O Deus do impossível
Deus é o Deus do impossível. Para Ele não há nada difícil demais. O que parece impossível aos olhos humanos é perfeitamente possível para o Criador do universo.
Nada é impossível
Para Deus nada é impossível. Ele faz infinitamente mais do que podemos pedir ou imaginar — esse é o nosso Deus.
Jesu akavatarisa akati, "Kuvanhu izvi hazvigoneki asi kuna Mwari zvinhu zvose zvinogoneka."
Jesu akatarisa kwavari akati, "Kumunhu hazvigoneki, asi kwete naMwari; zvinhu zvose zvinogoneka kuna Mwari."
Jesu akapindura achiti, "Zvisingagoneki kuvanhu zvinogoneka kuna Mwari."
Maria akabvunza mutumwa akati, "Ko, izvi zvichaitika seiko sezvo ini ndiri mhandara?"
Mutumwa akapindura achiti, "Mweya Mutsvene achauya pamusoro pako, uye simba reWokumusoro-soro richakufukidza. Saka mutsvene achazvarwa achanzi Mwanakomana waMwari. Kunyange hama yako Erizabheti achava nomwana pamazuva okukwegura kwake, uye mwedzi uno ndowechitanhatu kuna iye ainzi asingabereki. Nokuti hakuna chinhu chisingagonekwi naMwari."
Maria akati, "Ini ndiri muranda waShe. Ngazviitike hazvo kwandiri sezvamareva." Ipapo mutumwa akabva paari.
Ipapo Jehovha akati kuna Abhurahama, "Seiko Sara aseka achiti, ‘Ndichava nomwana zvechokwadi here, sezvo zvino ndakwegura?’ Pane chinhu chakaoma kuna Jehovha here? Ndichadzokazve kwauri gore rinouya senguva dzakatarwa uye Sara achava nomwanakomana."
"Ndinoziva kuti imi munogona kuita zvose;
hapana urongwa hwenyu hungakoneswa.
"Haiwa, Ishe Jehovha, ndimi makaita matenga nenyika nesimba renyu guru noruoko rwenyu rwakatambanudzwa. Hakuna chinhu chakaoma kwamuri.
Fé no impossível
Se tiverdes fé como um grão de mostarda... Os impossíveis de Deus são convites ao exercício da fé audaciosa.
Akavapindura achiti, "Nokuda kwokuti mune kutenda kudiki. Ndinokuudzai chokwadi kuti dai maiva nokutenda kudiki hako semhodzi yemasitadhi maigona kuti kugomo iri, ‘Ibva apa uende uko,’ zvichiitika. Hapana chamunozokundikana kuita.
Jesu akati, "Kana muchigona? Zvinhu zvose zvinogoneka kune anotenda."
Naizvozvo ndinoti kwamuri, zvose zvamunokumbira mukunyengetera, tendai kuti mazvigamuchira, uye zvichava zvenyu.
Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose: "Zvingaita sezvinoshamisa kuna vakasara vavanhu ava panguva iyoyo, asi zvichaita sezvinoshamisa here kwandiri?" ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose.
Ishe wedu mukuru uye ane simba guru;
kunzwisisa kwake hakuperi.
Murume uyu akaiswa mumaoko enyu nourongwa uye nokuziva zviri mberi kwaMwari; uye imi, mukamuroverera pamuchinjikwa muchibatsirwa navanhu vakaipa. Asi Mwari akamumutsa kubva kuvakafa, akamusunungura kubva pakurwadza kworufu, nokuti zvakanga zvisingagoni kuti rufu rumubate.