Publicidade

Despedida

Por Bíblia Online

As despedidas na Bíblia são momentos sagrados de bênção, oração e confiança em Deus. Mesmo na separação, os filhos de Deus se despedem com fé, carinho e esperança de reencontro.

Despedidas bíblicas

Paulo se despediu dos anciãos de Éfeso com oração e lágrimas. As despedidas entre irmãos são marcadas por afeto e fé.

Akati ataura izvi, akapfugama pamwe chete navo vose uye vakanyengetera. Vose vakachema pavakamumbundikira uye vakamutsvoda. Zvakanyanya kuvarwadza mashoko aakataura achiti havaizoona chiso chakezve. Ipapo vakamuperekedza kuchikepe.

Pauro anoenda kuMasedhonia nokuGirisi

Bope rakati rapera, Pauro akadana vadzidzi, uye shure kwokuvakurudzira, akaonekana navo akasimuka akaenda kuMasedhonia.

Shure kwokunge vambogara kwechinguva ikoko, vakaperekedzwa nehama namaropafadzo orugare kuti vachidzokera havo kuna avo vakanga vavatuma.

Chishuvo chaPauro kuti aone vaTesaronika

Asi, hama, patakanga taparadzaniswa nemi kwechinguva chiduku (pakuonekwa, kwete mupfungwa), mukushuva kwedu kukuru takaedza chose kukuonai.

Mwari anogona kupupura kuti ndinokufungai sei imi mose norudo rwaKristu Jesu.

Amizades profundas

Davi e Jônatas se despediram com lágrimas e pacto de amizade. Rute se apegou a Noemi com lealdade inabalável.

Mushure mokuenda kwomukomana, Dhavhidhi akasimuka nechokurutivi rwezasi rwedombo akakotamira Jonatani katatu, chiso chake chakatsikitsira. Ipapo vakasvetana vakachema pamwe chete asi Dhavhidhi akanyanyisa kuchema.

Jonatani akati kuna Dhavhidhi, "Chienda hako norugare, nokuti takapikirana ushamwari pakati pedu muzita raJehovha, tichiti, Jehovha ndiye chapupu pakati pako neni, uye pakati pezvizvarwa zvako nezvizvarwa zvangu nokusingaperi.’ " Ipapo Dhavhidhi akabva, Jonatani akadzokerawo muguta.

Mushure mokuenda kwomukomana, Dhavhidhi akasimuka nechokurutivi rwezasi rwedombo akakotamira Jonatani katatu, chiso chake chakatsikitsira. Ipapo vakasvetana vakachema pamwe chete asi Dhavhidhi akanyanyisa kuchema.

Zvino Naomi akati kuvaroora vake vaviri, "Chidzokerai henyu, mumwe nomumwe wenyu kuimba yamai vake. Jehovha ngaakuitirei tsitsi, sezvamakaitirawo vakafa venyu nokwandiri. Jehovha ngaaite kuti mumwe nomumwe wenyu awane zororo mumba yomumwe murume."

Ipapo akavatsvoda uye vakachema zvikuru. Zvino vakati kwaari, "Tichadzokera nemi kuvanhu vokwenyu."

Asi Naomi akati kwavari, "Dzokerai, vana vangu. Mungadireiko kuenda neni? Ndichazova navamwe vanakomana, vangazova varume venyu here? Dzokerai, vanasikana vangu; ini ndachembera kwazvo zvokuti handingavi nomumwe murume. Kunyange dai ndaifunga kuti ndichine tariro, kunyange ndaiva nomurume usiku huno ndikabereka vanakomana, maizovamirira kusvikira vakura here? Mungazogara musina kuwanikwa nokuda kwavo here? Kwete, vanasikana vangu. Izvi zvandishungurudza kwazvo kupinda imi, nokuti ruoko rwaJehovha rwauya kuzorwisana neni!"

Nokuda kwaizvozvo, vakachema zvakare. Ipapo Opa akasvetana navamwene akaonekana navo, asi Rute akanamatirana navo.

Nokuda kwaizvozvo, vakachema zvakare. Ipapo Opa akasvetana navamwene akaonekana navo, asi Rute akanamatirana navo.

Ipapo Mozisi akatendera tezvara vake kuti vaende havo, uye Jeturo akadzokera kunyika yake.

Bênçãos de despedida

O Senhor te abençoe e te guarde. O Senhor faça resplandecer o seu rosto sobre ti e te dê a paz.

" Jehovha akuropafadzei

uye akuchengetei;

Jehovha ngaapenyese chiso chake pamusoro penyu

uye akunzwirei tsitsi;

Jehovha ngaarinzire chiso chake kwamuri

uye akupei rugare.’ "

Jehovha achakuchengeta pane zvose zvinokuvadza,

iye acharinda upenyu hwako;

Jehovha achakurinda pakubuda kwako napakupinda kwako,

kubva zvino uye nokusingaperi.

Nyasha ngadzive nemi mose.

Mashoko Okupedzisira

Pakupedzisira, hama, chisarai. Shingairai kuti mukwaniswe, teererai kuchikumbiro changu, ivai nomufungo mumwe, garai murugare. Uye Mwari worudo norugare achava nemi.

Mashoko Okupedzisira

Pakupedzisira, hama, chisarai. Shingairai kuti mukwaniswe, teererai kuchikumbiro changu, ivai nomufungo mumwe, garai murugare. Uye Mwari worudo norugare achava nemi.

Kwazisanai nokutsvodana kutsvene.

Vatsvene vose vanokukwazisai.

Nyasha dzaIshe Jesu Kristu, norudo rwaMwari, nokuwadzana kwoMweya Mutsvene ngazvive nemi mose.

Nhumbi dzokurwa nadzo dzaMwari

Pakupedzisira, ivai nesimba muna She nomusimba rake guru.

Ipapo Joshua akavaropafadza akati vaende havo, ivo vakaenda kumisha yavo.

Mumwezve akati, "Ndichakuteverai, Ishe; asi kutanga regai ndimbondoonekana nemhuri yangu."

Jesu akapindura akati, "Hakuna munhu anoti kana akaisa ruoko rwake pagejo akacheuka angafanirwa nokushumira muumambo hwaMwari."

Ipapo Erisha akasiya hando dzake akamhanya achitevera Eria. Akati, "Regai ndimbonotsvoda baba namai vangu ndichionekana navo, ndigozoenda nemi."

Eria akati, "Dzokera zvako. Ndakuiteiko?"

Naizvozvo Erisha akamusiya akadzokera. Akatora hando dzejoko rake akadzibaya. Akashandisa zvaairimisa sehuni dzokubikisa nyama yacho, akaipa kuvanhu, ndokubva vadya. Ipapo akasimuka akatevera Eria akabva ava muranda wake.

Seja o primeiro
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-07-05_19-25-13-