Deus é nosso refúgio
Deus é nosso refúgio e fortaleza, socorro bem presente nas angústias. Quando o mundo treme, o crente encontra paz sob as asas do Altíssimo.
Refúgio e fortaleza
Deus é nosso refúgio e fortaleza. Quem habita no abrigo do Altíssimo descansa à sombra do Todo-Poderoso.
Mwari ndiye utiziro hwedu nesimba redu,
ndiye mubatsiri anogara aripo panguva yokutambudzika.
Uyo anogara panzvimbo yokuvanda yeWokumusoro-soro
achazorora mumumvuri weWamasimba Ose.
Ndichati pamusoro paJehovha, "Ndiye utiziro hwangu nenhare yangu,
Mwari wangu, wandinovimba naye."
Zvirokwazvo achakuponesa parugombe rwomuteyi
napadenda rinouraya.
Achakufukidza neminhenga yake,
uye uchawana utiziro pasi pamapapiro ake;
kutendeka kwake kuchava nhoo yako norusvingo rwako.
Ndinokudai, imi Jehovha, simba rangu.
Jehovha ndiye dombo rangu, nhare yangu, murwiri wangu;
Mwari wangu ndiye dombo rangu, wandinovanda maari.
Ndiye nhoo yangu norunyanga rworuponeso rwangu, shongwe yangu.
Ndinodana kuna Jehovha, iye akafanira kurumbidzwa,
uye ndinoponeswa kubva kuvavengi vangu.
Ndichengetedzei, imi Mwari,
nokuti ndinovanda mamuri.
Jehovha ndiye chiedza changu noruponeso rwangu,
ndichagotya aniko?
Jehovha ndiye nhare youpenyu hwangu,
ndianiko wandingatya?
Vanhu vakaipa pavakauya kwandiri
kuzodya nyama yangu,
vavengi navadzivisi vangu pavanondirwisa,
vanogumburwa ndokuwa.
Kunyange hondo ikandikomba,
mwoyo wangu haungazotyi;
kunyange hondo ikamuka kuzondirwisa,
ipapo ndichavimba naJehovha.
Ndinovanda mamuri, imi Jehovha;
itai kuti ndisatombonyadziswa;
ndirwirei mukururama kwenyu.
Rerekerai nzeve yenyu kwandiri,
kurumidzai kundinunura;
ivai dombo rangu rokuvanda,
nhare yakasimba inondiponesa.
Sezvo murimi dombo rangu nenhare yangu,
nditungamirirei uye mundisesedze nokuda kwezita renyu.
Ndisunungurei pamusungo wandakadzikirwa,
nokuti imi muri utiziro hwangu.
Ndinoisa mweya wangu mumaoko enyu;
ndidzikinurei, imi Jehovha, Mwari wechokwadi.
Ivai bako rangu rokuvanda kwandingaramba ndichienda;
rayirai kuti ndiponeswe, nokuti ndimi dombo rangu nenhare yangu.
Proteção e segurança
O Senhor é a minha rocha e a minha fortaleza. Melhor é confiar no Senhor do que confiar no homem.
Zviri nani kutizira kuna Jehovha
pano kuvimba nomunhu.
Zviri nani kutizira kuna Jehovha
pano kuvimba namachinda.
Iwe mweya wangu, zviwanire zororo muna Mwari oga;
tariro yangu inobva kwaari.
Ndiye oga dombo rangu noruponeso rwangu;
ndiye nhare yangu, handingazungunuswi.
Ruponeso rwangu nokukudzwa kwangu zvinobva kuna Mwari;
ndiye dombo rangu guru, noutiziro hwangu.
Vimbai naye nguva dzose, imi vanhu;
dururai mwoyo yenyu kwaari,
nokuti Mwari ndiye utiziro hwedu. Sera
Haiwa imi simba rangu, ndinokuimbirai nziyo dzokukurumbidzai;
imi, Mwari, ndimi nhare yangu, Mwari anondida.
Jehovha, imi makava ugaro hwedu
kuzvizvarwa zvose.
Makomo asati azvarwa
uye musati mabudisa nyika nepasi rose,
kubva pakusingaperi kusvikira pakusingaperi muri Mwari.
Jehovha ndiye nhare yavakamanikidzwa,
nhare yakasimba panguva yokutambudzika.
Vanoziva zita renyu vachavimba nemi,
nokuti imi, Jehovha hamuna kumbosiya avo vanokutsvakai.
Haiwa rudo rwenyu rusingatongoperi runokosha sei!
Vose vakuru navaduku pakati pavanhu
vanovanda mumumvuri wamapapiro enyu.
Em todo tempo
O Senhor é bom e é fortaleza no dia da angústia. A torre forte do nome do Senhor protege os seus em toda circunstância.
Jehovha akanaka,
utiziro panguva dzokutambudzika.
Anochengeta avo vanovimba naye,
Manga muri utiziro hwavarombo,
utiziro hwaanoshayiwa mukutambudzika kwake,
uye dumba panguva yemvura zhinji
nomumvuri pakupisa kwezuva.
Nokuti kufema kwavano utsinye
kwakafanana nemvura zhinji inorovera parusvingo,
Uyo anotya Jehovha ane nhare yakasimba,
uye ichava utiziro kuvana vake.
Nzira yaJehovha ndiyo utiziro hwavakarurama,
asi ndiko kuparadzwa kwaavo vanoita zvakaipa.