Publicidade

Deus nunca falha

Por Bíblia Online

Deus nunca falha. Nenhuma de suas promessas vem ao chão. O que Ele prometeu, Ele cumprirá. A fidelidade de Deus é o fundamento inabalável da nossa fé.

Promessas cumpridas

Nenhuma boa palavra falhou de todas as promessas que Deus fez. Ele é fiel e verdadeiro em tudo o que diz.

"Zvino ini ndava kuenda nenzira yenyika yose. Imi munoziva mumwoyo yenyu yose nomumweya yenyu yose, kuti hapana chinhu chimwe pazvose zvakanaka zvakavimbiswa naJehovha Mwari wenyu chakakona.

Hakuna kana chinhu chimwe chete zvacho chezvinhu zvakanaka zvakanga zvavimbiswa naJehovha kuimba yaIsraeri chakakona; zvose zvakazadziswa.

"Jehovha ngaarumbidzwe, iye akapa zororo kuvanhu vake Israeri sezvaakavimbisa chaizvoizvo. Hapana kana shoko rimwe chete risina kuitika pazvivimbiso zvose zvakanaka zvaakapa nokumuranda wake Mozisi.

Mwari haasi munhu, kuti angareva nhema,

uye mwanakomana womunhu kuti ashandure pfungwa dzake.

Ko, anotaura akasazviita here?

Anovimbisa akasazadzisa here?

Asi urongwa hwaJehovha hunomira hwakasimba nokusingaperi,

nendangariro dzomwoyo wake kusvikira kuzvizvarwa zvose.

Fidelidade eterna

A Palavra do Senhor permanece para sempre. A tua palavra é muito pura e o teu servo a ama profundamente.

Simudzirai meso enyu kumatenga,

tarirai pasi panyika;

matenga achanyangarika soutsi,

nyika ichasakara senguo,

uye vanogaramo vachafa senhunzi.

Asi ruponeso rwangu ruchagara nokusingaperi,

kururama kwangu hakuzombogumi.

Vimbiso dzenyu dzakaedzwa chose,

uye muranda wenyu anodzida.

Umambo hwenyu umambo hwokusingaperi,

uye ushe hwenyu hunogara kusvikira kuzvizvarwa zvose.

Jehovha akatendeka pavimbiso dzake dzose,

uye ane rudo kuzvinhu zvose zvaakaita.

Jehovha anotsigira vose vanowa,

uye anosimudza vose vakakotamiswa pasi.

Jehovha ari mariri mutsvene;

haaiti zvakaipa.

Mangwanani oga oga anotonga nokururamisira kwake,

zuva rimwe nerimwe idzva anoriuyisa,

asi vasakarurama havanyari.

Nokuti chiratidzo ichi chakamirira nguva yakatarwa;

chinotaura nezvamagumo

uye hachingarevi nhema.

Kunyange dai chikanonoka, chimirire;

zvirokwazvo chichauya, hachizononoki.

Segurança em Deus

Todas as promessas de Deus são sim e amém em Cristo. Fiel é Aquele que prometeu — Ele jamais nos decepcionará.

Nokuti hazvinei kuti Mwari akativimbisa zvinhu zvizhinji zvakadii, zvose i"Hongu" muna Kristu. Uye kubudikidza naiye tinoti "Ameni" kuti Mwari akudzwe. Zvino ndiMwari anoita kuti tose imi nesu timire takasimba muna Kristu. Akatizodza, akaisawo chisimbiso patiri chokuti tava vake, uye akaisa Mweya wake mumwoyo medu kuti ave rubatso, achipa chisimbiso chezvichauya.

Ngatibatisisei tariro yatinopupura, tisingazungunuswi, nokuti iye akapikira akatendeka.

Nemi makaiswawo muna Kristu pamakanzwa shoko rechokwadi, iro vhangeri rokuponeswa kwenyu. Makati matenda, makaiswa rupau maari nechisimbiso, icho chivimbiso choMweya Mutsvene, anova ndiye rubatso runotitsidzira nhaka yedu kusvikira rudzikinuro rwaavo vari vaMwari chaivo rwaratidzwa, kuti kubwinya kwake kurumbidzwe.

Akaropafadzwa munhu anotsunga pakuedzwa, nokuti paanokunda, achapiwa korona youpenyu yakavimbiswa naMwari kuna avo vanomuda.

Seja o primeiro
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-07-05_19-25-13-