Publicidade

Crianças

Por Bíblia Online

As crianças ocupam lugar especial no coração de Deus. A Bíblia instrui a educá-las, protegê-las e ensiná-las nos caminhos do Senhor desde cedo — formando gerações que temem a Deus.

Herança do Senhor

Os filhos são herança do Senhor. Eles são presentes de Deus — cada criança é um milagre e uma responsabilidade sagrada.

Vanakomana inhaka inobva kuna Jehovha,

vana mubayiro unobva kwaari.

Ipapo vanakomana vedu pauduku

hwavo vachava semiti yakakura zvakanaka,

uye vanasikana vedu vachava sembiru dzakavezwa

kuti dzishongedze muzinda wamambo.

Nokuti imi makasika zvomukatikati mangu;

makandiruka ndiri mudumbu ramai vangu.

Ndinokurumbidzai nokuti ndakaitwa nomutoo unotyisa uye unoshamisa;

mabasa enyu anoshamisa,

ndinonyatsozviziva kwazvo.

Ko, jaya ringanatsa nzira yaro nei?

Nokurarama sezvinoreva shoko renyu.

Ko, jaya ringanatsa nzira yaro nei?

Nokurarama sezvinoreva shoko renyu.

Uyai, vana vangu, nditeererei;

ndichakudzidzisai kutya Jehovha.

Instruir as crianças

Instrui a criança no caminho em que deve andar. A educação cristã é mandamento repetido através de toda a Escritura.

Rovedza mwana munzira yaanofanira kufamba nayo,

uye kana achinge akura haazotsauki kubva pairi.

Rovedza mwana munzira yaanofanira kufamba nayo,

uye kana achinge akura haazotsauki kubva pairi.

Rovedza mwana munzira yaanofanira kufamba nayo,

uye kana achinge akura haazotsauki kubva pairi.

Upenzi hwakasungirirwa mumwoyo momwana,

asi shamhu yokuranga ichahudzingira kure naye.

Upenzi hwakasungirirwa mumwoyo momwana,

asi shamhu yokuranga ichahudzingira kure naye.

Anorega kushandisa shamhu anovenga mwanakomana wake,

asi uyo anomuda anochenjerera kumuranga.

Mwanakomana akachenjera anoteerera kurayira kwababa vake,

asi mudadi haateereri kana achitsiurwa.

Munhu ngaatye Jehovha, avimbe naye uye amuteerere

Mwanakomana wangu, usakanganwa kudzidzisa kwangu,

asi uchengete mirayiro yangu mumwoyo mako,

nokuti zvichawedzera makore mazhinji kuupenyu hwako,

uye nokubudirira.

Munhu ngaatye Jehovha, avimbe naye uye amuteerere

Mwanakomana wangu, usakanganwa kudzidzisa kwangu,

asi uchengete mirayiro yangu mumwoyo mako,

nokuti Jehovha anoranga avo vaanoda,

sababa nomwanakomana wavanofarira.

baba vangu vakandidzidzisa vachiti,

"Mwoyo wako ngaubatisise mashoko angu;

chengeta mirayiro yangu ugorarama.

Wana uchenjeri, wana kunzwisisa;

usakanganwa mashoko angu kana kubva paari.

Disciplinar com amor

A vara e a repreensão dão sabedoria. A disciplina produz o fruto pacífico da justiça nos que são exercitados por ela.

Shamhu yokuranga inopa uchenjeri,

asi mwana anosiyiwa akadaro achanyadzisa mai vake.

Usarega kuranga mwana;

ukamuranga neshamhu, haafi.

Teerera kuna baba vako, ivo vakakubereka,

uye usazvidza mai vako kana vachinge vakwegura.

Tenga zvokwadi urege kuzoitengesa;

uwane uchenjeri, kuzvibata nokunzwisisa.

Uyo anobira baba vake uye achidzinga mai vake

mwanakomana anonyadzisa.

Zviri nani kuva murombo ane mafambiro akarurama,

pane benzi rine muromo wakatsauka.

Munhu akarurama anorarama upenyu hwakanaka;

vana vake vanomutevera vakaropafadzwa.

Kunyange mwana anozivikanwa nezvaanoita,

kuti tsika dzake dzakanaka uye kuti dzakarurama here.

