Publicidade

Dinheiro

Por Bíblia Online

O dinheiro é ferramenta que pode ser usada para o bem ou para o mal. A Bíblia nos ensina a administrar recursos com sabedoria, generosidade e temor ao Senhor.

Perspectiva bíblica

Guardai-vos da avareza. A vida não consiste na abundância de bens. O dinheiro é servo, nunca senhor.

Ipapo akati kwavari, "Chenjerai! Muchenjerere marudzi ose okuchiva; upenyu hwomunhu hahuzi pazvizhinji zhinji zvaanazvo."

Nokuti apo pane pfuma yako ndipo pane mwoyo wakowo.

"Tenzi wake akapindura akati, Waita zvakanaka iwe muranda akanaka, akatendeka! Wanga wakatendeka pazvinhu zvishoma; ndichakuita mutariri wezvinhu zvizhinji. Pinda mumufaro watenzi wako!

Kungoti tarisei papfuma, wanei yaenda,

nokuti zvirokwazvo inomera mapapiro

igobhururuka ichienda kudenga segondo.

Usazvionza nokuda kuwana pfuma;

iva nouchenjeri hunoita kuti uzvibate.

Uyo zvake anoda mari haazombowani mari yakakwana;

ani zvake anoda pfuma haazombogutswi nezvaanowana.

Naizvozviwo hazvina maturo.

Administrar com sabedoria

Honra ao Senhor com as tuas primícias. O sábio administra seus recursos com prudência e visão de eternidade.

Kudza Jehovha nepfuma yako,

zvokutanga zvezvirimwa zvako;

Kuropafadza kwaJehovha kunowanisa upfumi,

uye haawedzeri matambudziko kwahuri.

Pfuma yakawanikwa zvakaipa haibatsiri chinhu,

asi kururama kunorwira parufu.

Mari yakawanikwa zvisakarurama ichakurumidza kupera,

asi uyo anounganidza mari zvishoma nezvishoma achaita kuti iwande.

Zviri nani sei kuwana uchenjeri pane goridhe,

kusarudza njere pane sirivha!

Zita rakanaka rinodiwa kwazvo kupfuura pfuma zhinji;

kuremekedzwa kuri nani pane sirivha kana goridhe.

Zviri nani kuva nezvishoma uchitya Jehovha,

pane kuva nepfuma zhinji namatambudziko.

Chinodiwa nomunhu rudo rusingagumi;

zviri nani kuva murombo pano kuva murevi wenhema.

Bvisai kusatendeka nenhema zvive kure neni;

musandipa urombo kana pfuma,

asi ndipei chete zvokudya zvemisi yose.

Perigos e armadilhas

Quem quer enriquecer cai em tentação. Fuja do amor ao dinheiro e busque contentamento no Senhor.

Vanhu vanotsvaka kupfuma vanowira mukuedzwa nomumusungo uye nomukuchiva kwoupenzi kuzhinji kunokuvadza uye kunoisa vanhu mukuparadzwa nokuraswa.

Rayira vapfumi panyika ino kuti varege kuzvikudza kana kuisa tariro yavo mupfuma, isingagari, asi kuti vaise tariro yavo kuna Mwari, anotipa zvose zvizhinji kuti tifare nazvo.

Musakarira mari pamagariro enyu uye mugutsikane nezvamunazvo, nokuti Mwari akati:

"Handingatongokusiyei;

handingatongokurasei."

Pfuma haibatsiri chinhu pazuva rokutsamwa,

asi kururama kunorwira parufu.

Pfuma yavapfumi ndiro guta ravo rina masvingo;

vanoriona sorusvingo rurefu pakufunga kwavo.

Tudo vem de Deus

De ti vem tudo, e das tuas mãos to damos. Os tributos são devidos — dai a César o que é de César e a Deus o que é de Deus.

"Asi ini ndini aniko, uye vanhu vangu ndivanaaniko kuti tingakwanisa kupa zvakawanda kudai? Zvose zvinobva kwamuri, uye tangokupai chete zvinobva mumaoko enyu.

Ripirai vose vamunofanira kuripira: Kana uri mutero, ripai mutero; kana iri miripo, ngairipwe, kana kuri kutya, kuna vanofanira kutyiwa, kana rwuri rukudzo, kuna vanofanira kukudzwa.

Ndokusaka muchiripawo mitero, nokuti vabati varanda vaMwari, vanopa nguva yavo yose pakutonga.

Zvishoma zvowakarurama zviri nani

kupinda pfuma yavakaipa vazhinji;

nokuti simba ravakaipa richavhuniwa,

asi Jehovha anotsigira vakarurama.

Ndinofarira kutevera zvirevo zvenyu,

somunhu anofarira pfuma huru.

Seja o primeiro
Publicidade
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-29_22-07-56-