwanira."

O poder criador

Pela palavra do Senhor foram feitos os céus. Tudo foi criado por Ele e para Ele — o visível e o invisível.

Kudenga denga kwakaitwa neshoko raJehovha,

hondo dzenyeredzi dzaikoko, nokufema kwomuromo wake.

Makomo asati azvarwa

uye musati mabudisa nyika nepasi rose,

kubva pakusingaperi kusvikira pakusingaperi muri Mwari.

Uyai tikotame, tinamate,

ngatipfugamei pamberi paJehovha Muiti wedu;

Rwiyo rworwendo.

Ndinosimudzira meso angu kumakomo,

kubatsirwa kwangu kunobvepiko?

Rubatsiro rwangu runobva kuna Jehovha,

muiti wokudenga napasi.

Kubatsirwa kwedu kuri muzita raJehovha,

Muiti wedenga nenyika.

Iri ndiro zuva rakaitwa naJehovha;

ngatifarei kwazvo tifarisise mariri.

Nokuti imi makasika zvomukatikati mangu;

makandiruka ndiri mudumbu ramai vangu.

Ndinokurumbidzai nokuti ndakaitwa nomutoo unotyisa uye unoshamisa;

mabasa enyu anoshamisa,

ndinonyatsozviziva kwazvo.

Criador e Sustentador

O Deus eterno não se cansa nem se fatiga. Dele, por Ele e para Ele são todas as coisas — a Ele seja a glória.

Hauzivi here?

Hauna kunzwa here?

Jehovha ndiye Mwari nokusingaperi,

Musiki wamagumo enyika.

Haaneti kana kuziya,

uye hakuna angayera kunzwisisa kwake.

"Ane nhamo uyo anokakavadzana noMuiti wake,

iye anongova chaenga pakati pezvaenga pamusoro pevhu.

Ko, ivhu ringati kumuumbi,

Uri kugadzirei?

Ko, basa rako rinoti here,

Uyu haana maoko?

"Haiwa, Ishe Jehovha, ndimi makaita matenga nenyika nesimba renyu guru noruoko rwenyu rwakatambanudzwa. Hakuna chinhu chakaoma kwamuri.

iye anovaka muzinda wake kumatenga

agomisa hwaro hwawo panyika,

anodana mvura dzegungwa

agodzidururira pamusoro penyika,

Jehovha ndiro zita rake.

Nokuti zvose zvinobva kwaari uye zviripo kubudikidza naye uye zvose ndezvake.

Ngaave nokubwinya nokusingaperi! Ameni.

Nokuti kubvira pakusikwa kwenyika izvo zvisingaonekwi zvaMwari, iro simba rake rinogara nokusingaperi nouMwari hwake, zvakanyatsoonekwa kwazvo, zvichizivikanwa kubva pazvinhu zvakaitwa, kuitira kuti vanhu varege kuva nepembedzo.

Nokuti zvisikwa zvinotarisira zvikuru zvichimirira kuratidzwa kwavanakomana vaMwari.

Nova criação

Se alguém está em Cristo, nova criatura é. O Criador faz novas todas as coisas — na natureza e na redenção.

Naizvozvo kana munhu ava muna Kristu, ava chisikwa chitsva; zvakare zvapfuura, zvinhu zvose zvava zvitsva!

Nokuti tiri basa raMwari, rakasikwa muna Kristu Jesu kuti tiite mabasa akanaka, akagadzirwa naMwari kare kuti tiaite.

Akasarudza kutibereka kubudikidza neshoko rechokwadi, kuti tive mhando yechibereko chokutanga chezvisikwa zvake.

Nokuti imba imwe neimwe inovakwa nomunhu, asi Mwari ndiye muvaki wezvinhu zvose.

Nokuti maari ndimo matinorarama nomatinofamba, uye ndimo matigere.Sezvakarehwa navamwe vadetembi vokwenyu vachiti, Tiri chibereko chake.

Ipapo ndakanzwa zvisikwa zvose kudenga napanyika napasi penyika uye napamusoro pegungwa, nezvose zviri mazviri, zvichiimba zvichiti:

"Kuna iye anogara pachigaro choushe uye nokuGwayana

ngakuve nokurumbidzwa nokukudzwa nokubwinya uye nesimba,

nokusingaperi-peri!"

Seja o primeiro
Publicidade
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-29_22-07-56-