Mwanakomana benzi anorwadzisa baba vake,

uye anoitisa shungu uyo akamubereka.

Vana vevana ikorona kune vakwegura,

uye vabereki ndivo kukudzwa kwavana vavo.

Vana vevana ikorona kune vakwegura,

uye vabereki ndivo kukudzwa kwavana vavo.

Benzi rinoramba kurayira kwababa varo,

asi ani naani anogamuchira kurayirwa anoratidza kungwara.

Mwanakomana akachenjera anounzira baba vake mufaro,

asi munhu benzi anozvidza mai vake.

Uyo anochengeta murayiro mwanakomana akachenjera,

asi anofambidzana navanhu vane madyo anonyadzisa baba vake.

Kugamuchira Uchenjeri kunokurudzirwa
Yambiro pamusoro poUnyengeri

Mwanakomana wangu, teerera,

kurayira kwababa vako, uye usarasa kudzidzisa kwamai vako.

Zvichava chishongo chakanaka pamusoro wako

nouketani hunoshongedza mutsipa wako.

"Saka zvino, vanakomana vangu, teererai kwandiri;

vakaropafadzwa avo vanochengeta nzira dzangu.

Teererai kurayira kwangu mugova vakachenjera;

musakushayira hanya.

Obediência e promessa

Filhos, obedecei a vossos pais no Senhor. Honra a teu pai e tua mãe para que viva muito tempo sobre a terra.

Vana naVabereki

Vana, teererai vabereki venyu muna She, nokuti ndizvo zvakanaka. "Kudza baba namai vako," ndiwo murayiro wokutanga une chipikirwa, "kuti uitirwe zvakanaka uye kuti ugare upenyu hurefu panyika."

Vanababa, regai kutsamwisa vana venyu; asi, muvarere mukurovedza nokurayira kwaShe.

Vanababa, regai kutsamwisa vana venyu; asi, muvarere mukurovedza nokurayira kwaShe.

Naizvozvo, ivai vateveri vaMwari, savana vanodikanwa

Vana, teererai vabereki venyu pazvinhu zvose, nokuti izvi zvinofadza Ishe.

Madzibaba, musanetsa vana venyu, nokuti vanozoora mwoyo.

Mirayiro iyi yandinokupai nhasi inofanira kuva mumwoyo yenyu. Zvisimbisei kuvana venyu. Taurai pamusoro payo kana mugere mudzimba dzenyu uye kana muchifamba munzira, kana muchivata pasi uye kana muchimuka.

Zvisimbisei kuvana venyu. Taurai pamusoro payo kana mugere mudzimba dzenyu uye kana muchifamba munzira, kana muchivata pasi uye kana muchimuka.

Chengetai mitemo nemirayiro yake yandinokupai nhasi, kuitira kuti zvigokuitirai zvakanaka imi navana venyu vanokuteverai uye kuti mugogara mazuva mazhinji panyika yamunopiwa naJehovha Mwari wenyu nokusingaperi.

Uchenjerere kuteerera mitemo yose yandinokupa, kuti zvive zvakakunakira nguva dzose iwe navana vako vachatevera mushure mako, nokuti unenge uchiita zvakanaka nezvakarurama pamberi paJehovha Mwari wako.

akati kwavari, "Isai mumwoyo menyu mashoko ose andakupupurirai nhasi, kuitira kuti mugozorayira vana venyu kuti vachenjerere kuita mashoko ose omurayiro uyu. Haasi mashoko asina maturo kwamuri, asi kuti ndihwo upenyu hwenyu. Namashoko aya muchararama mazuva mazhinji munyika yamuri kuyambuka Jorodhani kuti muitore."

Crianças e o reino

Deixai vir a mim as crianças. Jesus honrou as crianças como modelo de fé e humildade para todo o seu povo.

Jesu akati, "Regai vana vaduku vauye kwandiri, musavadzivisa, nokuti umambo hwokudenga ndohwavakadai."

Jesu akati, "Regai vana vaduku vauye kwandiri, musavadzivisa, nokuti umambo hwokudenga ndohwavakadai."

Mukuru muUmambo hwoKudenga

Panguva iyoyo vadzidzi vakauya kuna Jesu uye vakamubvunza vachiti, "Ndianiko mukuru pane vose muumambo hwokudenga?"

