Publicidade

Dependência

Por Bíblia Online

A dependência de Deus é o caminho da verdadeira liberdade. Sem Cristo, nada podemos fazer. Mas em Deus encontramos sustento, direção e força para todo desafio.

Sem Ele nada podemos

Sem mim nada podeis fazer. O cristão que se desconecta da videira seca — mas o que permanece dá muito fruto.

"Ini ndiri muzambiringa; imi muri matavi. Kana munhu akagara mandiri uye neni maari, achabereka zvibereko zvakawanda; kunze kwangu hamugoni kuita chinhu.

Mikitami raDhavhidhi.

Ndichengetedzei, imi Mwari,

nokuti ndinovanda mamuri.

Ndakaisa Jehovha pamberi pangu nguva dzose.

Nokuti ari kurudyi rwangu,

handingatongozungunuswi.

Rwiyo rworwendo rwaSoromoni.

Kana Jehovha asingavaki imba,

vavaki vayo vanoshandira pasina.

Kana Jehovha asingachengeti guta,

varindi vanomira vakarinda pasina.

Havana kuzviwanira nyika nomunondo wavo,

uye ruoko rwavo haruna kuvakundisa;

rwakanga rwuri ruoko rwenyu rworudyi, irwo ruoko rwenyu,

nokupenya kwechiso chenyu, nokuti imi makavada.

Jehovha achakurwirai; imi ingonyararai bedzi."

Depender do Senhor

Confia no Senhor de todo o coração e não te estribes no teu próprio entendimento. Em todos os caminhos o reconhece.

Vimba naJehovha nomwoyo wako wose

urege kuzendamira panjere dzako;

munzira dzako dzose umutungamidze,

uye acharuramisa nzira dzako.

Mumwoyo make munhu anoronga gwara rake,

asi Jehovha ndiye anotonga kufamba kwake.

Mune urongwa huzhinji mumwoyo momunhu,

asi kuda kwaJehovha ndiko kunobudirira.

Kuropafadza kwaJehovha kunowanisa upfumi,

uye haawedzeri matambudziko kwahuri.

Nyama yangu nomwoyo wangu zvingapera hazvo,

asi Mwari isimba romwoyo wangu

nomugove wangu nokusingaperi.

Tidzorei, imi Mwari Wamasimba Ose;

penyesai chiso chenyu pamusoro pedu,

kuti tiponeswe.

Rwiyo rworwendo.

Ndinosimudzira meso angu kumakomo,

kubatsirwa kwangu kunobvepiko?

Rubatsiro rwangu runobva kuna Jehovha,

muiti wokudenga napasi.

Haangatenderi rutsoka rwako kuti rutedzemuke,

muchengeti wako haangakotsiri;

Pandakati, "Rutsoka rwangu rwotedzemuka,"

rudo rwenyu, imi Jehovha, rwakanditsigira.

Mukurwadziwa kwangu ndakadana kuna Jehovha,

uye akandipindura nokundisunungura.

Pisarema raDhavhidhi.

Jehovha ndiye mufudzi wangu, hapana chandingashayiwa.

Anondivatisa pamafuro manyoro,

anondisesedza pamvura inozorodza,

Contentamento e confiança

Aprendi a viver contente em toda situação. A dependência de Deus nos livra da ansiedade e nos firma na paz.

Handirevi izvi nokuda kwokuti ndinoshayiwa, nokuti ndakadzidza kugutsikana nezvinenge zviripo.

Nokuti ndini Jehovha, Mwari wako,

anobata ruoko rwako rworudyi

achiti kwauri, Usatya;

ndichakubatsira.

Anopa simba kuna vakarukutika,

uye anowedzera simba kuna vasina simba.

Garai zvakanaka mumwe nomumwe. Musazvikudza, asi muve nechido chokufambidzana navanhu vapasi pasi. Musazviita vakachenjera.

Nokuti sezvatino muviri mumwe une mitezo mizhinji, uye mitezo iyi yose haina basa rimwe chete, saizvozvowo muna Kristu isu tiri vazhinji, tinoumba muviri mumwe chete, uye mutezo mumwe nomumwe mutezo wavamwe.

Avo vanotongwa nenyama havagoni kufadza Mwari.

Naizvozvo musafunganya nezvamangwana nokuti mangwana achazvifunganyira zvawo. Zuva rimwe nerimwe rine nhamo dzaro dzakarikwanira.

"Asi ini ndini aniko, uye vanhu vangu ndivanaaniko kuti tingakwanisa kupa zvakawanda kudai? Zvose zvinobva kwamuri, uye tangokupai chete zvinobva mumaoko enyu.

Seja o primeiro
Publicidade
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-29_22-07-56-