Publicidade

Dia dos pais

Por Bíblia Online

O Dia dos Pais celebra o amor e o sacrifício paterno. A Bíblia honra os pais como provedores, protetores e guias espirituais que moldam as próximas gerações.

O pai que educa

Instrui a criança no caminho em que deve andar. O pai justo educa com amor, firmeza e o exemplo de uma vida íntegra.

Rovedza mwana munzira yaanofanira kufamba nayo,

uye kana achinge akura haazotsauki kubva pairi.

Anorega kushandisa shamhu anovenga mwanakomana wake,

asi uyo anomuda anochenjerera kumuranga.

Munhu akarurama anorarama upenyu hwakanaka;

vana vake vanomutevera vakaropafadzwa.

Baba vomunhu akarurama vane mufaro mukuru;

uyo ane mwanakomana akachenjera anofadzwa naye.

Uyo anotya Jehovha ane nhare yakasimba,

uye ichava utiziro kuvana vake.

Honra e alegria

Honra a teu pai e tua mãe. Os filhos são herança do Senhor, e a família que serve a Deus junta é inabalável.

Kudza baba vako namai vako, kuti ugorarama mazuva mazhinji munyika yaunopiwa naJehovha Mwari wako.

Vanakomana inhaka inobva kuna Jehovha,

vana mubayiro unobva kwaari.

Semiseve mumaoko emhare

ndizvo zvakaita vanakomana voujaya.

Akaropafadzwa murume

ane goba rizere navo.

Havanganyadziswi

pavanokakavadzana navavengi vavo pasuo.

Asi kana kushumira Jehovha kusingakufadzei, zvino zvisarudzirei nhasi wamuchashumira, vamwari vaishumirwa namadzitateguru enyu mhiri kwoRwizi kana vamwari vavaAmori, munyika mamugere. Asi kana ndirini neimba yangu tichashumira Jehovha."

Rindai; mirai nesimba mukutenda; ivai varume vakashinga; ivai nesimba.

Saka akasimuka akaenda kuna baba vake.

"Asi akati achiri kure, baba vake vakamuona uye vakamunzwira tsitsi; vakamhanyira kumwanakomana wavo, vakamumbundikira uye vakamutsvoda.

"Mwanakomana akati kuna baba vake, Baba, ndakatadzira denga napamberi penyu. Handichafaniri kunzi mwanakomana wenyu.

"Asi baba vakati kuvaranda vavo, Kurumidzai! Uyai nenguo dzakaisvonaka mumupfekedze. Muise mhete pamunwe wake neshangu mutsoka dzake. Muuye nemhuru yakakodzwa muibaye. Ngatidyei tipembere.

Seja o primeiro
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-07-05_19-25-13-