Akadana mwana muduku ndokumumisa pakati pavo. Uye akati, "Ndinokuudzai chokwadi kuti, kana musina kushanduka mukava savana vaduku, hamungatongopindi muumambo hwokudenga. Naizvozvo ani naani anozvininipisa somwana uyu ndiye achava mukuru muumambo hwokudenga.

Uye akati, "Ndinokuudzai chokwadi kuti, kana musina kushanduka mukava savana vaduku, hamungatongopindi muumambo hwokudenga. Naizvozvo ani naani anozvininipisa somwana uyu ndiye achava mukuru muumambo hwokudenga.

"Uye ani naani anogamuchira mwana muduku souyu muzita rangu anogamuchira ini.

Mufananidzo weGwai Rakarasika

"Onai kuti hamuzvidze mumwe wavaduku ava. Ndinokuudzai kuti vatumwa vavo kudenga vanogaroona chiso chaBaba vangu vari kudenga.

Zororo kune Vakaneta

Panguva iyoyo Jesu akati, "Ndinokurumbidzai Baba, Ishe wedenga nenyika, nokuti makavanza zvinhu izvi kuna vakachenjera navakadzidza, uye mukazvizarurira kuvana vaduku.

Vakaropafadzwa vanoyananisa

nokuti vachanzi vana vaMwari.

Jesu naVana Vaduku

Vanhu vakanga vachiuya navana vaduku kuna Jesu kuti avabate, asi vadzidzi vakavatsiura. Jesu paakazviona, akatsamwa. Akati kwavari, "Regai vana vaduku vauye kwandiri, uye musavadzivisa, nokuti umambo hwaMwari ndohwavakadai.

Akatora mwana muduku akamumisa pakati pavo. Akamubata mumaoko ake, akati kwavari, "Ani naani anogamuchira mumwe wavaduku ava muzita rangu anogamuchira ini; uye ani naani anondigamuchira haagamuchiri ini asi iye akandituma."

Uye Jesu akakura muuchenjeri nomumhu, achidiwa naMwari uye navanhu.

Jesu Anosimbisa Petro

Vakati vapedza kudya, Jesu akati kuna Simoni Petro, "Simoni mwanakomana waJohani, unondida zvechokwadi kupfuura ava here?"

Akati, "Hongu, Ishe, munozviziva kuti ndinokudai."

Jesu akati, "Fudza makwayana angu."

Identidade e crescimento

Somos filhos de Deus pelo Espírito de adoção. Crescer em Cristo é amadurecer em fé, obediência e amor ao próximo.

Asi kuna vose vakamugamuchira, kuna avo vakatenda muzita rake, akavapa simba rokuti vave vana vaMwari,

nokuti vaya vanotungamirirwa noMweya waMwari ndivo vana vaMwari.

Nokuti hamuna kugamuchira mweya wouranda kuti muitwezve varanda vokutya, asi makagamuchira Mweya wokuitwa vana, uya watinodana naye tichiti, "Abha, Baba."

Mweya amene anopupurirana noMweya wedu kuti tiri vana vaMwari.

Nokuti zvisikwa zvinotarisira zvikuru zvichimirira kuratidzwa kwavanakomana vaMwari.

Vanakomana vaMwari

Imi mose muri vanakomana vaMwari kubudikidza nokutenda muna Kristu Jesu, nokuti imi mose makabhabhatidzwa muna Kristu makapfeka Kristu.

Tarirai kukura kworudo rwatakaitirwa naBaba, kuti tinzi vana vaMwari! Uye ndizvo zvatiri! Chinoita kuti nyika itadze kutiziva ndechokuti haina kumuziva iye.

Vadikani, zvino tiri vana vaMwari, uye zvatichazova zvichigere kuzivikanwa. Asi tinoziva kuti paachaonekwa, isu tichafanana naye, nokuti tichamuona sezvaari. Mumwe nomumwe ane tariro iyi maari anozvichenesa, sezvo iye akachena.

Ndinokunyorerai, vana vangu vandinoda,

nokuti zvivi zvenyu zvakaregererwa nokuda kwezita rake.

Vana vanodikanwa, ibvai pazvifananidzo.

