Dia das crianças
As crianças são preciosas aos olhos de Deus. Jesus as acolheu, abençoou e ensinou que delas é o Reino dos Céus — modelos de fé, pureza e humildade.
Jesus e as crianças
Deixai vir a mim as crianças. Jesus abraçou, abençoou e honrou as crianças como modelo de fé para os adultos.
Jesu akati, "Regai vana vaduku vauye kwandiri, musavadzivisa, nokuti umambo hwokudenga ndohwavakadai."
Mukuru muUmambo hwoKudenga
Panguva iyoyo vadzidzi vakauya kuna Jesu uye vakamubvunza vachiti, "Ndianiko mukuru pane vose muumambo hwokudenga?"
Akadana mwana muduku ndokumumisa pakati pavo. Uye akati, "Ndinokuudzai chokwadi kuti, kana musina kushanduka mukava savana vaduku, hamungatongopindi muumambo hwokudenga. Naizvozvo ani naani anozvininipisa somwana uyu ndiye achava mukuru muumambo hwokudenga.
Mufananidzo weGwai Rakarasika
"Onai kuti hamuzvidze mumwe wavaduku ava. Ndinokuudzai kuti vatumwa vavo kudenga vanogaroona chiso chaBaba vangu vari kudenga.
Asi vaprista vakuru navadzidzisi vomurayiro pavakaona zvinhu zvinoshamisa zvaakaita, uye vana vachidanidzira mutemberi vachiti, "Hosana kuMwanakomana waDhavhidhi," vakatsamwa.
Vakamubvunza vachiti, "Uri kunzwa zviri kurehwa navana ava here?"
Jesu akavapindura achiti, "Hongu, hamuna kurava here panoti:
" ‘Pamiromo yavana navacheche
makaisa rumbidzo’?"
Ndinokuudzai chokwadi, ani naani asingagamuchiri umambo hwaMwari somwana muduku haangatongopindi mahuri." Ipapo akatora vana akavafungatira mumaoko ake, akaisa maoko ake pamusoro pavo akavaropafadza.
Akatora mwana muduku akamumisa pakati pavo. Akamubata mumaoko ake, akati kwavari, "Ani naani anogamuchira mumwe wavaduku ava muzita rangu anogamuchira ini; uye ani naani anondigamuchira haagamuchiri ini asi iye akandituma."
Instruir e proteger
Instrui a criança no caminho de Deus. Elas são herança do Senhor — presentes sagrados que devemos educar com amor.
Rovedza mwana munzira yaanofanira kufamba nayo,
uye kana achinge akura haazotsauki kubva pairi.
Vanakomana venyu vose vachadzidziswa naJehovha,
uye rugare rwavana venyu ruchava rukuru.
Vanakomana inhaka inobva kuna Jehovha,
vana mubayiro unobva kwaari.
Vana, teererai vabereki venyu pazvinhu zvose, nokuti izvi zvinofadza Ishe.
Madzibaba, musanetsa vana venyu, nokuti vanozoora mwoyo.
Vana naVabereki
Vana, teererai vabereki venyu muna She, nokuti ndizvo zvakanaka. "Kudza baba namai vako," ndiwo murayiro wokutanga une chipikirwa, "kuti uitirwe zvakanaka uye kuti ugare upenyu hurefu panyika." Vanababa, regai kutsamwisa vana venyu; asi, muvarere mukurovedza nokurayira kwaShe.
" ‘Jehovha akuropafadzei
uye akuchengetei;
Jehovha ngaapenyese chiso chake pamusoro penyu
uye akunzwirei tsitsi;
Jehovha ngaarinzire chiso chake kwamuri
uye akupei rugare.’ "