Publicidade

Dívidas

Por Bíblia Online

As dívidas podem escravizar, mas a Bíblia nos ensina princípios de sabedoria financeira: não se endividar imprudentemente, pagar o que se deve e confiar em Deus como provedor.

O devedor é servo do credor

O rico domina sobre o pobre, e o que toma emprestado é servo do que empresta. A Bíblia convida à liberdade financeira.

Mupfumi anobata ushe pamusoro pomurombo,

uye anokwereta anova muranda weanokweretesa.

Usarega kuitira zvakanaka kuno uyo akafanirwa nazvo,

kana zviri musimba rako kuzviita.

Mari yakawanikwa zvisakarurama ichakurumidza kupera,

asi uyo anounganidza mari zvishoma nezvishoma achaita kuti iwande.

"Hapana angakwanise kushandira vatenzi vaviri. Achavenga mumwe uye agoda mumwe, kana kuti achazvipira kushandira mumwe uye agozvidza mumwe. Haungashandire zvose Mwari neMari.

Princípios financeiros

Pagai a todos o que lhes é devido. Deus promete que o justo não será desamparado e que a bênção virá sobre os obedientes.

Ripirai vose vamunofanira kuripira: Kana uri mutero, ripai mutero; kana iri miripo, ngairipwe, kana kuri kutya, kuna vanofanira kutyiwa, kana rwuri rukudzo, kuna vanofanira kukudzwa.

Ivai norudo nokuti Zuva rava pedyo

Musava nechikwereti kumunhu, kunze kwechikwereti chorudo mumwe kuno mumwe, nokuti anoda mumwe azadzisa murayiro.

Vakaipa vanokwereta uye havadzori,

asi vakarurama vanopa zvakawanda;

"Tomboti mumwe wenyu anoda kuvaka shongwe. Haatangi agara pasi agoongorora mutengo kuti aone kana ane mari inokwana kuipedza here?

Upe vose vanokukumbira, uye kana ani zvake akatora chinhu chako, usagombedzera kuti chidzoke.

Tiregererei zvatinokutadzirai,

sezvatinoregererawo vanotitadzira isu.

Contentamento

Seja o vosso viver sem ganância, contentando-vos com o que tendes. O Senhor é suficiente — não nos desamparará.

Musakarira mari pamagariro enyu uye mugutsikane nezvamunazvo, nokuti Mwari akati:

"Handingatongokusiyei;

handingatongokurasei."

Nokuti Jehovha Mwari wenyu achakuropafadzai sezvaakavimbisa, uye imi muchapa zvikwereti kundudzi zhinji asi imi hamungakwereti kubva kurudzi rupi zvarwo. Muchatonga ndudzi zhinji asi hapana rudzi ruchakutongai.

Seja o primeiro
Publicidade
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-29_22-07-56-