Anofanira kubata imba yake zvakanaka nokuona kuti vana vake vanomuteerera uye vachimukudza zvakanaka.

Kana munhu asingachengeti hama dzake, uye zvikuru sei veimba yake, arasa kutenda, uye akaipa kukunda asingatendi.

Uye makanganwa shoko rokukurudzira rinotaura kwamuri savanakomana richiti:

"Mwanakomana wangu, usazvidza kuranga kwaShe,

uye usaora mwoyo kana uchirangwa naye,

nokuti Ishe anoranga uyo waanoda,

uye anorova munhu wose waanogamuchira somwanakomana."

Tsungai pamatambudziko sokurangwa; Mwari anokubatai imi savanakomana. Nokuti ndoupiko mwanakomana asingarangwi nababa vake? Kana musingarangwi (vamwe vose vachirangwa), naizvozvo muri vana vasiri chaivo uye hamusi vanakomana vechokwadi. Uyezve, isu tose tina madzibaba edu epanyama anotiranga uye tinovakudza nokuda kwaizvozvo. Ko, tingazviisa zvikuru sei pasi paBaba vemweya yedu tigorarama!

Hakuna kurangwa kunofadza panguva yacho, asi kuti kunorwadza. Asi, zvisinei, pashure kunobereka gohwo rokururama norugare kuna avo vakadzidziswa nako.

Vakapindura vakati, "Tenda kuna She Jesu ugoponeswa, iwe neimba yako."

Tiza kuchiva kwose kwoujaya, uye utevere kururama, kutenda, rudo norugare navose vanodana kuna Ishe nomwoyo wakachena.

Uye zvinhu zvawakanzwa ndichitaura pamberi pezvapupu zvizhinji zvipe kuvanhu vakatendeka avo vachazozvidzidzisawo vamwe.

Transmitir a fé

Contaremos à geração vindoura os louvores do Senhor. O legado de fé é o maior presente que damos aos nossos filhos.

Vanakomana venyu vose vachadzidziswa naJehovha,

uye rugare rwavana venyu ruchava rukuru.

Vanakomana venyu vose vachadzidziswa naJehovha,

uye rugare rwavana venyu ruchava rukuru.

Vapenyu, ivo vapenyu,

ndivo vanokurumbidzai,

sezvandiri kuita iye nhasi;

madzibaba anoudza vana vavo nezvokutendeka kwenyu.

"Ko, mai vangakanganwa mucheche anonwa ari pachipfuva chavo,

uye vangasanzwira tsitsi mwana wavakazvara here?

Kunyange hazvo ivo vakakanganwa,

ini handizokukanganwi!

Tarira, ndakakunyora pazvanza zvamaoko angu;

madziro ako anogara ari mberi kwangu.

Mushure mokunge ndatarisisa zvinhu izvi, ndakasimuka ndikati kuvakuru, navabati nokuruzhinji rwavanhu, "Musavatya. Rangarirai Jehovha, iye mukuru, anotyisa, uye murwire hama dzenyu, vanakomana venyu, navanasikana venyu, vakadzi venyu nemisha yenyu."

Jehovha anodana Samueri

Mukomana uyu Samueri aishumira pamberi paJehovha ari pasi paEri. Mumazuva iwayo shoko raJehovha rakanga risinganzwiki zvakanyanya, kwakanga kusina zviratidzo zvizhinji.

Hapana chimwe chinhu chinondifadza kupfuura kunzwa kuti vana vangu vari kufamba muchokwadi.

Hapana chimwe chinhu chinondifadza kupfuura kunzwa kuti vana vangu vari kufamba muchokwadi.

Hatingazozvivanziri vana vavo;

tichaudza rudzi runotevera

mabasa angarumbidzwa aJehovha,

simba rake, nezvishamiso zvaakaita.

Akatema zvirevo zvaJakobho

akasimbisa murayiro muIsraeri,

waakarayira madzitateguru edu

kuti vadzidzise vana vavo,

kuti rudzi runotevera ruzvizive,

kunyange vana vachazoberekwa,

naivo vagozoudzawo vana vavo.

Ipapo vachavimba naMwari wavo

uye havangazokanganwi mabasa ake

asi vachazochengeta mirayiro yake.

Seja o primeiro
Publicidade
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-29_22-07-56-