Dificuldades
As dificuldades são parte da vida, mas Deus é refúgio certo em todo tempo de angústia. A Bíblia promete que nenhuma adversidade pode separar os filhos de Deus do seu amor.
Deus é refúgio
Deus é nosso refúgio e fortaleza, socorro bem presente nas angústias. Nada poderá nos separar do amor de Cristo.
Mwari ndiye utiziro hwedu nesimba redu,
ndiye mubatsiri anogara aripo panguva yokutambudzika.
Naizvozvo hatizotyi, kunyange nyika ikashanduka,
uye makomo akawira mukatikati megungwa,
kunyange mvura yaro ikatinhira uye ikapupuma furo,
uye makomo akadengenyeswa namafungu aro. Sera
Ndichati pamusoro paJehovha, "Ndiye utiziro hwangu nenhare yangu,
Mwari wangu, wandinovimba naye."
Vimbai naye nguva dzose, imi vanhu;
dururai mwoyo yenyu kwaari,
nokuti Mwari ndiye utiziro hwedu. Sera
Jehovha ndiye nhare yavakamanikidzwa,
nhare yakasimba panguva yokutambudzika.
Vanoziva zita renyu vachavimba nemi,
nokuti imi, Jehovha hamuna kumbosiya avo vanokutsvakai.
Munotonga pamusoro pokusunda kwegungwa;
mafungu aro paanosimuka, munoanyaradza.
Mukuru kukunda kutinhira wemvura zhinji,
mukuru kukunda mafungu egungwa,
Jehovha ari kumusoro ndiye mukuru.
Akanyaradza dutu remhepo nezevezeve;
mafungu egungwa akanyarara kuti mwiro.
Ndianiko achatiparadzanisa norudo rwaKristu? Kutambudzika here, kana nhamo, kana kutambudzwa, kana nzara, kana kushayiwa zvokupfeka, kana njodzi, kana munondo? Sezvazvakanyorwa zvichinzi:
"Nokuda kwenyu tinotarisana norufu zuva rose;
tinoitwa samakwai anofanira kubayiwa."
Kwete, pazvinhu zvose izvi tiri vakundi nokupfuurisa kubudikidza naiye akatida. Nokuti ndinoziva kwazvo kuti kunyange rufu, kana upenyu, kana vatumwa, kana madhimoni, kana zvazvino, kana zvichauya, kana masimba api zvawo, kana kwakakwirira, kana kwakadzika, kana chimwe chinhuwo zvacho pazvisikwa zvose, hazvingagoni kutiparadzanisa norudo rwaMwari, rwuri muna Kristu Jesu Ishe wedu.
Provisão nas dificuldades
O Senhor provê mesmo nos tempos mais difíceis. Ele sustentou Elias, protegeu Israel e cuida dos seus com fidelidade eterna.
Furawu yaiva muhari haina kupera uye mafuta aiva muhari haana kupera, sezvazvakanga zvarehwa neshoko raJehovha rakataurwa naEria.
Akatatamura gore rikava chifukidzo,
uye moto kuti uvhenekere usiku.
Vakakumbira, iye akavauyisira zvihuta, uye akavagutsa nechingwa chakabva kudenga.
Akazarura dombo, mvura ikatubuka;
ikayerera mugwenga sorwizi.
Ndakanga ndiri muduku uye zvino ndakwegura,
asi handina kumboona vakarurama vachiraswa,
kana vana vavo vachipemha chingwa.
Mazuva avakarurama anozivikanwa naJehovha,
uye nhaka yavo ichagara nokusingaperi.
Panguva yamatambudziko, havanganyadziswi;
mumazuva enzara ivo vachava nezvakawanda.
Nokuti ndichadurura mvura panyika ine nyota,
nehova pamusoro pevhu rakaoma;
ndichadurura Mweya wangu pamusoro porudzi rwako,
nemikomborero yangu pamusoro pavana vako.
Manga muri utiziro hwavarombo,
utiziro hwaanoshayiwa mukutambudzika kwake,
uye dumba panguva yemvura zhinji
nomumvuri pakupisa kwezuva.
Nokuti kufema kwavano utsinye
kwakafanana nemvura zhinji inorovera parusvingo,
Chichava chifukidzo nomumvuri kubva pakupisa kwezuva, noutiziro, nenzvimbo yokuvanda kubva padutu nemvura inonaya.
Paunopfuura nomumvura zhinji
ini ndichava newe;
uye paunopinda nomunzizi, hadzizokukukuri.
Paunofamba nomumoto, haungazotsvi;
murazvo haungazokupisi.
Força nas provas
Em tudo somos atribulados, mas não esmagados. O Senhor é bom e é fortaleza no dia da angústia — Ele conhce os seus.
Tinomanikidzwa kumativi ose, asi hatipwanyiwi; tinokanganiswa, asi hatina kuora mwoyo; tinotambudzwa, asi hatina kusiyiwa; takawisirwa pasi, asi hatina kuparadzwa.
Jehovha akanaka,
utiziro panguva dzokutambudzika.
Anochengeta avo vanovimba naye,
Anoputira mvura zhinji mumakore ake;
asi makore acho haabvaruki nokuda kwokuremerwa.
Anofukidza chiso chomwedzi uzere,
achiwarira makore ake pamusoro pawo.
Anotara muganhu pamberi pemvura zhinji,
kuti ugova muganhu pakati pechiedza nerima.
Uchadzivirirwa kubva pakurova kworurimi,
uye haungatyi panosvika kuparadza.
Akavapindura achiti, "Imi vorutendo ruduku, munotyireiko kudai?" Ipapo akasimuka akatsiura mhepo namafungu uye kukadzikama kwazvo.
Varume ava vakashamiswa uye vakabvunza vachiti, "Munhu akaita seiko uyu? Kunyange mhepo namafungu zvinomuteerera!"
Zvino kana Mwari achishongedza saizvozvo uswa hwesango huripo nhasi uye mangwana huchizokandwa mumoto, haangakushongedzei kupfuura izvi here, imi vokutenda kuduku? Naizvozvo musafunganya muchiti, ‘Tichadyei?’ kana kuti, ‘Tichanwei?’ kana ‘Tichapfekei?’
Mukadzi akatizira kugwenga kunzvimbo yaakanga agadzirirwa naMwari, kwaaizochengetwa kwamazuva chiuru namazana maviri namakumi matanhatu.
Ndakupai simba rokuti mutsike pamusoro penyoka nezvinyavada uye kuti mukunde simba rose romuvengi; hakuna chichakukuvadzai.