Publicidade

Tomar uma decisão

Por Bíblia Online

Tomar decisões com sabedoria é um dos maiores desafios da vida. A Bíblia nos ensina a buscar a Deus em oração, na Palavra e no conselho, confiando que Ele dirige os nossos passos.

Buscar a Deus

Se algum de vós tem falta de sabedoria, peça a Deus. Ele dá generosamente e sem repreensão a todos os que pedem.

Kana mumwe wenyu achishayiwa uchenjeri, ngaakumbire kuna Mwari, anopa zvakawanda kuna vose asingatsvaki mhosva, uye achapiwa hake.

Ndiko kusatya kwatinako mukuswedera kwedu kuna Mwari: kuti kana tichikumbira chinhu chipi nechipi nokuda kwake, anotinzwa.

Kana tichireurura zvivi zvedu, iye akatendeka uye akarurama, uye achatikanganwira zvivi zvedu agotinatsa pakusarurama kwose.

Vimba naJehovha nomwoyo wako wose

urege kuzendamira panjere dzako;

munzira dzako dzose umutungamidze,

uye acharuramisa nzira dzako.

munzira dzako dzose umutungamidze,

uye acharuramisa nzira dzako.

Nokuti ndinoziva urongwa hwandinahwo pamusoro penyu," ndizvo zvinotaura Jehovha, "urongwa hwokuti mubudirire, kwete kukuitirai zvakaipa, urongwa hunokupai tariro neramangwana rakanaka.

Conselho e direção

Onde não há conselho os planos se frustam. Toda Escritura é útil para nos guiar nas decisões da vida.

Nokuda kwokushaya utungamiri rudzi runoparara,

asi varayiri vazhinji vanoita kuti kukunda kuvepo.

Mujenya unokandirwa pamakumbo,

asi zvirevo zvose zvinobva kuna Jehovha.

Munhu asina ukama navamwe anongozvitsvakira zvake;

anozvidza kutonga kwakanaka kwose.

Benzi harifariri kunzwisisa,

asi rinofarira kungotaura zvarinofunga chete.

Panosvika chakaipa, kuzvidzwa kunouyawo,

uye kana nyadzi dzichisvika kusakudzwa kwasvikawo.

Mashoko omuromo womunhu imvura yakadzika,

asi tsime rouchenjeri chitubu chinoyerera.

Hazvina kunaka kutsaura akaipa

kana kusaruramisira asina mhosva.

Miromo yebenzi inoriunzira kukakavara,

uye muromo wake unomukokera kurohwa.

Muromo webenzi ndiwo kuparadzwa kwaro,

uye miromo yaro ndiwo musungo kumweya waro.

Mashoko amakuhwa akaita semisuva yakanakisisa;

anoenda pakadzikadzika mukati momunhu.

Uyo ano usimbe pakubata kwake

ihama youyo anoparadza.

Zita raJehovha inhare yakasimba;

vakarurama vanomhanyira kwariri vagochengetedzwa.

Pfuma yavapfumi ndiro guta ravo rina masvingo;

vanoriona sorusvingo rurefu pakufunga kwavo.

Kuparadzwa kusati kwasvika, mwoyo womunhu unozvikudza,

asi kuzvininipisa kunotangira kukudzwa.

Uyo anopindura asati anzwa,

ndihwo upenzi hwake nokunyadziswa kwake.

Mweya womunhu unomusimbisa panguva yokurwara,

asi mweya wakapwanyika ndiani angautakura?

Rugwaro rwose rwakafemerwa naMwari uye runobatsira pakudzidzisa, kurayira, kutsiura nokurayiridza mukururama,

kuti munhu waMwari akwaniswe kwazvo, agadzirirwa mabasa ose akanaka.

Vakati vasvika pamuganhu weMisia, vakaedza kupinda muBhitinia, asi Mweya waJesu hauna kuvabvumira.

Bhanabhasi naSauro Vanotumwa

Mukereke yapaAndioki maiva navaprofita navadzidzisi vaiti: Bhanabhasi, Simeoni ainzi Nigeri, Rusiasi wokuSairini, Manaeni (akanga arerwa naHerodhi mubati) naSauro. Pavakanga vachinamata Ishe uye vachitsanya, Mweya Mutsvene akati, "Nditsaurirei Bhanabhasi naSauro kuti vabate basa randakavadanira." Saka vakati vapedza kutsanya nokunyengetera, vakaisa maoko avo pamusoro pavo vakavatuma.

Confiar e seguir

Seja o que for que façais, fazei tudo para a glória de Deus. O sábio ouve a Deus antes de agir.

Naizvozvo, kunyange muchidya kana kunwa, chinhu chipi nechipi chamungaita, itai zvose kuti Mwari agokudzwa.

Mwari anoranga Vanakomana Vake

Naizvozvo nesuwo, zvatakakomberedzwa negore rezvapupu rakakura rikadai, ngatibvisei zvose zvinoremedza, nechivi chinongotinamatira nyore, uye ngatimhanyei nokutsungirira, nhangemutange yatakaisirwa.

PaGibheoni Jehovha akazviratidza kuna Soromoni usiku muchiroto, Mwari akati, "Kumbira chipi nechipi chaunoda kuti ndikupe."

Soromoni akapindura akati, "Makaratidza muranda wenyu, baba vangu Dhavhidhi, tsitsi dzenyu huru nokuti akanga akavimbika kwamuri uye akarurama uye akachena mumwoyo. Muchiri kumuratidza unyoro hwenyu hukuru uye mamupa mwanakomana kuti agare pachigaro chake chokutonga iye nhasi.

"Zvino, Jehovha Mwari wangu, makaita muranda wenyu mambo panzvimbo yababa vangu Dhavhidhi. Asi ini ndinongova hangu mwana mudiki uye handizivi mashandiro andingaita mabasa angu. Muranda wenyu ari pakati pavanhu venyu vamakasarudza, vanhu vazhinji kwazvo, vasingagoni kuverengwa nokuwanda kwavo. Naizvozvo ipai muranda wenyu mwoyo unonzwisisa kuti atonge vanhu venyu, kuti ndikwanise kuziva zvakanaka nezvakaipa; nokuti ndiani angagone kutonga vanhu venyu vakawanda kudai?"

Jehovha akafara nokuti Soromoni akanga akumbira chinhu ichi. Naizvozvo Jehovha akati kwaari, "Sezvo wakumbira chinhu ichi ukasazvikumbirira upenyu hurefu kana upfumi, ukasakumbira kuti vavengi vako vaurayiwe, asi wakumbira kunzwisisa pakutonga zvakarurama, ndichaita zvawakumbira. Ndichakupa mwoyo wakachenjera unonzwisisa, zvokuti hakuna kumbova nomumwe akafanana newe uye hakuchazova nomumwe akafanana newe mushure mako.

Mukadzi wake akati, "Ucharambira pakururama kwako kusvikira riniko? Tuka Mwari ufe!"

Iye akapindura akati, "Iwe unotaura somukadzi benzi. Ko, tichagamuchira zvakanaka kubva kuna Mwari, tikashayiwa zvakaipa here?"

Muzvinhu izvi zvose, Jobho haana kutadza pane zvaakataura.

Seja o primeiro
Publicidade
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-29_22-07-56-